< ירמיה 9 >
מי יתן ראשי מים ועיני מקור דמעה ואבכה יומם ולילה את חללי בת עמי | 1 |
Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura uye meso angu riri tsime remisodzi! Ndingadai ndaichema masikati nousiku nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu.
מי יתנני במדבר מלון ארחים ואעזבה את עמי ואלכה מאתם כי כלם מנאפים עצרת בגדים | 2 |
Haiwa, dai ndaiva nenzvimbo mugwenga yokugara yavafambi, kuitira kuti ndisiye vanhu vangu ndiende kure navo; nokuti vose imhombwe, ungano yavanhu vasina kutendeka.
וידרכו את לשונם קשתם שקר ולא לאמונה גברו בארץ כי מרעה אל רעה יצאו ואתי לא ידעו נאם יהוה | 3 |
“Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi pakukunda kwavanoita munyika. Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe; havandizivi ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
איש מרעהו השמרו ועל כל אח אל תבטחו כי כל אח עקוב יעקב וכל רע רכיל יהלך | 4 |
“Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa.
ואיש ברעהו יהתלו ואמת לא ידברו למדו לשונם דבר שקר העוה נלאו | 5 |
Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa.
שבתך בתוך מרמה במרמה מאנו דעת אותי נאם יהוה | 6 |
Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
לכן כה אמר יהוה צבאות הנני צורפם ובחנתים כי איך אעשה מפני בת עמי | 7 |
Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai, ndichavanatsa uye ndichavaedza, ndechipi chimwe chandingaita nokuda kwechivi chavanhu vangu?
חץ שוחט (שחוט) לשונם מרמה דבר בפיו שלום את רעהו ידבר ובקרבו ישים ארבו | 8 |
Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura nokunyengera. Nomuromo wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kune wokwake, asi mumwoyo make anomuteyera musungo.
העל אלה לא אפקד בם נאם יהוה אם בגוי אשר כזה לא תתנקם נפשי | 9 |
Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri pamusoro porudzi rwakadai here?”
על ההרים אשא בכי ונהי ועל נאות מדבר קינה--כי נצתו מבלי איש עבר ולא שמעו קול מקנה מעוף השמים ועד בהמה נדדו הלכו | 10 |
Ndichachema uye ndichaungudza nokuda kwamakomo, uye ndichachema pamusoro pamafuro egwenga. Aparara uye hakuna anofambako, uye kukuma kwemombe hakunzwiki. Shiri dzedenga dzatiza, uye mhuka dzaenda.
ונתתי את ירושלם לגלים מעון תנים ואת ערי יהודה אתן שממה מבלי יושב | 11 |
“Ndichaita Jerusarema murwi wedongo, panogara makava; uye ndichaparadza maguta eJudha, kuti kurege kuva nomunhu anogarako.”
מי האיש החכם ויבן את זאת ואשר דבר פי יהוה אליו ויגדה על מה אבדה הארץ נצתה כמדבר מבלי עבר | 12 |
Ndoupiko munhu akachenjera zvokuti anganzwisisa izvi? Ndianiko akarayirwa naJehovha uye angatsanangura izvi? Nemhaka yeiko nyika yanyangadzwa yava dongo ikafanana negwenga risina angapfuura nomo?
ויאמר יהוה--על עזבם את תורתי אשר נתתי לפניהם ולא שמעו בקולי ולא הלכו בה | 13 |
Jehovha akati, “Nemhaka yokuti vakasiya murayiro wangu, wandakaisa pamberi pavo, havana kunditeerera kana kutevera murayiro wangu.
וילכו אחרי שררות לבם--ואחרי הבעלים אשר למדום אבותם | 14 |
Asi, vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo; vakatevera vanaBhaari, sezvavakadzidziswa namadzibaba avo.”
לכן כה אמר יהוה צבאות אלהי ישראל הנני מאכילם את העם הזה לענה והשקיתים מי ראש | 15 |
Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Tarirai ndichaita kuti vanhu ava vadye zvinovava uye kuti vanwe mvura ino muchetura.
והפצותים בגוים אשר לא ידעו המה ואבותם ושלחתי אחריהם את החרב עד כלותי אותם | 16 |
Ndichavaparadzira pakati pendudzi dzavasina kumboziva uye dzisina kumbozivikanwa namadzibaba avo, uye ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavaparadza.”
כה אמר יהוה צבאות התבוננו וקראו למקוננות ותבואינה ואל החכמות שלחו ותבואנה | 17 |
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Rangarirai zvino! Danai vakadzi vanochema vauye; danai vanogonesesa pakati pavo.
ותמהרנה ותשנה עלינו נהי ותרדנה עינינו דמעה ועפעפינו יזלו מים | 18 |
Ngavakurumidze kuuya vagochema pamusoro pedu kusvikira maziso edu ayerera misodzi, nzizi dzoyerera mumaziso edu.
כי קול נהי נשמע מציון איך שדדנו בשנו מאד כי עזבנו ארץ כי השליכו משכנותינו | 19 |
Maungira okuchema anonzwika kubva kuZioni achiti: ‘Haiwa taparadzwa sei! Haiwa kunyadziswa kwedu kukuru sei! Tinofanira kusiya nyika yedu nokuti dzimba dzedu dzava matongo.’”
כי שמענה נשים דבר יהוה ותקח אזנכם דבר פיו ולמדנה בנותיכם נהי ואשה רעותה קינה | 20 |
Zvino, imi vakadzi, inzwai shoko raJehovha; dziurai nzeve dzenyu dzinzwe mashoko omuromo wake. Dzidzisai vanasikana venyu kuungudza; dzidzisanai kuchema.
כי עלה מות בחלונינו בא בארמנותינו--להכרית עולל מחוץ בחורים מרחבות | 21 |
Rufu rwakapinda napamawindo edu uye rwapinda munhare dzedu; rwauraya vana mumigwagwa namajaya ari munzira dzeguta.
דבר כה נאם יהוה ונפלה נבלת האדם כדמן על פני השדה וכעמיר מאחרי הקצר ואין מאסף | 22 |
Uti, “Zvanzi naJehovha: “‘Zvitunha zvavanhu zvichavata somupfudze uri pamusoro pomunda, sezviyo zvakachekwa shure kwavacheki, zvisina achazviunganidza.’”
כה אמר יהוה אל יתהלל חכם בחכמתו ואל יתהלל הגבור בגבורתו אל יתהלל עשיר בעשרו | 23 |
Zvanzi naJehovha: “Akachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro penjere dzake, kana munhu ane simba pamusoro pesimba rake, kana akapfuma pamusoro pepfuma yake,
כי אם בזאת יתהלל המתהלל השכל וידע אותי--כי אני יהוה עשה חסד משפט וצדקה בארץ כי באלה חפצתי נאם יהוה | 24 |
Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze pamusoro pezvizvi: kuti anondinzwisisa uye kuti anondiziva ini, kuti ndini Jehovha, anoita unyoro, nokukururamisira, nokururama panyika, nokuti ndinofarira izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
הנה ימים באים נאם יהוה ופקדתי על כל מול בערלה | 25 |
“Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharanga vose vakadzingiswa panyama chete,
על מצרים ועל יהודה ועל אדום ועל בני עמון ועל מואב ועל כל קצוצי פאה הישבים במדבר--כי כל הגוים ערלים וכל בית ישראל ערלי לב | 26 |
Ijipiti, Judha, Edhomu, Amoni, Moabhu navose vanogara mugwenga kunzvimbo dziri kure. Nokuti ndudzi dzose idzi hadzina kumbodzingiswa, uye kunyange imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa, mumwoyo.”