< Markus 10 >
1 Sai Yesu ya tashi daga nan ya tafi yankin Yahudiya, da kuma ƙetaren Urdun. Taron mutane suka sāke zuwa wurinsa, ya kuma koya musu kamar yadda ya saba.
Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; zvaunga ndokuunganirazve kwaari; zvino sezvaakange ajaira, akavadzidzisa zvekare.
2 Waɗansu Farisiyawa suka zo suka gwada shi, ta wurin yin masa tambaya cewa, “Daidai ne bisa ga doka, mutum yă saki matarsa?”
VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zvinotenderwa here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.
3 Ya amsa ya ce, “Me Musa ya umarce ku?”
Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii?
4 Suka ce, “Musa ya ba da izini mutum yă rubuta takardar saki, yă kuma kore ta.”
Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.
5 Yesu ya ce, “Saboda taurin kanku ne, Musa ya rubuta muku wannan doka.
Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo wenyu, wakakunyorerai murairo uyu.
6 Amma a farkon halitta, Allah ya ‘halicce su miji da mace.’
Asi kubva pakutanga kwezvisikwa, Mwari wakavaita murume nemukadzi.
7 ‘Saboda wannan dalili, mutum zai bar mahaifinsa da mahaifiyarsa, yă manne wa matarsa,
Nekuda kweizvozvo munhu achasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;
8 su biyun kuma za su zama jiki ɗaya.’Saboda haka, su ba mutum biyu ba ne, amma mutum ɗaya.
zvino ava vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.
9 Domin haka, abin da Allah ya haɗa, kada mutum yă raba.”
Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu anoparadzanisa.
10 Da suna cikin gida kuma, sai almajiran suka tambayi Yesu game da wannan.
Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.
11 Ya amsa ya ce, “Duk wanda ya saki matarsa, ya auri wata, yana da laifin aikata zina a kan matar da ya saki.
Zvino akati kwavari: Ani nani anoramba mukadzi wake, akawana umwe, anoita upombwe kwaari.
12 In kuma ta saki mijinta ta auri wani, ta yi zina ke nan.”
Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, anoita upombwe.
13 Mutane suka kawo ƙananan yara wurin Yesu don yă taɓa su, amma almajiran suka kwaɓe su.
Zvino vakauya nevana vadiki kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.
14 Da Yesu ya ga haka, sai ya yi fushi, ya ce musu, “Ku bar yara ƙanana su zo wurina, kada ku hana su, gama mulkin Allah na irin waɗannan ne.
Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vadiki kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.
15 Gaskiya nake gaya muku, duk wanda bai karɓi mulkin Allah kamar ƙaramin yaro ba, ba zai taɓa shiga mulkin ba.”
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
16 Sai ya ɗauki yaran a hannuwansa, ya ɗibiya musu hannuwansa, ya kuma albarkace su.
Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.
17 Da Yesu ya kama hanya, sai wani mutum ya ruga da gudu ya zo wajensa, ya durƙusa a gabansa ya ce, “Malam nagari, me zan yi domin in gāji rai madawwami?” (aiōnios )
Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? (aiōnios )
18 Yesu ya amsa ya ce, “Don me kake ce da ni mai nagarta? Ai, ba wani nagari, sai Allah kaɗai.
Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.
19 Ka san dokokin da suka ce, ‘Kada ka yi kisankai, kada ka yi zina, kada ka yi sata, kada ka ba da shaida ta ƙarya, kada ka cuci wani, ka girmama mahaifinka da mahaifiyarka.’”
Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.
20 Mutumin ya ce, “Malam, ai, tun ina yaro na kiyaye duk waɗannan.”
Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.
21 Yesu ya kalle shi da ƙauna ya ce, “Abu ɗaya ka rasa, ka tafi ka sayar da duk abin da kake da shi, ka ba wa matalauta, za ka kuwa sami dukiya a sama. Sa’an nan ka zo ka bi ni.”
Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvese zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.
22 Da jin wannan, sai mutumin ya ɓata fuskarsa, ya tafi da baƙin ciki, gama yana da arziki sosai.
Asi asuwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nokuti wakange ane nhumbi zhinji.
23 Yesu ya dudduba, sai ya ce wa almajiransa, “Yana da wuya fa masu arziki su shiga mulkin Allah!”
Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!
24 Almajiransa suka yi mamakin kalmominsa. Amma Yesu ya sāke ce musu, “’Ya’yana, yana da wuya fa a shiga mulkin Allah!
Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;
25 Ya fi sauƙi raƙumi yă shiga ta kafar allura, da mai arziki yă shiga mulkin Allah.”
zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.
26 Almajiran suka yi mamaki ƙwarai, suka ce wa juna, “To, wa zai sami ceto ke nan?”
Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino angagoponeswa?
27 Yesu ya kalle su ya ce, “Ga mutum kam, wannan ba mai yiwuwa ba ne, amma ga Allah, wannan mai yiwuwa ne; dukan abubuwa masu yiwuwa ne ga Allah.”
Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nokuti kuna Mwari zvinhu zvese zvinobvira.
28 Bitrus ya ce, “Mun bar kome domin mu bi ka!”
Petro akatanga kuti kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese tikakuteverai.
29 Yesu ya amsa ya ce, “Gaskiya nake gaya muku, babu wanda zai bar gida, ko’yan’uwa maza da mata, ko mahaifiya, ko mahaifi, ko’ya’ya, ko gonaki saboda ni, da kuma bishara,
Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,
30 sa’an nan yă kāsa samun ninkinsu ɗari a zamanin yanzu (na gidaje, da’yan’uwa mata, da’yan’uwa maza, da uwaye, da’ya’ya, da gonaki amma tare da tsanani) a lahira kuma yă sami rai madawwami. (aiōn , aiōnios )
asingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda, pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya. (aiōn , aiōnios )
31 Amma da yawa da suke na farko, za su zama na ƙarshe, na ƙarshe kuma, za su zama na farko.”
Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.
32 Suna haurawa a hanyarsu zuwa Urushalima ke nan, Yesu yana a gaba, almajiran suna bin sa suna mamaki, waɗanda suke bi kuma suna ji tsoro. Ya sāke kai Sha Biyun nan gefe, ya gaya musu abin da zai faru da shi.
Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvakange zvichizoitika kwaari,
33 Ya ce, “Za mu haura zuwa Urushalima, za a bashe Ɗan Mutum, ga manyan firistoci da malaman dokoki. Za su yi masa hukuncin kisa, a kuma ba da shi ga Al’ummai,
achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,
34 waɗanda za su yi masa ba’a, su tofa masa miyau, su yi masa bulala, su kuma kashe shi. Bayan kwana uku kuma yă tashi.”
vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu achamukazve.
35 Sai Yaƙub da Yohanna,’ya’yan Zebedi maza suka zo wurinsa suka ce, “Malam, muna so ka yi mana duk abin da muka roƙa.”
Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.
36 Ya tambaye su ya ce, “Me kuke so in yi muku?”
Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?
37 Suka amsa suka ce, “Ka bar ɗayanmu yă zauna a damarka, ɗayan kuma a hagunka, a cikin ɗaukakarka.”
Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.
38 Yesu ya ce, “Ba ku san abin da kuke roƙo ba. Za ku iya shan kwaf da zan sha, ko a yi muku baftisma da baftismar da aka yi mini?”
Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandinonwa ini here, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here?
39 Suka ce, “Za mu iya.” Yesu ya ce musu, “Za ku sha kwaf da zan sha, a kuma yi muku baftisma da aka yi mini,
Vakati kwaari: Tingagona. Jesu akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wandinonwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
40 amma zama a damana ko haguna, ba ni nake ba da izinin ba. Waɗannan wurare na waɗanda aka riga aka shirya musu ne.”
asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.
41 Da sauran goman suka ji wannan, sai suka yi fushi da Yaƙub da Yohanna.
Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.
42 Yesu ya kira su ya ce musu, “Kun sani waɗanda aka san su da mulkin al’ummai sukan nuna musu iko, hakimansu ma sukan gasa musu iko.
Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.
43 Ba haka ya kamata yă zama da ku ba. A maimakon, duk wanda yake so yă zama babba a cikinku, dole yă zama bawanku.
Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, achava mushandiri wenyu;
44 Duk wanda kuma yake so yă zama na farko, dole yă zama bawan kowa.
ani nani wenyu anoda kuva wekutanga, achava mushandi wevese.
45 Gama ko Ɗan Mutum ma, bai zo domin a bauta masa ba, amma don yă yi bauta, yă kuma ba da ransa fansa saboda mutane da yawa.”
Nokuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.
46 Sai suka iso Yeriko. Sa’ad da Yesu da almajiransa tare da taro mai yawa suke barin birnin, wani makaho da ake kira Bartimawus kuwa (wato, “ɗan Timawus”), yana zaune a gefen hanya yana bara.
Vakasvika kuJeriko; zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimio bofu, mwanakomana waTimio, akange agere padivi penzira achipemha.
47 Da ya ji cewa Yesu Banazare ne, sai ya ɗaga murya, yana cewa, “Yesu Ɗan Dawuda, ka yi mini jinƙai!”
Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira, nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
48 Mutane da yawa suka kwaɓe shi, suka ce yă yi shiru, amma ya ƙara ɗaga murya yana cewa, “Ɗan Dawuda, ka yi mini jinƙai!”
Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
49 Yesu ya tsaya ya ce, “Ku kira shi.” Sai suka kira makahon suka ce, “Ka yi farin ciki! Tashi tsaye! Yana kiranka.”
Jesu ndokumira, akati adanwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, anokudana.
50 Ya jefar da mayafinsa waje ɗaya, ya yi wuf, ya zo wurin Yesu.
Ipapo rikarasa nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.
51 Yesu ya tambaye shi ya ce, “Me kake so in yi maka?” Makahon ya ce, “Rabbi, ina so in sami ganin gari.”
Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni, kuti ndionezve.
52 Yesu ya ce, “Je ka, bangaskiyarka ta warkar da kai.” Nan da nan, ya sami ganin gari, ya kuma bi Yesu suka tafi.
Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.