< איוב 12 >

ויען איוב ויאמר 1
Ipapo Jobho akapindura akati:
אמנם כי אתם-עם ועמכם תמות חכמה 2
“Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye uchenjeri huchafa nemi!
גם-לי לבב כמוכם--לא-נפל אנכי מכם ואת-מי-אין כמו-אלה 3
Asi neniwo ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?
שחק לרעהו אהיה--קרא לאלוה ויענהו שחוק צדיק תמים 4
“Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!
לפיד בוז לעשתות שאנן-- נכון למועדי רגל 5
Varume vagere zvakanaka vanoshora nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.
ישליו אהלים לשדדים ובטחות למרגיזי אל-- לאשר הביא אלוה בידו 6
Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura mwari wavo mumaoko avo.
ואולם--שאל-נא בהמות ותרך ועוף השמים ויגד-לך 7
“Asi bvunza mhuka, uye dzichakudzidzisa, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudza;
או שיח לארץ ותרך ויספרו לך דגי הים 8
kana taura kunyika, ichakudzidzisa, kana hove dzegungwa ngadzikuzivise.
מי לא-ידע בכל-אלה כי יד-יהוה עשתה זאת 9
Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?
אשר בידו נפש כל-חי ורוח כל-בשר-איש 10
Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.
הלא-אזן מלין תבחן וחך אכל יטעם-לו 11
Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?
בישישים חכמה וארך ימים תבונה 12
Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?
עמו חכמה וגבורה לו עצה ותבונה 13
“Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; kudzidzisa nokunzwisisa ndezvake.
הן יהרוס ולא יבנה יסגר על-איש ולא יפתח 14
Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; murume waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.
הן יעצר במים ויבשו וישלחם ויהפכו ארץ 15
Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.
עמו עז ותושיה לו שגג ומשגה 16
Simba nokukunda ndezvake; anonyengerwa nomunyengeri vose ndevake.
מוליך יועצים שולל ושפטים יהולל 17
Anodzinga makurukota asina nguo uye anoita kuti vatongi vave mapenzi.
מוסר מלכים פתח ויאסר אזור במתניהם 18
Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo agosunga zviuno zvavo nomucheka.
מוליך כהנים שולל ואתנים יסלף 19
Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.
מסיר שפה לנאמנים וטעם זקנים יקח 20
Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.
שופך בוז על-נדיבים ומזיח אפיקים רפה 21
Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.
מגלה עמקות מני-חשך ויצא לאור צלמות 22
Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.
משגיא לגוים ויאבדם שטח לגוים וינחם 23
Anoita kuti ndudzi dzive huru, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, uye anodziparadzira.
מסיר--לב ראשי עם-הארץ ויתעם בתהו לא-דרך 24
Anotorera vatungamiri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.
ימששו-חשך ולא-אור ויתעם כשכור 25
Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.

< איוב 12 >