< Zabura 140 >
1 Don mai bi da kaɗe-kaɗe. Zabura ta Dawuda. Ka cece ni, ya Ubangiji, daga mugaye; ka tsare ni daga mutane masu rikici,
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndirwirei, imi Jehovha, pavanhu vakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba.
2 masu shirya maƙarƙashiya a zukatansu suna kuma kawo yaƙi kullum.
Ivo vanofunga urongwa hwakaipa mumwoyo yavo, uye vanomutsa hondo mazuva ose.
3 Suna sa harsunansu su yi kaifi kamar na maciji; dafin gamsheƙa yana a leɓunansu. (Sela)
Vanorodza ndimi dzavo kuti dzipinze sedzenyoka; uturu hwenyoka yechiva huri pamiromo yavo. Sera
4 Ka kiyaye ni, ya Ubangiji, daga hannuwan mugaye; ka tsare ni daga mutane masu rikici waɗanda suke shirin kwashe ni a ƙafafu.
Ndichengetei, imi Jehovha, kubva mumaoko avakaipa; ndidzivirirei pavanhu vanoita nechisimba vanoronga kupinga tsoka dzangu.
5 Masu girman kai sun sa mini tarko; sun shimfiɗa igiyoyin ragarsu sun kuma shirya mini tarko a hanyata. (Sela)
Vanhu vanozvikudza vakandivanzira misungo; vakatambanudza mabote emimbure yavo uye vakateya ugombe munzira yandinofamba nayo. Sera
6 Ya Ubangiji, na ce maka, “Kai ne Allahna.” Ka ji kukata ta neman jinƙai, ya Ubangiji.
Haiwa Jehovha, ndinoti kwamuri, “Ndimi Mwari wangu.” Haiwa Jehovha, inzwai kuchemera nyasha kwangu.
7 Ya Ubangiji Mai Iko Duka, mai fansana mai ƙarfi, wanda yake garkuwoyin kaina a ranar yaƙi.
Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba, anofukidza musoro wangu pazuva rehondo,
8 Kada ka biya wa mugaye bukatunsu, ya Ubangiji; kada ka bar shirinsu su yi nasara, in ba haka ba za su yi fariya. (Sela)
regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha; musarega urongwa hwavo huchibudirira, kuti varege kuzvikudza. Sera
9 Bari kawunan waɗanda suka kewaye ni su rufu da masifun da leɓunansu suka jawo.
Misoro yaavo vakandipoteredza ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.
10 Bari garwashin wuta yă zubo a kansu; bari a jefar da su cikin wuta, cikin rami mai zurfi, kada su sāke tashi.
Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngavakandwe mumoto, mumakomba amatope, vasambomukazve.
11 Kada masu ɓata suna su taɓa kahu a ƙasar; bari masifa ta farauci mutane masu rikici.
Vane makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika; njodzi ngaivhime vanhu vanoita zvinhu nechisimba.
12 Na san cewa Ubangiji ya shirya wa matalauta adalci yana kuma yi wa mabukata adalci.
Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo, uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.
13 Tabbatacce masu adalci za su yabi sunanka masu aikata gaskiya kuma za su zauna a gabanka.
Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu, uye vakarurama vachagara pamberi penyu.