< בראשית 30 >

ותרא רחל כי לא ילדה ליעקב ותקנא רחל באחתה ותאמר אל יעקב הבה לי בנים ואם אין מתה אנכי 1
Rakeri akati aona kuti akanga asingaberekeri Jakobho vana, akaitira mukoma wake godo. Saka akati kuna Jakobho, “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichafa!”
ויחר אף יעקב ברחל ויאמר התחת אלהים אנכי אשר מנע ממך פרי בטן 2
Jakobho akamutsamwira akati, “Ko, ini ndiri panzvimbo yaMwari here akakuita kuti urege kuva nevana?”
ותאמר הנה אמתי בלהה בא אליה ותלד על ברכי ואבנה גם אנכי ממנה 3
Ipapo akati, “Hoyu Bhiriha, murandakadzi wangu. Vata naye kuitira kuti andiberekere vana uye kuti kubudikidza naye neni ndigovawo nemhuri.”
ותתן לו את בלהה שפחתה לאשה ויבא אליה יעקב 4
Saka akamupa murandakadzi wake Bhiriha kuti ave mukadzi wake. Jakobho akavata naye,
ותהר בלהה ותלד ליעקב בן 5
akava nemimba akamuberekera mwanakomana.
ותאמר רחל דנני אלהים וגם שמע בקלי ויתן לי בן על כן קראה שמו דן 6
Ipapo Rakeri akati, “Mwari andiruramisira; iye akanzwa mukumbiro wangu uye akandipa mwanakomana.” Nokuda kwaizvozvo akamutumidza zita rokuti Dhani.
ותהר עוד--ותלד בלהה שפחת רחל בן שני ליעקב 7
Bhiriha murandakadzi waRakeri akavazve nemimba uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
ותאמר רחל נפתולי אלהים נפתלתי עם אחתי--גם יכלתי ותקרא שמו נפתלי 8
Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda.” Saka akamutumidza zita rokuti Nafutari.
ותרא לאה כי עמדה מלדת ותקח את זלפה שפחתה ותתן אתה ליעקב לאשה 9
Rea akati aona kuti aguma kubereka vana, akatora murandakadzi wake Ziripa akamupa kuna Jakobho somukadzi wake.
ותלד זלפה שפחת לאה--ליעקב בן 10
Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana.
ותאמר לאה בגד (בא גד) ותקרא את שמו גד 11
Ipapo Rea akati, “Makorokoto! Zvaita zvakanaka.” Saka akamutumidza zita rokuti Gadhi.
ותלד זלפה שפחת לאה בן שני ליעקב 12
Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
ותאמר לאה--באשרי כי אשרוני בנות ותקרא את שמו אשר 13
Ipapo Rea akati, “Mufaroi wandinawo! Vakadzi vachati mufaro kwandiri.” Saka akamutumidza zita rokuti Asheri.
וילך ראובן בימי קציר חטים וימצא דודאים בשדה ויבא אתם אל לאה אמו ותאמר רחל אל לאה תני נא לי מדודאי בנך 14
Panguva yokuchekwa kwegorosi, Rubheni akabuda akaenda musango akandowana mamandiraki, akauya nawo kuna mai vake Rea, Rakeri akati kuna Rea, “Ndapota dondipawo mamwe mamandiraki omwanakomana wako.”
ותאמר לה המעט קחתך את אישי ולקחת גם את דודאי בני ותאמר רחל לכן ישכב עמך הלילה תחת דודאי בנך 15
Asi iye akati kwaari, “Ko, hazvina kuringana here kuti wakanditorera murume wangu? Uchada kutorazve mamandiraki omwanakomana wangu here?” Rakeri akati, “Zvakanaka, ngaavate newe usiku huno nokuda kwamamandiraki omwanakomana wako.”
ויבא יעקב מן השדה בערב ותצא לאה לקראתו ותאמר אלי תבוא כי שכר שכרתיך בדודאי בני וישכב עמה בלילה הוא 16
Saka Jakobho akati achisvika kubva kusango manheru iwayo, Rea akabuda kundomuchingamidza. Akati kwaari, “Unofanira kuvata neni iwe. Ndakutenga nemamandiraki omwanakomana wangu.” Saka akavata naye usiku ihwohwo.
וישמע אלהים אל לאה ותהר ותלד ליעקב בן חמישי 17
Mwari akanzwa Rea, uye akava nemimba akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu.
ותאמר לאה נתן אלהים שכרי אשר נתתי שפחתי לאישי ותקרא שמו יששכר 18
Ipapo Rea akati, “Mwari akandipa mubayiro nokuda kwokupa murandakadzi wangu kumurume wangu.” Saka akamutumidza zita rokuti Isakari.
ותהר עוד לאה ותלד בן ששי ליעקב 19
Rea akabatazve pamuviri uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechitanhatu.
ותאמר לאה זבדני אלהים אתי זבד טוב--הפעם יזבלני אישי כי ילדתי לו ששה בנים ותקרא את שמו זבלון 20
Ipapo Rea akati, “Mwari andipa chipo chinokosha. Nguva ino murume wangu achandikudza, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni.
ואחר ילדה בת ותקרא את שמה דינה 21
Shure kwaizvozvo akazobereka mwanasikana uye akamutumidza zita rokuti Dhaina.
ויזכר אלהים את רחל וישמע אליה אלהים ויפתח את רחמה 22
Ipapo Mwari akarangarira Rakeri; akamunzwa uye akazarura chizvaro chake.
ותהר ותלד בן ותאמר אסף אלהים את חרפתי 23
Akava nemimba akabereka mwanakomana uye akati, “Mwari abvisa kunyadziswa kwangu.”
ותקרא את שמו יוסף לאמר יסף יהוה לי בן אחר 24
Akamutumidza zita rokuti Josefa, uye akati, “Mwari ngaandiwedzere mumwe mwanakomana.”
ויהי כאשר ילדה רחל את יוסף ויאמר יעקב אל לבן שלחני ואלכה אל מקומי ולארצי 25
Shure kwokuberekwa kwaJosefa naRakeri, Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndiregei ndiende kunyika yokwangu.
תנה את נשי ואת ילדי אשר עבדתי אתך בהן--ואלכה כי אתה ידעת את עבדתי אשר עבדתיך 26
Ndipei vakadzi vangu navana, avo vandakakushandirai kuti ndigowana, uye ndigoenda. Munoziva kuti ndakakushandirai sei.”
ויאמר אליו לבן אם נא מצאתי חן בעיניך נחשתי ויברכני יהוה בגללך 27
Asi Rabhani akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, ndapota hangu imbogara. Ndakaona nokuvuka kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako.”
ויאמר נקבה שכרך עלי ואתנה 28
Akatizve, “Reva muripo wako, uye ndichakuripa.”
ויאמר אליו--אתה ידעת את אשר עבדתיך ואת אשר היה מקנך אתי 29
Jakobho akati kwaari, “Munoziva kuti ndakakushandirai sei uye kuti zvipfuwo zvenyu ndakazvichengeta sei.
כי מעט אשר היה לך לפני ויפרץ לרב ויברך יהוה אתך לרגלי ועתה מתי אעשה גם אנכי--לביתי 30
Zvishoma zvamaiva nazvo kare ndisati ndauya zvawanda, uye Jehovha akakuropafadzai kwose kwandakanga ndiri. Asi zvino, ndichaitirawo mhuri yangu chinhu riniko?”
ויאמר מה אתן לך ויאמר יעקב לא תתן לי מאומה--אם תעשה לי הדבר הזה אשובה ארעה צאנך אשמר 31
Akamubvunza akati, “Ndokupeiko?” Jakobho akati, “Musandipa chinhu. Asi kana mukandiitira chinhu chimwe chete ichi, ndicharamba ndichifudza makwai enyu uye ndichaachengeta:
אעבר בכל צאנך היום הסר משם כל שה נקד וטלוא וכל שה חום בכשבים וטלוא ונקד בעזים והיה שכרי 32
Regai ndifambe pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi nditsaure pakati pazvo zvose zvina mavara namakwai ana makwapa, gwayana dema rimwe nerimwe nembudzi imwe neimwe ina mavara kana ina makwapa. Ndizvo zvichava mubayiro wangu.
וענתה בי צדקתי ביום מחר כי תבוא על שכרי לפניך כל אשר איננו נקד וטלוא בעזים וחום בכשבים--גנוב הוא אתי 33
Uye kutendeka kwangu kuchandipupurira pane ramangwana rangu, pose pamunenge muchizoona mubayiro wangu wamakandipa. Mbudzi ipi zvayo yandinayo inenge isina mavara kana gwapa, kana gwayana ripi zvaro rinenge risina kusviba, zvichanzi zvakabiwa.”
ויאמר לבן הן לו יהי כדברך 34
Rabhani akati, “Ndizvozvo. Ngazvive sezvawataura.”
ויסר ביום ההוא את התישים העקדים והטלאים ואת כל העזים הנקדות והטלאת כל אשר לבן בו וכל חום בכשבים ויתן ביד בניו 35
Musi wacho iwoyo akatsaura nhongo dzose dzembudzi dzakanga dzine mitsetse kana dzaiva namakwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi (dzose dzakanga dzine zvichena padziri) namakwayana matema ose, akazvichengetesa navanakomana vake.
וישם דרך שלשת ימים בינו ובין יעקב ויעקב רעה את צאן לבן--הנותרת 36
Ipapo akaisa nhambwe yorwendo rwamazuva matatu pakati pake naJakobho, asi Jakobho akaramba achifudza makwai akanga asara aRabhani.
ויקח לו יעקב מקל לבנה לח--ולוז וערמון ויפצל בהן פצלות לבנות--מחשף הלבן אשר על המקלות 37
Kunyange zvakadaro, Jakobho akatora matavi akatemwa kubva pamupopura, muarimondi nomuti womupureni uye akasvuura mitsetse michena pairi achibvisa gwati kuti kuchena kwedanda kwomukati kuonekwe.
ויצג את המקלות אשר פצל ברהטים בשקתות המים--אשר תבאן הצאן לשתות לנכח הצאן ויחמנה בבאן לשתות 38
Ipapo akaisa matanda ose akasvuurwa muzvinwiro zvose, kuitira kuti ave mberi kwezvipfuwo pazvainge zvauya kuzonwa. Zvipfuwo zvapfumvura zvaiti pazvinenge zvauya kuzonwa mvura,
ויחמו הצאן אל המקלות ותלדן הצאן עקדים נקדים וטלאים 39
zvaisangana pamberi pamatanda. Uye zvaibereka vana vane mitsetse kana vane mavara kana makwapa.
והכשבים הפריד יעקב ויתן פני הצאן אל עקד וכל חום בצאן לבן וישת לו עדרים לבדו ולא שתם על צאן לבן 40
Jakobho aitsaura mbudzana kana makwayana oga, asi aiita kuti akasara atarisane nezvipfuwo zvine mitsetse nezvipfuwo zvitema zvakanga zviri zvaRabhani. Nokudaro akaparadzanisa zvipfuwo zvake nezvaRabhani.
והיה בכל יחם הצאן המקשרות ושם יעקב את המקלות לעיני הצאן ברהטים--ליחמנה במקלות 41
Pose painge nhunzvi dzezvipfuwo zvine simba zvapfumvura, Jakobho aiisa matanda muzvinwiro pamberi pezvipfuwo kuitira kuti zvisangane pedyo namatanda,
ובהעטיף הצאן לא ישים והיה העטפים ללבן והקשרים ליעקב 42
asi kana zvipfuwo zvisina simba, aisaisa matanda ipapo. Saka zvipfuwo zvisina simba zvakaenda kuna Rabhani uye zvine simba zvikaenda kuna Jakobho.
ויפרץ האיש מאד מאד ויהי לו צאן רבות ושפחות ועבדים וגמלים וחמרים 43
Nenzira iyi murume uyu akapfuma kwazvo uye akava namapoka akawanda amakwai, navarandakadzi navarandarume, uye ngamera nembongoro.

< בראשית 30 >