< 1 Timoti 6 >
1 Bari duk wadanda ke bayi a karkashin karkiya su ga iyayengijinsu sun cancanci dukan daraja. Su yi haka domin kada a sabawa sunan Allah da koyarwarsa.
Vose varanda vari pasi pejoko rouranda vanofanira kukudza vatenzi vavo zvizere, kuitira kuti zita raMwari nedzidziso yedu zvirege kumhurwa.
2 Bayin da suke da iyayengiji da ke masu ba da gaskiya kada su rena su saboda su 'yan'uwa ne. A maimakon haka, su yi masu hidima da kwazo. Gama iyayengijin da suke cin ribar aikinsu masu bi ne, kaunattatu kuma. Ka koyar ka kuma bayyana wadannan abubuwa.
Avo vana vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza nokuda kwokuti ihama. Asi kutoti vanofanira kuvashumira zviri nani, nokuti vaya vanobatsirwa nebasa ravo vatendi, uye vadikanwi kwavari. Izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kuvadzidzisa uye nokuvarayira.
3 Idan ya kasance wani na koyar da wani abu dabam bai kuma yarda da amintaciyar koyarwa ba, wato maganar Ubangijinmu Yesu Almasihu. Alal misali ba su amince da koyarwa da ke kai ga Allahntaka ba.
Kana munhu achidzidzisa dzidziso dzenhema uye asingabvumi dzidziso yakanaka yaIshe wedu Jesu Kristu uye nedzidziso youmwari,
4 Wannan mutum mai girman kai ne, kuma bai san komai ba. A maimakon haka, yana da matukar jayayya da gardama game da kalmomi. Wadannan kalmomi na kawo kishi, da husuma, da zage-zage, da miyagun zace-zace, da
anongozvikudza uye haazivi chinhu. Anongofarira nharo nokukakavara pamusoro pamashoko asingabatsiri, anongomutsa godo, gakava, kutukana nokufungirana zvakaipa,
5 yawan rashin jituwa tsakanin mutane masu rubabbun hankula. Sun bijire wa gaskiya. Suna tunani cewa ibada hanya ce ta yin arziki.” Ka zame daga wadannan abubuwa.
uye nokupesana kusingaperi pakati pavanhu vane murangariro wakaora, vakabirwa zvokwadi uye vanofunga kuti umwari inzira yokuwana nayo mari.
6 Yanzu bin Allah tare da dangana babbar riba ce.
Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo.
7 Gama ba mu kawo komai a duniya ba, ba zamu iya fita cikinta da komai ba.
Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi.
8 A maimakon haka, mu dangana da abinci da kuma sutura.
Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo.
9 To wadanda ke son zama mawadata su kan fada cikin jaraba, cikin tarko. Suna fadawa cikin abubuwan wauta da sha'awoyi masu illa da kowanne abu da ke sa mutane su dulmaya cikin lallacewa da hallaka.
Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa.
10 Gama son kudi shine tushen kowacce irin mugunta. Wadansu mutane garin neman kudi sun kauce daga bangaskiya, sun kuma jawowa kansu bakin ciki mai yawa.
Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji.
11 Amma kai, mutumin Allah, ka guji wadannan abubuwa, ka bi adalci, ibada, aminci, kauna, jimiri, da tawali'u.
Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, rudo, kutsungirira nounyoro.
12 Ka yi fama, fama mai kyau na bangaskiya. Ka kama rai madawami da aka kira ka gare shi. A kan wannan ne ka ba da shaida a gaban shaidu masu yawa game da abin da ke da kyau. (aiōnios )
Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. (aiōnios )
13 Ina ba ka wannan umarni a gaban Allah wanda ke rayar da dukan abubuwa, da gaban Almasihu Yesu, wanda ya fadi abin da ke gaskiya ga Bilatus Babunti.
Ndinokurayira, pamberi paMwari, anopa upenyu kuzvinhu zvose, napamberi paKristu Jesu akapupura zvakanaka paakapa uchapupu pamberi paPondio Pirato,
14 Ka bi doka daidai, babu abin zargi har bayanuwar Ubangijinmu Yesu Almasihu.
kuti uchengete murayiro uyu, usina chinongo kana chaungapomerwa kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
15 Allah zai nuna bayyanuwarsa a daidai lokaci- Allah, mai albarka, Makadaicin iko, Sarkin da ke sarauta, Ubangiji mai mulki.
uyo achazoratidzwa naMwari panguva yake iye Mwari, iye oga Mutongi akaropafadzwa, Mambo wamadzimambo naIshe wamadzishe.
16 Shine kadai marar mutuwa, mai zama cikin hasken da ba ya kusantuwa. Ba wanda ke ganinsa, ko ya iya hango shi. Girma ya tabbata a gare shi da kuma madawwamin iko. Amin. (aiōnios )
Iye oga ndiye asingafi uye agere pachiedza chisina angaswedera pachiri, uyo asina akambomuona kana angamuona. Kukudzwa nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni. (aiōnios )
17 Ka gaya wa masu dukiya a cikin wannan duniya kada su daga kai, kada su sa bege ga arziki mara dawwama. Maimamakon haka, su sa begensu ga Allah wanda ke ba mu wadatar gaske domin jin dadin mu. (aiōn )
Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo. (aiōn )
18 Gaya masu su yi nagarta su arzurta a ayyuka nagari, su zama masu bayarwa hannu sake.
Varayire kuti vaite zvakanaka, uye kuti vafarire kupa vamwe uye nokugoverana.
19 Ta haka za su ajiye wa kansu harsashi mai kyau kan abin da ke zuwa domin su amshi rayuwa ta kwarai.
Vachazviunganidzira pfuma senheyo yakasimba kunguva dzinouya, kuti vagobatisisa upenyu hunova upenyu kwechokwadi.
20 Timoti, ka kare abin da aka ba ka. Ka nisanci maganar wauta da gardamomin da ke sabawa juna wanda ake kira ilimi a karyace.
Timoti, chengeta icho chawakapiwa. Furatira zvokutaura mashoko asina umwari nepfungwa dzinopikisa, dzezvinonzi pakutaura kwenhema zivo,
21 Wadansu mutane suna shelar wadannan abubuwa, don haka sun kauce wa bangaskiyar. Bari alheri ya kasance tare da kai.
idzo dzakapupurwa navamwe uye nokudaro vakatsauka kubva pakutenda. Nyasha ngadzive newe.