< יחזקאל 38 >

ויהי דבר יהוה אלי לאמר 1
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
בן אדם שים פניך אל גוג ארץ המגוג--נשיא ראש משך ותבל והנבא עליו 2
“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yeMagogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari; uprofite pamusoro pake
ואמרת כה אמר אדני יהוה הנני אליך גוג--נשיא ראש משך ותבל 3
uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi muchinda mukuru weMesheki neTubhari.
ושובבתיך ונתתי חחים בלחייך והוצאתי אותך ואת כל חילך סוסים ופרשים לבשי מכלול כלם--קהל רב צנה ומגן תפשי חרבות כלם 4
Ndichakutendeutsa, ndigoisa zvikokovono mushaya dzako ndigokubudisa iwe nehondo yako yose, mabhiza ako, vatasvi vamabhiza vakashonga nguo dzehondo, uye navanhu vazhinji vane nhoo huru neduku, vose vachivheyesa minondo yavo.
פרס כוש ופוט אתם כלם מגן וכובע 5
Pezhia neEtiopia neRibhiya dzinenge dziripowo, vose vaine nhoo nenguwani dzokurwa,
גמר וכל אגפיה--בית תוגרמה ירכתי צפון ואת כל אגפיו עמים רבים אתך 6
Gomeriwo namauto ayo ose, neBheti Togarima ichibva kumusoro chaiko namauto ayo ose, ndudzi zhinji dzinewe.
הכן והכן לך--אתה וכל קהלך הנקהלים עליך והיית להם למשמר 7
“‘Gadzirira; iva wakagadzirira, iwe pamwe chete navanhu vazhinji vakaungana pauri, iwe uve mukuru wavo.
מימים רבים תפקד--באחרית השנים תבוא אל ארץ משובבת מחרב מקבצת מעמים רבים על הרי ישראל אשר היו לחרבה תמיד והיא מעמים הוצאה וישבו לבטח כלם 8
Shure kwamazuva mazhinji iwe uchadanidzira hondo. Pamakore anotevera, iwe uchakomba nyika yakabva muhondo, ina vanhu vakaunganidzwa kubva kundudzi zhinji kumakomo aIsraeri, akanga ava dongo kwenguva huru. Vakabudiswa kubva kundudzi, zvino vose vachagara zvakanaka.
ועלית כשאה תבוא כענן לכסות הארץ תהיה--אתה וכל אגפיך ועמים רבים אותך 9
Iwe namauto ako ose nendudzi zhinji dzinewe muchakwira, muchienda sedutu; muchaita segore rinofukidza nyika.
כה אמר אדני יהוה והיה ביום ההוא יעלו דברים על לבבך וחשבת מחשבת רעה 10
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva iro, mwoyo wako uchapindwa nepfungwa dzakaipa, uchafunga zano rakaipa.
ואמרת אעלה על ארץ פרזות--אבוא השקטים ישבי לבטח כלם ישבים באין חומה ובריח ודלתים אין להם 11
Iwe uchati, “Ndichakomba misha isina masvingo; ndicharwisa vanhu vasingafungiri vagere zvavo zvakanaka, vose vanogara vasina masvingo uye vasina masuo namazariro.
לשלל שלל ולבז בז--להשיב ידך על חרבות נושבות ואל עם מאסף מגוים עשה מקנה וקנין ישבי על טבור הארץ 12
Ndichapamba ndigotora nechisimba, ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndirwise matongo ogarwa navanhu uye vanhu vakaungana kubva kundudzi vakapfuma pazvipfuwo nenhumbi, vagere pakati penyika.”
שבא ודדן וסחרי תרשיש וכל כפיריה יאמרו לך הלשלל שלל אתה בא הלבז בז הקהלת קהלך--לשאת כסף וזהב לקחת מקנה וקנין לשלל שלל גדול 13
Shebha neDhedhani navashambadziri vokuTashishi nemisha yaro yose vachati kwauri, “Wauya kuzopamba here? Waunganidza vanhu kuti vatore zvipfuwo nenhumbi uye kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?”’
לכן הנבא בן אדם ואמרת לגוג כה אמר אדני יהוה הלוא ביום ההוא בשבת עמי ישראל לבטח--תדע 14
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, profita uti kuna Gogi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: pazuva iro, vanhu vangu vaIsraeri vava kugara zvakanaka, haungazvioni here?
ובאת ממקומך מירכתי צפון--אתה ועמים רבים אתך רכבי סוסים כלם קהל גדול וחיל רב 15
Uchauya uchibva kunzvimbo yako iri kumusoro chaiko, iwe nendudzi zhinji dzinewe, vose vakatasva mabhiza, vanhu vazhinji, hondo ine simba.
ועלית על עמי ישראל כענן לכסות הארץ באחרית הימים תהיה והבאותיך על ארצי למען דעת הגוים אתי בהקדשי בך לעיניהם גוג 16
Uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsraeri segore rinofukidza nyika. Mumazuva anouya, iwe Gogi, ndichakuuyisa kuzorwa nenyika yangu, kuitira kuti ndudzi dzigondiziva pandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.
כה אמר אדני יהוה האתה הוא אשר דברתי בימים קדמונים ביד עבדי נביאי ישראל הנבאים בימים ההם שנים--להביא אתך עליהם 17
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ko, hauziwe wandakataura nezvako pamazuva ekare navaranda vangu ivo vaprofita vaIsraeri here? Panguva iyoyo vakaprofita kwamakore kuti ini ndichakuuyisa kuzovarwisa.
והיה ביום ההוא ביום בוא גוג על אדמת ישראל--נאם אדני יהוה תעלה חמתי באפי 18
Izvi ndizvo zvichaitika pazuva iroro: Nyika yaIsraeri painorwiswa naGogi, hasha dzangu huru dzichamuka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
ובקנאתי באש עברתי דברתי אם לא ביום ההוא יהיה רעש גדול על אדמת ישראל 19
Pakushingaira kwangu uye nomoto wehasha dzangu, ndinozivisa kuti panguva iyoyo pachava nokudengenyeka kukuru munyika yaIsraeri.
ורעשו מפני דגי הים ועוף השמים וחית השדה וכל הרמש הרמש על האדמה וכל האדם אשר על פני האדמה ונהרסו ההרים ונפלו המדרגות וכל חומה לארץ תפול 20
Hove dzegungwa, shiri dzedenga, mhuka dzesango, nezvose zvinokambaira panyika, navanhu vose vari pamusoro penyika vachadedera pamberi pangu. Makomo achapidiguka, mawere achaondomoka uye rusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.
וקראתי עליו לכל הרי חרב נאם אדני יהוה חרב איש באחיו תהיה 21
Ndichadana munondo kuzorwisa Gogi pamusoro pamakomo ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Munondo womunhu mumwe nomumwe uchabaya hama yake.
ונשפטתי אתו בדבר ובדם וגשם שוטף ואבני אלגביש אש וגפרית אמטיר עליו ועל אגפיו ועל עמים רבים אשר אתו 22
Ndicharanga nedenda nokudeuka kweropa; ndichanayisa mvura zhinji, nechimvuramabwe nesafuri inopfuta pamusoro pake napamusoro pamauto ake uye napamusoro pendudzi dzaanadzo.
והתגדלתי והתקדשתי ונודעתי לעיני גוים רבים וידעו כי אני יהוה 23
Nokudaro ndicharatidza ukuru hwangu noutsvene hwangu, uye ndichazvizivisa pamberi pendudzi zhinji. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’

< יחזקאל 38 >