< Filibbiyawa 3 >

1 A karshe, 'yan'uwana, ku yi farin ciki cikin Ubangiji. In sake rubuta maku wadannan abubuwa ba wani abu mai nauyi ba ne a gare ni. Wadannan abubuwa zasu tsare ku.
Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna She! Harisi dambudziko kwandiri kuti ndinyore zvinhu zvimwe chetezvo zvakare kwamuri, uye zvinokuchengetedzai imi.
2 Ku yi hankali da karnuka. Ku yi hankali da miyagun ma'aikata. Ku yi hankali da masu yanke-yanke.
Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vanoremadza nyama nokucheka.
3 Gama mune kaciyar. Don mune muke sujada ta wurin Ruhun Allah. Mune masu fahariya chikin Almasihu Yesu, kuma ba mu da gabagadi cikin jiki.
Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama,
4 Ko da shike, ni kaina ina gabagadi ga jiki. Idan wani zai iya tunanin gabagadi ga jiki, ni na fi shi.
kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro. Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda:
5 An yi mani kaciya a rana ta takwas, daga mutanen Israila, na kabilar Biliyaminu, Bayahuden Yahudawa; ga zancen shari'a Bafarisiye nake.
ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi;
6 Wajen himma na tsanantawa ikilisiya. Ga zancen adalci cikin sharia, na zama mara abin zargi.
kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kuchengetedza murayiro, handina mhosva.
7 Amma duk wadannan abubuwan da suka zama riba a gare ni, na dauke su asara ne saboda Almasihu.
Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu.
8 I, lallai ina lisafta dukan wadannan abubuwa asara saboda mafificin sanin Almasihu Yesu Ubangijina. Saboda shine na yi asarar dukan abubuwa. Na maishe su marasa amfani domin in ribato Almasihu,
Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu.
9 a iske ni cikinsa. Ba ni da wani adalcin kaina ta wurin shari'a. Maimakon haka, ina da adalci ta wurin bangaskiya cikin Almasihu, adalcin dake daga wurin Allah ta wurin Bangaskiya.
Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda.
10 Yanzu ina so in san shi da ikon tashinsa, da tarayya cikin shan wuyarsa. In kuma zama kamarsa wajen mutuwarsa,
Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake,
11 domin ta ko kaka in kai ga tashi daga cikin matattu.
uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa.
12 Ba wai na rigaya na sami wadannan abubuwa bane, ko kuma na riga na zama cikakke. Amma ina nace bi domin in cafki wannan da Almasihu Yesu ya cafko ni dominsa.
Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwana pakururama, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho chandakabatirwa naKristu Jesu.
13 'Yan'uwa, ban dauka cewa na riga na cafka ba tukuna. Amma akwai abu daya da nake yi: ina mantawa da abin da ke baya, ina kutsawa zuwa ga abin da ke gaba.
Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi,
14 Ina nacewa zuwa ga manufar nan in kai ga samun ladar nasara na madaukakin kiran Allah cikin Almasihu Yesu.
ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.
15 Dukan mu wadanda muke kammalallu, sai mu yi tunani ta wannan hanyar, idan kuwa kun yi tunanin wani abu daban, to Allah zai bayyana maku wannan kuma.
Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri.
16 Sai dai, in da muka rigaya muka kai, bari mu rike shi haka.
Ngatiraramei bedzi zvinopindirana nezvatakawana.
17 Ku zama masu koyi da ni, 'yan'uwa. Ku duba da kyau wadannan da suke tafiya yadda muka zama abin koyi a gare ku.
Batanai navamwe mukutevera muenzaniso wangu, hama, uye mucherechedze avo vanorarama zviri maererano netsika dzatakakudzidzisai.
18 Mutane da dama suna tafiya -sune wadanda na ba ku labarin su, yanzu kuma ina fada maku har da hawaye - kamar makiyan gicciyen Almasihu ne.
Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu.
19 Karshen su hallaka ne. Domin allahn su ciki ne, fahariyar su kuma tana cikin kunyar su. Tunanin su na kan al'amuran duniya.
Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika.
20 Amma mu 'yangarincin mu a sama yake, daga inda muke sauraron mai ceto, Ubangiji Yesu Almasihu.
Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu,
21 Za ya sake jikinmu na kaskanci ya siffanta shi kamar jikin darajarsa, siffantacce ta karfin ikonsa inda ya sarayar da dukan abubuwa a gare shi.
uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.

< Filibbiyawa 3 >