< Zabura 78 >
1 Maskil na Asaf. Ya mutanena, ku ji koyarwata; ku saurari kalmomin bakina.
Masikiri raAsafi. Haiwa vanhu vangu, inzwai kudzidzisa kwangu; teererai mashoko omuromo wangu.
2 Zan buɗe bakina da misalai, zan faɗi ɓoyayyun abubuwa, abubuwan dā,
Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika, zvinhu zvakare kare,
3 abin da muka ji muka kuma sani, abubuwan da kakanninmu suka faɗa mana.
zvatakanzwa nezvatakaziva, zvatakaudzwa namadzibaba edu.
4 Ba za mu ɓoye su wa’ya’yanmu ba; za mu faɗa wa tsara mai zuwa ayyukan da suka zama yabo na Ubangiji, ikonsa, da abubuwan banmamakin da ya aikata.
Hatingazozvivanziri vana vavo; tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha, simba rake, nezvishamiso zvaakaita.
5 Ya kafa ƙa’idodi wa Yaƙub ya kuma kafa doka a cikin Isra’ila, wadda ya umarce kakanni-kakanninmu su koya wa’ya’yansu,
Akatema zvirevo zvaJakobho akasimbisa murayiro muIsraeri, waakarayira madzitateguru edu kuti vadzidzise vana vavo,
6 don tsara na biye su san su, har da’ya’yan da ba a riga an haifa ba, su kuma su faɗa wa’ya’yansu.
kuti rudzi runotevera ruzvizive, kunyange vana vachazoberekwa, naivo vagozoudzawo vana vavo.
7 Ta haka za su dogara ga Allah ba kuwa za su manta da ayyukansa ba amma za su kiyaye umarnansa.
Ipapo vachavimba naMwari wavo uye havangazokanganwi mabasa ake asi vachazochengeta mirayiro yake.
8 Ba za su zama kamar kakanni kakanninsu ba, masu taurinkai da kuma tsara masu tayarwa, waɗanda zukatansu ba su yi biyayya ga Allah ba, waɗanda zukatansu ba su yi aminci ga Allah ba.
Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.
9 Mutanen Efraim, ko da yake suna da bakkuna, suka juya da baya a ranar yaƙi;
Vanhu vokwaEfuremu, kunyange vakanga vakapakata uta, vakadzokera shure pazuva rokurwa;
10 ba su kiyaye alkawarin Allah ba suka kuma ƙi su yi rayuwa ta wurin dokarsa.
havana kuchengeta sungano yaMwari, uye vakaramba kufamba maererano nomurayiro wake.
11 Suka manta da abin da ya aikata, abubuwan banmamakin da ya nuna musu.
Vakakanganwa zvaakaita, zvishamiso zvaakavaratidza.
12 Ya yi mu’ujizai a idanun kakanninsu a ƙasar Masar, a yankin Zowan.
Akaita zviratidzo pamberi pamadzibaba avo munyika yeIjipiti, mudunhu reZoani.
13 Ya raba teku ya kuma bi da su ciki; ya sa ruwa ya tsaya daram kamar bango.
Akapamura gungwa akavayambutsa napakati; akaita kuti mvura imire yakasimba sorusvingo.
14 Ya bishe su da girgije da rana da kuma haske daga wuta dukan dare.
Akavatungamirira negore masikati, uye nechiedza chomoto usiku hwose.
15 Ya tsage duwatsu a cikin hamada ya kuma ba su ruwaye a yalwace kamar tekuna;
Akapamura ruware mugwenga akavapa mvura yakawanda seyamakungwa;
16 ya fid da rafuffuka daga dutsen da ya tsaga ya sa ruwa ya gudu kamar koguna.
akabudisa hova dzemvura paruware akaita kuti iyerere seyenzizi.
17 Amma suka ci gaba da yin masa zunubi, suna tayarwa a cikin hamada a kan Mafi Ɗaukaka.
Asi vakaramba vachingomutadzira, vachimukira Wokumusoro-soro mugwenga.
18 Da gangan suka gwada Allah ta wurin neman abincin da suke kwaɗayi.
Vakaedza Mwari nobwoni vachimugombedzera kuti avape zvokudya zvavaipanga.
19 Suka yi magana a kan Allah, suna cewa, “Allah zai iya shimfiɗa tebur a cikin hamada?
Vakapopotera Mwari, vachiti, “Ko, Mwari angawadzira tafura mugwenga here?
20 Sa’ad da ya bugi dutse, ruwa ya ɓulɓulo, rafuffuka suka yi gudu a yalwace. Amma zai iya ba mu abinci? Zai iya tanada wa mutanensa nama?”
Paakarova dombo, mvura yakatubuka, uye hova dzakayerera mvura zhinji. Asi angagona kutipawo zvokudya here? Angavigira vanhu vake nyama here?”
21 Sa’ad da Ubangiji ya ji su, ya yi fushi ƙwarai; wutarsa ta ɓarke a kan Yaƙub, hasalarsa kuwa ta tashi a kan Isra’ila,
Jehovha akati avanzwa, akatsamwa zvikuru kwazvo; moto wake ukaveserwa Jakobho, uye hasha dzake dzikamukira Israeri,
22 gama ba su gaskata ga Allah ba ko su dogara ga cetonsa.
nokuti havana kutenda muna Mwari kana kuvimba nokurwira kwake.
23 Duk da haka ya ba da umarni ga sarari a bisa ya kuma buɗe ƙofofin sammai;
Asi akarayira matenga kumusoro akazarura makonhi okumatenga;
24 ya sauko da Manna wa mutanensa don su ci, ya ba su hatsin sama.
akanayisa mana kuti vanhu vadye, akavapa zviyo zvokudenga.
25 Mutane suka ci burodin mala’iku; ya aika musu dukan abincin da za su iya ci.
Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; akavatumira zvokudya zvose zvavaigona kudya.
26 Ya saki iskar gabas daga sammai ya kuma saki iskar yamma ta wurin ikonsa.
Akazarura mhepo yokumabvazuva kubva kudenga, uye akafambisa mhepo yakabva zasi nesimba rake.
27 Ya sauko da nama a kansu kamar ƙura, tsuntsaye masu firiya kamar yashi a bakin teku.
Akavanayisira nyama pamusoro pavo seguruva, shiri dzinobhururuka dzakaita sejecha rokumhenderekedzo yegungwa.
28 Ya sa suka sauka a cikin sansaninsu, ko’ina kewaye da tentunansu.
Akaita kuti dziburukire mumisasa yavo, dzakapoteredza matende avo ose.
29 Suka ci har suka sami fiye da abin da ya ishe su, gama ya ba su abin da suka yi kwaɗayi.
Vakadya kusvikira vaguta kwazvo, nokuti akanga avapa zvavakanga vachipanga.
30 Amma kafin su juyo daga abincin da suka yi kwaɗayi, kai tun ma yana a bakunansu,
Asi vasati vafuratira chokudya chavaikarira, kunyange pachakanga chichiri pamiromo yavo,
31 fushin Allah ya ƙuna a kansu; ya karkashe waɗanda suka fi ƙiba a cikinsu, yana yankan matasan Isra’ila.
kutsamwa kwaMwari kwakavamukira; akauraya vakanga vakanyanya kusimba pakati pavo, akaparadza majaya eIsraeri.
32 Duk da haka, suka ci gaba da yin zunubi; duk da abubuwan banmamakinsa, ba su gaskata ba.
Kunyange zvakadaro, vakaramba vachingotadza; kunyange zvazvo zviratidzo zvake izvi zvaivapo, havana kutenda.
33 Saboda haka ya sa kwanakinsu suka ƙare a banza shekarunsu kuma cikin masifa.
Saka akagumisa mazuva avo nezvisina maturo, uye makore avo mukutya.
34 A duk sa’ad da Allah ya kashe su, sai su neme shi; sukan juyo a natse gare shi.
Pose pavaiurayiwa naMwari, ndipo pavaimutsvaka; vaishingairira kudzokerazve kwaari.
35 Sun tuna cewa Allah ne Dutsensu, cewa Allah Mafi Ɗaukaka ne Mai fansarsu.
Vakarangarira kuti Mwari ndiye Dombo ravo, kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye Mudzikinuri wavo.
36 Amma sai su yi ta yin masa zaƙin baki, suna masa ƙarya da harsunansu;
Asizve vaingomubata kumeso nemiromo yavo, vachimurevera nhema nendimi dzavo;
37 zukatansu ba sa biyayya gare shi, ba su da aminci ga alkawarinsa.
mwoyo yavo yakanga isina kutendeka kwaari, vakanga vasina kutendeka pasungano yake.
38 Duk da haka ya kasance mai jinƙai; ya gafarta laifofinsu bai kuwa hallaka su ba. Sau da sau ya janye fushinsa bai kuwa sa fushinsa yă ƙuna ba.
Kunyange zvakadaro iye akavanzwira tsitsi; akavakanganwira kuipa kwavo akasavaparadza. Nguva nenguva akadzora kutsamwa kwake, uye haana kumutsa hasha dzake dzose.
39 Ya tuna cewa su naman jiki ne kawai, iska mai wucewa da ba ta dawowa.
Akarangarira kuti ivo vaingova nyama bedzi, mhepo inopfuura isingadzoki.
40 Sau da yawa sun tayar masa a cikin hamada suka kuma ɓata masa rai a jeji!
Vakamumukira mugwenga kazhinji sei, uye vakamuitisa shungu murenje!
41 Sau da sau suka riƙa gwada Allah; suka tsokane Mai Tsarki na Isra’ila.
Vakaedza Mwari vamuedzazve; vakagumbusa Iye Mutsvene waIsraeri.
42 Ba su tuna da ikonsa, a ranar da ya fanshe su daga mai danniya,
Havana kurangarira simba rake, zuva raakavadzikinura kubva pamudzvinyiriri,
43 ranar da ya nuna mu’ujizansa a Masar abubuwan banmamakinsa a yankin Zowan ba.
zuva raakaratidza zviratidzo zvake zvinoshamisa muIjipiti, zvishamiso zvake mudunhu reZoani.
44 Ya mai da kogunansu suka zama jini; ba su iya sha daga rafuffuka ba.
Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa; havana kugona kunwa muhova dzavo.
45 Ya aika da tarin ƙudajen da suka cinye su, da kwaɗin da suka wahalshe su.
Akavatumira mapupira enhunzi dzikavaparadza, uye matatya akavaparadza zvikuru.
46 Ya ba da hatsinsu ga fāra, amfanin gonakinsu ga ɗango.
Akapa zviyo zvavo kumagutaguta nezvibereko zvavo kumhashu.
47 Ya lalace inabinsu da ƙanƙara itatuwan al’ul nasu kuma da jaura.
Akaparadza mazambiringa avo nechimvuramabwe, uye namaonde emionde yavo nechando.
48 Ya miƙa shanunsu ga ƙanƙara, tumakinsu ga aradun tsawa.
Mombe dzavo akadziisa kuchimvuramabwe, nezvipfuwo zvavo kukurova kwemheni.
49 Ya saki musu fushinsa mai zafi, hasalarsa, zafin rai da kuma ɓacin ransa, ƙungiyar mala’iku masu hallakarwa.
Akaregedzera kutsamwa kwake kukuru pamusoro pavo, hasha dzake, shungu dzake noukasha hwake, boka ravatumwa vokuparadza.
50 Ya shirya hanya wa fushinsa; bai tsare ransu daga mutuwa ba amma ya miƙa su ga annoba.
Akagadzira nzira yokutsamwa kwake; haana kuponesa mweya yavo parufu asi akavaisa kudenda.
51 Ya bugi kowane ɗan fari na Masar, mafari ƙarfin mazantakansu a tentunan Ham.
Akauraya matangwe ose eIjipiti, chibereko chokutanga chomurume pamatende aHamu.
52 Amma ya fitar da mutanensa kamar garke; ya bi da su kamar tumaki ta cikin hamada.
Asi akabudisa vanhu vake seboka ramakwai; akavatungamirira samakwai nomugwenga.
53 Ya bi da su lafiya ƙalau, don kada su ji tsoro; amma teku ya cinye abokan gābansu.
Akavafambisa norugare, asi gungwa rakamedza vavengi vavo.
54 Ta haka ya kawo su iyakar ƙasa mai tsarki, zuwa ƙasar tudun da hannunsa na dama ya kame.
Saizvozvo akavasvitsa kumuganhu wenyika yake tsvene, kunyika yamakomo yaakatora noruoko rwake rworudyi.
55 Ya kori al’ummai a gabansu ya rarraba ƙasashensu gare su a matsayin gādo; ya zaunar da kabilan Isra’ila a gidajensu.
Akadzinga ndudzi mberi kwavo, akagovera nyika yavo kwavari senhaka; akagarisa rudzi rwaIsraeri mudzimba dzavo.
56 Amma suka gwada Allah suka tayar wa Mafi Ɗaukaka; ba su kiyaye ƙa’idodinsa ba.
Asi vakaedza Mwari uye vakamukira Wokumusoro-soro; vakasachengeta zvirevo zvake.
57 Kamar kakanninsu suka zama marasa biyayya da marasa aminci, marar tabbas kamar tanƙwararren baka.
Vakanga vasingazvirereki uye vasina kutendeka samadzibaba avo, vasingavimbiki souta hunonyengera.
58 Suka ba shi haushi da masujadansu na kan tudu; suka tayar da kishinsa da gumakansu.
Vakamutsamwisa nenzvimbo dzavo dzakakwirira; vakamutsa godo rake nokuda kwezvifananidzo zvavo.
59 Sa’ad da Allah ya ji su, ya yi fushi ƙwarai; ya ƙi Isra’ila gaba ɗaya.
Mwari akati avanzwa akatsamwa zvikuru kwazvo; akaramba Israeri zvachose.
60 Ya yashe tabanakul na Shilo, tentin da ya kafa a cikin mutane.
Akasiya tabhenakeri yeShiro, iyo tende yaakanga amisa pakati pavanhu.
61 Ya aika da akwatin alkawarin ƙarfinsa zuwa bauta, darajarsa zuwa cikin hannuwan abokin gāba.
Akaendesa areka yesimba rake kuutapwa, kubwinya kwake mumaoko omuvengi.
62 Ya ba da mutanensa ga takobi; ya yi fushi ƙwarai da gādonsa.
Akaisa vanhu vake kumunondo; akatsamwira nhaka yake zvikuru kwazvo.
63 Wuta ta cinye matasansu maza,’yan matansu kuma ba su da waƙoƙin aure;
Moto wakaparadza majaya avo, uye varandakadzi vavo vakashayiwa nziyo dzesvitsa;
64 aka karkashe firistocinsu, gwaurayensu kuwa ba su iya makoki ba.
vaprista vavo vakanga vaiswa kumunondo, uye chirikadzi dzavo hadzina kugona kuchema.
65 Sa’an nan Ubangiji ya farka sai ka ce daga barcinsa, kamar yadda mutum kan farka daga buguwar ruwan inabi.
Ipapo Ishe akamuka somunhu anga akakotsira, somunhu amuka pakubatwa newaini.
66 Ya kori abokan gābansa; ya sa suka sha madawwamiyar kunya.
Akarova vavengi vake vakadzokera shure; akavanyadzisa nokusingaperi.
67 Sa’an nan ya ƙi tentunan Yusuf, bai zaɓi kabilar Efraim ba;
Ipapo akaramba matende aJosefa, haana kusarudza rudzi rwaEfuremu;
68 amma ya zaɓi kabilar Yahuda, Dutsen Sihiyona, wanda ya ƙaunaci.
asi akasarudza rudzi rwaJudha, Gomo reZioni, raakada.
69 Ya gina wurinsa mai tsarki kamar bisa, kamar duniyar da ya kafa har abada.
Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare yakakwirira, senyika yaakasimbisa nokusingaperi.
70 Ya zaɓi Dawuda bawansa ya kuma ɗauke shi daga ɗakin tumaki;
Akasarudza Dhavhidhi muranda wake, akamutora kumatanga amakwai;
71 daga kiwon tumaki ya kawo shi don yă kuma zama makiyayin mutanensa Yaƙub, na Isra’ila gādonsa.
akamubvisa pakufudza makwai kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, vaIsraeri nhaka yake.
72 Dawuda kuwa ya zama makiyayinsu da mutuncin zuciya; da hannuwa masu gwaninta ya bi da su.
Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.