< Zabura 7 >
1 Wani shiggayiyon ta Dawuda, wanda Ya Rera wa Ubangiji game da Kush mutumin Benyamin. Ya Ubangiji Allahna, na zo neman mafaka a wurinka; ka cece ni ka kuɓutar da ni daga dukan waɗanda suke bi na,
Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,
2 in ba haka ba za su yayyage ni kamar zaki su ɓarke ni kucu-kucu ba tare da wani da zai cece ni ba.
kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.
3 Ya Ubangiji Allahna, in na yi kuskure aka kuwa sami laifi a hannuwana,
Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,
4 in na yi mugunta ga wanda yake zaman lafiya da ni ko kuwa ba da wani dalilin cuci abokin gābana,
kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,
5 to, bari abokin gābana yă bi yă kuma cim mini; bari yă tattake raina a ƙasa ya sa in kwana a ƙura. (Sela)
ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate; ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu uye andivatise muguruva.
6 Ka tashi, ya Ubangiji, cikin fushinka; ka tashi gāba da fushin abokan gābana. Ka farka, Allahna, ka umarta adalci.
Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu; simukai murwise hasha dzavavengi vangu. Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.
7 Bari taron mutane su taru kewaye da kai. Ka yi mulki a bisansu daga bisa;
Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro;
8 bari Ubangiji mai shari’ar mutane. Ka shari’anta ni Ya Ubangiji, bisa ga adalcina, bisa ga mutuncina, ya Mafi Ɗaukaka.
Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.
9 Ya Allah mai adalci, wanda yake binciken tunani da zukata, ka kawo ƙarshen rikicin mugaye ka kuma sa adalai su zauna lafiya.
Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.
10 Garkuwata shi ne Allah Mafi Ɗaukaka, wanda yake ceton masu tsabtar zuciya.
Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro, iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.
11 Allah alƙali ne mai adalci, Allahn da yakan bayyana fushinsa kowace rana.
Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.
12 In mutum bai tuba ba, Allah zai wasa takobinsa; zai tanƙware yă kuma ɗaura bakansa.
Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; achakunga uta hwake agogadzirira.
13 Ya shirya makamansa masu dafi; ya shirya kibiyoyinsa masu wuta.
Agadzirira zvombo zvake zvinouraya; anozvigadzirira miseve yake inopisa.
14 Wanda yake da cikin mugunta ya kuma ɗauki cikin damuwa yakan haifi ƙarya.
Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.
15 Wanda ya haƙa rami yakan fāɗa cikin ramin da ya haƙa.
Uyo anochera gomba, akaridzikisa achawira mugomba raachera.
16 Damuwar da ya ja yakan sāke nannaɗe a kansa; fitinarsa takan sauka a kansa.
Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake; uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.
17 Zan gode wa Ubangiji saboda adalcinsa zan kuma rera yabo ga sunan Ubangiji Mafi Ɗaukaka.
Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake, uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.