< איוב 5 >

קרא-נא היש עונך ואל-מי מקדשים תפנה 1
“Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?
כי-לאויל יהרג-כעש ופתה תמית קנאה 2
Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano.
אני-ראיתי אויל משריש ואקוב נוהו פתאם 3
Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa.
ירחקו בניו מישע וידכאו בשער ואין מציל 4
Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.
אשר קצירו רעב יאכל--ואל-מצנים יקחהו ושאף צמים חילם 5
Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.
כי לא-יצא מעפר און ומאדמה לא-יצמח עמל 6
Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu, uye nhamo haimeri muvhu.
כי-אדם לעמל יולד ובני-רשף יגביהו עוף 7
Asi munhu anoberekerwa nhamo, zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.
אולם--אני אדרש אל-אל ואל-אלהים אשים דברתי 8
“Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari; ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.
עשה גדלות ואין חקר נפלאות עד-אין מספר 9
Anoita minana isingagoni kuyerwa, zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
הנתן מטר על-פני-ארץ ושלח מים על-פני חוצות 10
Anopa mvura panyika; anotuma mvura pamusoro penyika.
לשום שפלים למרום וקדרים שגבו ישע 11
Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira, uye vaya vanochema vanosimudzirwa kuchinzvimbo chokuchengetedzwa.
מפר מחשבות ערומים ולא-תעשנה ידיהם תשיה 12
Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri, kuitira kuti maoko avo abate pasina.
לכד חכמים בערמם ועצת נפתלים נמהרה 13
Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo, uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.
יומם יפגשו-חשך וכלילה ימששו בצהרים 14
Rima rinosvika pamusoro pavo masikati; vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
וישע מחרב מפיהם ומיד חזק אביון 15
Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo; anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.
ותהי לדל תקוה ועלתה קפצה פיה 16
Saka varombo vane tariro, uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wako.
הנה אשרי אנוש יוכחנו אלוה ומוסר שדי אל-תמאס 17
“Akaropafadzwa munhu anogadziridzwa zvaari naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
כי הוא יכאיב ויחבש ימחץ וידו תרפינה 18
Nokuti anopa vanga, asi achisungazve; anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.
בשש צרות יצילך ובשבע לא-יגע בך רע 19
Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu; kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.
ברעב פדך ממות ובמלחמה מידי חרב 20
Munzara achakudzikinura kubva parufu, uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.
בשוט לשון תחבא ולא-תירא משד כי יבוא 21
Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi, uye haungatyi panosvika kuparadza.
לשד ולכפן תשחק ומחית הארץ אל-תירא 22
Uchaseka kuparadza nenzara, uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.
כי עם-אבני השדה בריתך וחית השדה השלמה-לך 23
Nokuti uchaita sungano namabwe esango, uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.
וידעת כי-שלום אהלך ופקדת נוך ולא תחטא 24
Uchaziva kuti tende rako rakasimba, uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.
וידעת כי-רב זרעך וצאצאיך כעשב הארץ 25
Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji, uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.
תבוא בכלח אלי-קבר כעלות גדיש בעתו 26
Uchasvika paguva une simba guru, sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.
הנה-זאת חקרנוה כן-היא שמענה ואתה דע-לך 27
“Takazviedza izvi, uye ndezvechokwadi. Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”

< איוב 5 >