< Zabura 72 >

1 Ta Solomon. Ka tanada sarki da shari’arka ta gaskiya, ya Allah, ɗan sarki da adalcinka.
Pisarema raSoromoni. Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari, mwanakomana wamambo nokururama kwenyu.
2 Zai shari’anta mutanenka da adalci, marasa ƙarfinka da shari’ar gaskiya.
Achatonga vanhu venyu nokururama, navanonetswa venyu nokururamisira.
3 Duwatsu za su kawo wadata ga mutane, tuddai kuma su ba da amfani na adalci.
Makomo achavigira vanhu kubudirira, nezvikomo, chibereko chokururama.
4 Zai kāre marasa ƙarfi a cikin mutane yă kuma cece’ya’yan masu bukata; zai murƙushe masu danniya.
Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu, uye achaponesa vana vavanoshayiwa; achapwanya mudzvinyiriri.
5 Zai jimre muddin rana tana nan, muddin akwai wata, har dukan zamanai.
Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi, kusvikira kumarudzi ose anotevera,
6 Zai zama kamar ruwan sama mai fāɗuwa a filin ciyayin da aka yanka, kamar yayyafi mai ba wa duniya ruwa.
achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa, seguti rinonyorovesa nyika.
7 A kwanakinsa adalai za su haɓaka wadata za tă yalwata har sai babu sauran wata.
Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka; kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.
8 Zai yi mulki daga teku zuwa teku kuma daga Kogi zuwa iyakar duniya.
Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa, uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.
9 Kabilun hamada za su rusuna a gabansa abokan gābansa kuwa za su lashe ƙura.
Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake, uye vavengi vake vachananzva guruva.
10 Sarakunan Tarshish da na bakin kogi masu nisa za su ba da gandu gare shi; sarakunan Sheba da Seba za su ba shi kyautai.
Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure vachamuvigira mutero; madzimambo eShebha neSebha vachamupa zvipo.
11 Dukan sarakuna za su rusuna masa kuma dukan al’ummai za su bauta masa.
Madzimambo ose achamupfugamira uye ndudzi dzose dzichamushandira.
12 Gama zai ceci masu bukatan da suka yi kuka, marasa ƙarfin da ba su da mai taimako.
Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira; vanonetswa vasina anovabatsira.
13 Zai ji tausayin gajiyayyu da masu bukata yă ceci masu bukata daga mutuwa.
Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa, uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.
14 Zai kuɓutar da su daga danniya da rikici, gama jininsu yake a gabansa.
Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa zvinhu nechisimba, nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.
15 Bari yă yi doguwar rayuwa! Bari a ba shi zinariya daga Sheba. Bari mutane su riƙa yin addu’a dominsa su kuma albarkace shi dukan yini.
Iye ngaararame upenyu hurefu! Goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari. Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera uye vamuropafadze zuva rose.
16 Bari hatsi yă yalwata a duk fāɗin ƙasar; bari yă cika bisan tuddai. Bari’ya’yan itatuwansa su haɓaka kamar Lebanon; bari yă bazu kamar ciyayi a gona.
Zviyo ngazviwande munyika yose; ngazvizengaire pamusoro pezvikomo. Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni; ngazvibukire sebundo romusango.
17 Bari sunansa yă dawwama har abada; bari yă ci gaba muddin rana tana nan. Dukan al’ummai za su sami albarka ta wurinsa, za su kuma ce da shi mai albarka.
Zita rake ngarigare nokusingaperi; ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva. Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye, uye vachamuti, ano mufaro.
18 Yabo ya tabbata ga Ubangiji Allah, Allah na Isra’ila, wanda shi kaɗai ya aikata abubuwa masu banmamaki.
Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, iye oga anoita mabasa anoshamisa.
19 Yabo ya tabbata ga sunansa mai ɗaukaka har abada; bari dukan duniya ta cika da ɗaukakarsa.
Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi; nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake.
20 Wannan ya kammala addu’o’in Dawuda ɗan Yesse.
Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.

< Zabura 72 >