< איוב 40 >
ויען יהוה את-איוב ויאמר | 1 |
Jehovha akati kuna Jobho:
הרב עם-שדי יסור מוכיח אלוה יעננה | 2 |
“Ko, munhu anokakavadzana noWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”
ויען איוב את-יהוה ויאמר | 3 |
Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:
הן קלתי מה אשיבך ידי שמתי למו-פי | 4 |
“Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu.
אחת דברתי ולא אענה ושתים ולא אוסיף | 5 |
Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzazve.”
ויען-יהוה את-איוב מנסערה (מן סערה) ויאמר | 6 |
Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:
אזר-נא כגבר חלציך אשאלך והודיעני | 7 |
“Chizvisunga chiuno somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.
האף תפר משפטי תרשיעני למען תצדק | 8 |
“Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?
ואם-זרוע כאל לך ובקול כמהו תרעם | 9 |
Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here, uye inzwi rako ringatinhira serake here?
עדה נא גאון וגבה והוד והדר תלבש | 10 |
Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya, uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo.
הפץ עברות אפך וראה כל-גאה והשפילהו | 11 |
Regedzera ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,
ראה כל-גאה הכניעהו והדך רשעים תחתם | 12 |
tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire.
טמנם בעפר יחד פניהם חבש בטמון | 13 |
Uvavige vose pamwe chete muguruva; ufukidze zviso zvavo muguva.
וגם-אני אודך כי-תושע לך ימינך | 14 |
Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.
הנה-נא בהמות אשר-עשיתי עמך חציר כבקר יאכל | 15 |
“Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe uye inofura uswa senzombe.
הנה-נא כחו במתניו ואונו בשרירי בטנו | 16 |
Simba rainaro muchiuno chayo, kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo.
יחפץ זנבו כמו-ארז גידי פחדו ישרגו | 17 |
Muswe wayo unotsvikidza somusidhari; marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa.
עצמיו אפיקי נחשה גרמיו כמטיל ברזל | 18 |
Mapfupa ayo ipombi dzendarira, miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi.
הוא ראשית דרכי-אל העשו יגש חרבו | 19 |
Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari, asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake.
כי-בול הרים ישאו-לו וכל-חית השדה ישחקו-שם | 20 |
Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo, uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo.
תחת-צאלים ישכב-- בסתר קנה ובצה | 21 |
Inovata pasi pemiti yemirotasi yakavanda pakati petsanga munhope.
יסכהו צאלים צללו יסבוהו ערבי-נחל | 22 |
Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo; mikonachando iri mujinga morukova inoipoteredza.
הן יעשק נהר לא יחפוז יבטח כי-יגיח ירדן אל-פיהו | 23 |
Panozara rwizi, iyo haivhunduki; inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo.
בעיניו יקחנו במוקשים ינקב-אף | 24 |
Pano munhu angagona kuibata neziso, kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here?