< איוב 22 >

ויען אליפז התמני ויאמר 1
Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
הלאל יסכן-גבר-- כי-יסכן עלימו משכיל 2
“Ko, munhu angabatsira Mwari here? Kunyange munhu akachenjera angamubatsira here?
החפץ לשדי כי תצדק ואם-בצע כי-תתם דרכיך 3
Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama?
המיראתך יכיחך יבוא עמך במשפט 4
“Imhaka yokumunamata kwako here zvaanokutsiura uyewo achikupa mhosva?
הלא רעתך רבה ואין-קץ לעונתיך 5
Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi?
כי-תחבל אחיך חנם ובגדי ערומים תפשיט 6
Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka.
לא-מים עיף תשקה ומרעב תמנע-לחם 7
Wakanyima mvura vakaneta uye wakanyima vane nzara zvokudya,
ואיש זרוע לו הארץ ונשוא פנים ישב בה 8
kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane minda yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi.
אלמנות שלחת ריקם וזרעות יתמים ידכא 9
Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna simba renherera.
על-כן סביבותיך פחים ויבהלך פחד פתאם 10
Ndokusaka misungo yakakukomberedza, ndokusaka njodzi ichikuvhundutsa,
או-חשך לא-תראה ושפעת-מים תכסך 11
ndokusaka kuine rima usingakwanisi kuona, uye mafashamu emvura achikufukidza.
הלא-אלוה גבה שמים וראה ראש כוכבים כי-רמו 12
“Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here? Tarira kukwirira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro!
ואמרת מה-ידע אל הבעד ערפל ישפוט 13
Asi imi munoti, ‘Mwari anoziveiko? Ko, anotonga murima rakadai here?
עבים סתר-לו ולא יראה וחוג שמים יתהלך 14
Makore matema anomufukidza, saka haationi paanofamba-famba padenderedzwa ramatenga.’
הארח עולם תשמור-- אשר דרכו מתי-און 15
Ko, iwe ucharambira munzira yakare iya yakatsikwa navanhu vakaipa here?
אשר-קמטו ולא-עת נהר יוצק יסודם 16
Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu.
האמרים לאל סור ממנו ומה-יפעל שדי למו 17
Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’
והוא מלא בתיהם טוב ועצת רשעים רחקה מני 18
Sezvo ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, ndinomira kure namano avakaipa.
יראו צדיקים וישמחו ונקי ילעג-למו 19
“Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara, vasina mhaka vanovaseka vachiti,
אם-לא נכחד קימנו ויתרם אכלה אש 20
‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa, uye moto unopedza pfuma yavo.’
הסכן-נא עמו ושלם בהם תבואתך טובה 21
“Zviise pasi paMwari ugova norugare naye, nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri.
קח-נא מפיו תורה ושים אמריו בלבבך 22
Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make uye uchengete mashoko ake mumwoyo.
אם-תשוב עד-שדי תבנה תרחיק עולה מאהלך 23
Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchadzoredzerwa: Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako,
ושית-על-עפר בצר ובצור נחלים אופיר 24
uye ukaisa goridhe rako paguruva, iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi,
והיה שדי בצריך וכסף תועפות לך 25
ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako, iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa.
כי-אז על-שדי תתענג ותשא אל-אלוה פניך 26
Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
תעתיר אליו וישמעך ונדריך תשלם 27
Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa, uye iwe uchazadzisa zvawakapika.
ותגזר-אמר ויקם לך ועל-דרכיך נגה אור 28
Zvaunotaura sechirevo zvichaitika, uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.
כי-השפילו ותאמר גוה ושח עינים יושע 29
Vanhu pavanodzikiswa iwe ukati, ‘Vasimudzei!’ ipapo vakaderedzwa vachaponeswa.
ימלט אי-נקי ונמלט בבר כפיך 30
Achadzikinura kunyange uyo ane mhosva, acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.”

< איוב 22 >