< שמואל ב 2 >

ויהי אחרי כן וישאל דוד ביהוה לאמר האעלה באחת ערי יהודה ויאמר יהוה אליו עלה ויאמר דוד אנה אעלה ויאמר חברנה 1
Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ko, ndoenda zvangu kune rimwe ramaguta eJudha here?” Jehovha akapindura akati, “Enda hako.” Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndoenda kupi?” Jehovha akapindura akati, “KuHebhuroni.”
ויעל שם דוד וגם שתי נשיו--אחינעם היזרעלית ואביגיל אשת נבל הכרמלי 2
Naizvozvo Dhavhidhi akaendako navakadzi vake vaviri, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri.
ואנשיו אשר עמו העלה דוד איש וביתו וישבו בערי חברון 3
Dhavhidhi akatorawo varume vose vaaiva navo, mumwe nomumwe nemhuri yake, akandogara muHebhuroni nomumaguta omo.
ויבאו אנשי יהודה וימשחו שם את דוד למלך על בית יהודה ויגדו לדוד לאמר אנשי יביש גלעד אשר קברו את שאול 4
Ipapo varume veJudha vakauya paHebhuroni vakazodzapo Dhavhidhi kuti ave mambo weimba yaJudha. Zvino Dhavhidhi paakanzwa kuti varume veJabheshi Gireadhi ndivo vakanga vaviga Sauro,
וישלח דוד מלאכים אל אנשי יביש גלעד ויאמר אליהם ברכים אתם ליהוה אשר עשיתם החסד הזה עם אדניכם עם שאול ותקברו אתו 5
akatuma nhume kuvarume veJabheshi Gireadhi kuti dzinoti kwavari, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuti makaratidza tsitsi pana Sauro tenzi wenyu pakumuviga kwamakamuita.
ועתה יעש יהוה עמכם חסד ואמת וגם אנכי אעשה אתכם הטובה הזאת אשר עשיתם הדבר הזה 6
Zvino Jehovha ngaachikuitirai tsitsi nokutendeka, uye neniwo ndichakuitirai zvimwe chetezvo nokuti imi makaita izvozvi.
ועתה תחזקנה ידיכם והיו לבני חיל--כי מת אדניכם שאול וגם אתי משחו בית יהודה למלך--עליהם 7
Naizvozvo ivai nesimba nokutsunga, nokuti Sauro tenzi wenyu afa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wavo.”
ואבנר בן נר שר צבא אשר לשאול--לקח את איש בשת בן שאול ויעברהו מחנים 8
Zvichakadaro, Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, akanga atora Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro, akandomuisa kuMahanaimi.
וימלכהו אל הגלעד ואל האשורי ואל יזרעאל ועל אפרים ועל בנימן ועל ישראל כלה 9
Akamugadza kuti ave mambo weGireadhi, Ashuri neJezireeri, uyewo pamusoro peEfuremu, Bhenjamini neIsraeri yose.
בן ארבעים שנה איש בשת בן שאול במלכו על ישראל ושתים שנים מלך אך בית יהודה היו אחרי דוד 10
Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro akanga ava namakore makumi mana paakava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore maviri. Kunyange zvakadaro, imba yaJudha yakatevera Dhavhidhi.
ויהי מספר הימים אשר היה דוד מלך בחברון על בית יהודה--שבע שנים וששה חדשים 11
Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni yaisvika makore manomwe nemwedzi mitanhatu.
ויצא אבנר בן נר ועבדי איש בשת בן שאול ממחנים גבעונה 12
Abhineri mwanakomana waNeri, pamwe chete navaranda vaIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, vakabva paMahanaimi vakaenda kuGibheoni.
ויואב בן צרויה ועבדי דוד יצאו ויפגשום על ברכת גבעון יחדו וישבו אלה על הברכה מזה ואלה על הברכה מזה 13
Joabhu mwanakomana waZeruya navaranda vaDhavhidhi vakandosangana navo padziva reGibheoni. Vakagara pasi mhiri kwedziva, rimwe boka ndokugara kuno rumwe rutivi.
ויאמר אבנר אל יואב יקומו נא הנערים וישחקו לפנינו ויאמר יואב יקמו 14
Ipapo Abhineri akati kuna Joabhu, “Ngatiitei kuti mamwe majaya edu asimuke arwe namaoko pamberi pedu.” Joabhu akati, “Zvakanaka, ngavaite izvozvo.”
ויקמו ויעברו במספר--שנים עשר לבנימן ולאיש בשת בן שאול ושנים עשר מעבדי דוד 15
Naizvozvo vakasimuka vakaverengwa varume gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri kurutivi rwaDhavhidhi.
ויחזקו איש בראש רעהו וחרבו בצד רעהו ויפלו יחדו ויקרא למקום ההוא חלקת הצרים אשר בגבעון 16
Ipapo mumwe nomumwe akabata musoro wewaairwa naye ndokumubaya nebakatwa parutivi pake, vose ndokuwira pasi. Naizvozvo nzvimbo iyoyo iri muGibheoni yakatumidzwa kuti Herikati Hazurimi.
ותהי המלחמה קשה עד מאד ביום ההוא וינגף אבנר ואנשי ישראל לפני עבדי דוד 17
Kurwa kwezuva iroro kwakatyisa kwazvo, uye Abhineri navarume veIsraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi.
ויהיו שם שלשה בני צרויה--יואב ואבישי ועשהאל ועשהאל קל ברגליו כאחד הצבים אשר בשדה 18
Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo vaiti: Joabhu, Abhishai naAsaheri. Zvino Asaheri aimhanya zvikuru kwazvo sechengu.
וירדף עשהאל אחרי אבנר ולא נטה ללכת על הימין ועל השמאול מאחרי אבנר 19
Akadzinganisa Abhineri, asingambotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe paaimudzingirira.
ויפן אבנר אחריו ויאמר האתה זה עשהאל ויאמר אנכי 20
Abhineri akacheuka akabvunza akati, “Ndiwe here, Asaheri?” Iye akapindura akati, “Ndini.”
ויאמר לו אבנר נטה לך על ימינך או על שמאלך ואחז לך אחד מהנערים וקח לך את חלצתו ולא אבה עשהאל לסור מאחריו 21
Ipapo Abhineri akati kwaari, “Enda kurudyi kana kuruboshwe; ubate rimwe ramajaya uritorere zvombo zvaro.” Asi Asaheri haana kurega kumudzinganisa.
ויסף עוד אבנר לאמר אל עשהאל סור לך מאחרי למה אככה ארצה ואיך אשא פני אל יואב אחיך 22
Abhineri akayambira Asaheri zvakare akati, “Chirega zvokundidzinganisa! Unodirei kuti ndikuuraye? Ndingazotarisana sei nomukoma wako Joabhu?”
וימאן לסור ויכהו אבנר באחרי החנית אל החמש ותצא החנית מאחריו ויפל שם וימת תחתו ויהי כל הבא אל המקום אשר נפל שם עשהאל וימת--ויעמדו 23
Asi Asaheri akaramba achingomudzinganisa. Naizvozvo Abhineri akabaya Asaheri padumbu neshure kwepfumo rake, pfumo rikabuda nokumusana. Akawira ipapo ndokubva afa. Uye munhu wose aimira kana angosvika chete panzvimbo pakanga pawira Asaheri akafa.
וירדפו יואב ואבישי אחרי אבנר והשמש באה--והמה באו עד גבעת אמה אשר על פני גיח דרך מדבר גבעון 24
Asi Joabhu naAbhishai vakatevera Abhineri, uye zuva rakati ronovira, vakasvika pachikomo cheAma, pedyo neGiya munzira inoenda kurenje reGibheoni.
ויתקבצו בני בנימן אחרי אבנר ויהיו לאגדה אחת ויעמדו על ראש גבעה אחת 25
Ipapo varume veBhenjamini vakaungana vachitungamirirwa naAbhineri. Vakaumba boka rimwe vakamira pamusoro pechikomo.
ויקרא אבנר אל יואב ויאמר הלנצח תאכל חרב--הלוא ידעתה כי מרה תהיה באחרונה ועד מתי לא תאמר לעם לשוב מאחרי אחיהם 26
Abhineri akadanidzira kuna Joabhu achiti, “Ko, munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauoni kuti izvi zvichavava pakupedzisira here? Uchasvika kupiko usati warayira vanhu vako kuti varege kudzinganisana nehama dzavo?”
ויאמר יואב--חי האלהים כי לולא דברת כי אז מהבקר נעלה העם איש מאחרי אחיו 27
Naizvozvo akapindura akati, “Ndinopika naMwari mupenyu, dai wanga usina kuzvitaura, varume ava vangadai varamba vachidzinganisa hama dzavo kusvikira mangwana mangwanani.”
ויתקע יואב בשופר ויעמדו כל העם ולא ירדפו עוד אחרי ישראל ולא יספו עוד להלחם 28
Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira; vakarega kudzinganisa vaIsraeri, vakasazorwazve.
ואבנר ואנשיו הלכו בערבה כל הלילה ההוא ויעברו את הירדן וילכו כל הבתרון ויבאו מחנים 29
Abhineri navanhu vake vakafamba nousiku hwose vakagura nomuArabha. Vakayambuka Jorodhani, ndokuramba vachienda nomuBhitironi rose vachibva vasvika paMahanaimi.
ויואב שב מאחרי אבנר ויקבץ את כל העם ויפקדו מעבדי דוד תשעה עשר איש--ועשהאל 30
Ipapo Joabhu akadzoka kubva mukudzinganisa Abhuneri ndokuunganidza vanhu vake vose. Pasingaverengerwi Asaheri, kwakashayikwa varume gumi navapfumbamwe vedivi raDhavhidhi.
ועבדי דוד הכו מבנימן ובאנשי אבנר שלש מאות וששים איש מתו 31
Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya vaBhenjamini mazana matatu ana makumi matanhatu vaiva naAbhuneri.
וישאו את עשהאל ויקברהו בקבר אביו אשר בית לחם וילכו כל הלילה יואב ואנשיו ויאר להם בחברון 32
Vakatora Asaheri vakandomuviga muguva rababa vake paBheterehema. Ipapo Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose vakandosvika paHebhuroni mambakwedza.

< שמואל ב 2 >