< Ru’uya ta Yohanna 7 >
1 Bayan wannan sai na ga mala'iku hudu suna tsaye bisa kusurwoyi hudu na duniya, suka rike iskoki hudu na duniya kamkam domin kada iska ta hura a kan duniya, a kan teku, ko wani itace.
Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo.
2 Sai na ga wani mala'ika na zuwa daga gabas, wanda yake da hatimin Allah mai rai. Ya yi kira da babbar murya da mala'ikun nan hudu da aka basu dama su azabtar da duniya da teku:
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati:
3 “Kada ku azabtar da duniya, da teku, da itatuwa har sai mun sa hatimi bisa goshin bayin Allahnmu.”
“Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.”
4 Sai naji yawan wadanda aka hatimce: 144, 000, wadanda aka hatimce daga kowacce kabilar mutanen Isra'ila:
Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.
5 dubu goma sha biyu aka hatimce daga kabilar Yahuza, dubu goma sha biyu daga kabilar Ra'ubainu, dubu goma sha biyu daga kabilar Gad,
Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso, kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri,
6 dubu goma sha biyu daga kabilar Ashiru, dubu goma sha biyu daga kabilar Naftali, dubu goma sha biyu daga kabilar Manassa.
kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri,
7 Dubu goma sha biyu daga kabilar Saminu, dubu goma sha biyu daga kabilar Lawi, dubu goma sha biyu daga kabilar Issaka,
kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri,
8 dubu goma sha biyu daga kabilar zabaluna, dubu goma sha biyu daga kabilar Yusufu, sai kuma dubu goma sha biyu daga kabilar Bilyaminu aka hatimce.
kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri, kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.
9 Bayan wadannan abubuwa na duba, sai ga wani babban taro wanda ba mai iya kirgawa daga kowacce al'umma, kabila, mutane da harsuna tsaye a gaban kursiyin da gaban Dan Ragon. Suna sanye da fararen tufafi da ganyen dabino a hannuwansu,
Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo.
10 kuma suna kira da murya mai karfi: “Ceto ya tabbata ga Allahnmu wanda ke zaune bisa kursiyi, da kuma Dan Ragon!”
Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti: “Ruponeso ndorwaMwari wedu, anogara pachigaro choushe, uye ndorweGwayana.”
11 Dukan mala'iku suna tsaitsaye kewaye da kursiyin kuma kewaye da dattawan nan da kuma rayayyun halittun nan hudu, suka kwanta rib da ciki da fuskokinsu a gaban kursiyin. Suka yi sujada ga Allah,
Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari,
12 suna cewa, “Amin! yabo, daukaka, hikima, godiya, girma, iko, da karfi su zama na Allahnmu har abada abadin! Amin!” (aiōn )
vachiti: “Ameni! Kurumbidzwa nokubwinya nouchenjeri nokuvonga nokukudzwa noushe nesimba ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperi-peri. Ameni!” (aiōn )
13 Sai daya daga cikin dattawan ya tambaye ni, “Su wanene wadannan, da suke sanye da fararen tufafi, kuma daga ina suka fito?”
Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?”
14 Sai nace masa, “Ya shugaba, “Ka sani,” sai ya ce mani, “Wadannan sune suka fito daga babban tsanani. Sun wanke tufafin su sun maida su farare cikin jinin Dan Ragon.
Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.” Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.
15 Domin wannan dalili, suke gaban kursiyin Allah, kuma suna masa sujada dare da rana cikin haikalinsa. Shi wanda ke zaune bisa kursiyin zai zama runfa a bisan su.
Naizvozvo, “vari pamberi pechigaro chaMwari uye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo.
16 Ba za su kara jin yunwa ba, ko kishin ruwa ba. Rana ba zata buge su ba, ko kowanne zafi mai kuna.
Havachazoziyi nenzara zvakare; havachazonzwi nyota zvakare. Havachazopiswi nezuva, kana nokupisa kupi zvako.
17 Domin Dan Ragon dake tsakiyar kursiyin zai zama makiyayin su, kuma zai bishe su zuwa mabulbulan ruwan rai, kuma Allah zai share dukan hawaye daga idanuwansu.”
Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo; richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu. Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”