< Titus 2 >

1 Amma kai, ka fadi abinda yayi daidai da amintaccen umarni.
Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama.
2 Dole tsofaffin mazaje su zama masu kamun kai, masu daraja kansu, masu-hankali, masu aminci cikin bangaskiya, cikin kauna da jurewa.
Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama mukutenda, murudo nomukutsungirira.
3 Haka ma tsofaffin mataye su kame kansu da girma, ba magulmata ba. Kada su zama bayi wajen yawan shan ruwan inabi. Su koyar da abubuwa masu kyau
Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka.
4 domin su koyar da kananan mataye da hikima su kaunaci mazajensu da 'ya'yansu.
Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo,
5 Su horar dasu su zama masu hikima da tsabtar zuci, masu tsaron gidajensu, kuma masu biyayya da mazajensu. Suyi wadannan abubuwa saboda kada maganar Allah ta sami zargi.
kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.
6 Ta haka kuma, ka karfafa samari, su zama masu hankali.
Zvimwe chetezvo, kurudzira majaya kuti azvidzore.
7 A kowanne fanni, ka mayar da kan ka abin koyi a cikin kyawawan ayyuka; idan kayi koyarwa, ka nuna mutunci da martaba.
Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa
8 Ka bada sako lafiyayye marar abin zargi, yadda masu hamayya da maganar Allah zasu ji kunya, domin rashin samun mugun abin fadi akan mu.
uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.
9 Bayi suyi biyayya ga iyayengijin su a cikin komai. Su faranta masu rai, ba suyi gardama dasu ba.
Udzidzise varanda kuti vazviise pasi pavanavatenzi vavo pazvinhu zvose kuti vavafadze, varege kupindurana navo,
10 Kada suyi sata. Maimakon haka, sai su nuna dukan bangaskiya mai kyau, domin suyi wa koyarwarmu game da Allah mai cetonmu kwalliya a cikin dukan komai.
uye kuti varege kuvabira, asi kuti varatidze kuti vakatendeka zvikuru kwazvo, kuitira kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvinhu zvose.
11 Domin alherin Allah ya bayyana ga dukan mutane.
Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose.
12 Yana koya mana mu musanci miyagun ayyuka, da sha'awoyin duniya. Yana horar damu muyi zama cikin hankali, da adalci a cikin hanyar allahntaka a wannan zamani (aiōn g165)
Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino, (aiōn g165)
13 yayin da muke cigaba da jiran karba albarkataccen begenmu, wato bayyanuwar daukakar Ubangiji Allah da kuma mai cetonmu Yesu Almasihu.
takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu,
14 Yesu ya bada kansa domin mu, domin ya cece mu daga rashin kiyaye doka ya mai damu masu tsarki, domin sa, mutane na musamman wadanda suke da marmarin aikata kyawawan ayyuka.
akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka.
15 Ka yi magana da karfi ka karfafawa wadannan abubuwa. Ka yi gyara da dukan iko. Kada ka bar wani ya raina ka.
Zvino, izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kudzidzisa. Kurudzira uye utsiure nesimba rose. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.

< Titus 2 >