< ירמיה 6 >
העזו בני בנימן מקרב ירושלם ובתקוע תקעו שופר ועל בית הכרם שאו משאת כי רעה נשקפה מצפון ושבר גדול | 1 |
“Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini! Tizai mubve muJerusarema! Ridzai hwamanda muTekoa! Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti Hakeremu! Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.
הנוה והמענגה דמיתי בת ציון | 2 |
Ndichaparadza mwanasikana weZioni, akanakisa uye anoyevedza.
אליה יבאו רעים ועדריהם תקעו עליה אהלים סביב רעו איש את ידו | 3 |
Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kuzomurwisa; vachadzika matende avo vakamukomba, mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.”
קדשו עליה מלחמה קומו ונעלה בצהרים אוי לנו כי פנה היום כי ינטו צללי ערב | 4 |
Gadzirirai kurwa naye! Simukai, ngatimurwisei masikati! “Asi, yowe-e, zuva rovira, uye mimvuri yamadekwana yoreba.
קומו ונעלה בלילה ונשחיתה ארמנותיה | 5 |
Naizvozvo simukai, ngatimurwisei usiku, uye tiparadze nhare dzake!”
כי כה אמר יהוה צבאות כרתו עצה ושפכו על ירושלם סללה היא העיר הפקד כלה עשק בקרבה | 6 |
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Temerai miti pasi, mugovakira Jerusarema mirwi yokurikomba. Guta iri rinofanira kurangwa; rizere nokumanikidza.
כהקיר בור (ביר) מימיה כן הקרה רעתה חמס ושד ישמע בה על פני תמיד--חלי ומכה | 7 |
Setsime rinoeredza mvura yaro, saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro. Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwikwa mariri, kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu.
הוסרי ירושלם--פן תקע נפשי ממך פן אשימך שממה ארץ לוא נושבה | 8 |
Inzwa yambiro, iwe Jerusarema, kuti ndisakufuratira ndikaita nyika yako dongo, kuti isava nomunhu angagara mairi.”
כה אמר יהוה צבאות עולל יעוללו כגפן שארית ישראל השב ידך כבוצר על סלסלות | 9 |
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ngavatanhe zvakasara zvaIsraeri vatanhe zvachose samazambiringa; utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi, sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.”
על מי אדברה ואעידה וישמעו--הנה ערלה אזנם ולא יוכלו להקשיב הנה דבר יהוה היה להם לחרפה--לא יחפצו בו | 10 |
Ndingataura naaniko wandingayambira? Ndianiko achandinzwa? Nzeve dzavo dzakadzivirwa kuti varege kunzwa. Shoko raJehovha chigumbuso kwavari; havawani mufaro mariri.
ואת חמת יהוה מלאתי נלאיתי הכיל--שפך על עולל בחוץ ועל סוד בחורים יחדו כי גם איש עם אשה ילכדו זקן עם מלא ימים | 11 |
Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha, uye handichagoni kuzvidzora. “Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete; zvose murume nomukadzi vachabatwa imomo, navatana, vaya vabva zera.
ונסבו בתיהם לאחרים שדות ונשים יחדו כי אטה את ידי על ישבי הארץ נאם יהוה | 12 |
Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, minda yavo pamwe chete navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
כי מקטנם ועד גדולם כלו בוצע בצע ומנביא ועד כהן--כלו עשה שקר | 13 |
“Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera.
וירפאו את שבר עמי על נקלה--לאמר שלום שלום ואין שלום | 14 |
Vanosunga ronda ravanhu vangu sokunge vasina kukuvara zvikuru. Vanoti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare.
הבישו כי תועבה עשו גם בוש לא יבושו גם הכלים לא ידעו--לכן יפלו בנפלים בעת פקדתים יכשלו אמר יהוה | 15 |
Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here? Kwete, havana nyadzi zvachose; havambozivi kuratidza nyadzi. Naizvozvo vachawira pakati pavakawa; vachadzikiswa pandichavaranga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
כה אמר יהוה עמדו על דרכים וראו ושאלו לנתבות עולם אי זה דרך הטוב ולכו בה ומצאו מרגוע לנפשכם ויאמרו לא נלך | 16 |
Zvanzi naJehovha: “Mirai pamharadzano dzenzira muone; mubvunze nzira dzekare, mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi, ipapo muchawana zororo remweya yenyu. Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’
והקמתי עליכם צפים הקשיבו לקול שופר ויאמרו לא נקשיב | 17 |
Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati, ‘Teererai inzwi rehwamanda!’ Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’
לכן שמעו הגוים ודעי עדה את אשר בם | 18 |
Naizvozvo inzwai, imi ndudzi, nemi zvapupu, cherechedzai zvichaitika kwavari.
שמעי הארץ--הנה אנכי מביא רעה אל העם הזה פרי מחשבותם כי על דברי לא הקשיבו ותורתי וימאסו בה | 19 |
Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu.
למה זה לי לבונה משבא תבוא וקנה הטוב מארץ מרחק עלותיכם לא לרצון וזבחיכם לא ערבו לי | 20 |
Ndine hanya yeiko nezvinonhuhwira zvinobva kuShebha, kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi; zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.”
לכן כה אמר יהוה הנני נתן אל העם הזה מכשלים וכשלו בם אבות ובנים יחדו שכן ורעו--יאבדו (ואבדו) | 21 |
Naizvozvo zvanzi naJehovha: “Ndichaisa zvipinganidzo pamberi pavanhu ava. Madzibaba navanakomana vachagumburwa nazvo pamwe chete, vavakidzani neshamwari vachaparara.”
כה אמר יהוה הנה עם בא מארץ צפון וגוי גדול יעור מירכתי ארץ | 22 |
Zvanzi naJehovha: “Tarirai, hondo iri kuuya kubva kunyika yokumusoro; rudzi rukuru rwuri kumutswa kubva kumigumo yenyika.
קשת וכידון יחזיקו אכזרי הוא ולא ירחמו קולם כים יהמה ועל סוסים ירכבו ערוך כאיש למלחמה עליך בת ציון | 23 |
Vakapakata uta nepfumo; vane utsinye uye havana ngoni. Vanonzwikwa sokutinhira kwegungwa vakatasva mabhiza avo; vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.”
שמענו את שמעו רפו ידינו צרה החזקתנו--חיל כיולדה | 24 |
Takanzwa guhu ravo, uye maoko edu oshayiwa simba. Tabatwa nokurwadziwa, kurwadziwa kwakaita sekwomukadzi ari kusununguka.
אל תצאי (תצאו) השדה ובדרך אל תלכי (תלכו) כי חרב לאיב מגור מסביב | 25 |
Regai kuenda kumunda, kana kufamba mumigwagwa, nokuti muvengi ane munondo, uye kumativi ose kune zvinotyisa.
בת עמי חגרי שק והתפלשי באפר--אבל יחיד עשי לך מספד תמרורים כי פתאם יבא השדד עלינו | 26 |
Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga mugoumburuka mumadota; chemai nokuchema kukuru kwazvo kunge munochemera mwanakomana mumwe chete, nokuti muparadzi achatiwira pakarepo.
בחון נתתיך בעמי מבצר ותדע ובחנת את דרכם | 27 |
“Ndakakuita muedzi wamatare navanhu vangu mhangura, kuti ucherechedze uye uedze nzira dzavo.
כלם סרי סוררים הלכי רכיל נחשת וברזל כלם משחיתים המה | 28 |
Vose vamukiri vakaoma mwoyo, vanongofamba-famba vachiita makuhwa. Ivo indarira nesimbi; vose vanoita zvakaora.
נחר מפח מאשתם (מאש תם) עפרת--לשוא צרף צרוף ורעים לא נתקו | 29 |
Mvuto inovhutira zvinotyisa kuti ipise mutobvu nomoto, asi kunatswa kunongova pasina; nokuti vakaipa havasi kubviswa.
כסף נמאס קראו להם כי מאס יהוה בהם | 30 |
Vanonzi sirivha yakarambwa, nokuti Jehovha akavaramba.”