< הושע 14 >
שובה ישראל עד יהוה אלהיך כי כשלת בעונך | 1 |
Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako!
קחו עמכם דברים ושובו אל יהוה אמרו אליו כל תשא עון וקח טוב ונשלמה פרים שפתינו | 2 |
Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.
אשור לא יושיענו על סוס לא נרכב ולא נאמר עוד אלהינו למעשה ידינו--אשר בך ירחם יתום | 3 |
Asiria haingatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.”
ארפא משובתם--אהבם נדבה כי שב אפי ממנו | 4 |
“Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.
אהיה כטל לישראל יפרח כשושנה ויך שרשיו כלבנון | 5 |
Ndichava sedova kuna Israeri; achatunga seruva remahapa. Somusidhari weRebhanoni achadzikisa midzi yake;
ילכו ינקותיו ויהי כזית הודו וריח לו כלבנון | 6 |
mabukira ake achakura. Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi, kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.
ישבו ישבי בצלו יחיו דגן ויפרחו כגפן זכרו כיין לבנון | 7 |
Vanhu vachagarazve mumumvuri wake. Achabudirira sezviyo. Achatunga maruva somuzambiringa, uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.
אפרים מה לי עוד לעצבים אני עניתי ואשורנו אני כברוש רענן--ממני פריך נמצא | 8 |
Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo? Ndichamupindura uye ndichamuchengeta. Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira; kubereka kwako kunobva kwandiri.”
מי חכם ויבן אלה נבון וידעם כי ישרים דרכי יהוה וצדקים ילכו בם ופשעים יכשלו בם | 9 |
Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi. Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa. Nzira dzaJehovha dzakarurama; vakarurama vanofamba madziri, asi vatadzi vanogumburwa madziri.