< Malaki 3 >

1 “Duba, zan aika manzona, wanda zai shirya hanya a gabana. Sa’an nan a farat ɗaya Ubangiji wanda kuke nema zai zo haikalinsa. Manzon alkawari, wanda kuke sa zuciya kuwa zai zo,” in ji Ubangiji Maɗaukaki.
“Tarirai, ndichatuma nhume yangu, uyo achagadzira nzira pamberi pangu. Ipapo Ishe wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake; mutumwa wesungano, wamunoshuva, achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
2 Amma wa zai jure wa ranar zuwansa? Wa zai iya tsaya sa’ad da ya bayyana? Gama zai zama kamar wuta mai tace ƙarfe, ko sabulu mai wanki.
Asi ndiani angatsunga pazuva rokuuya kwake? Ndiani angamira paanoonekwa? Nokuti achava somoto womunatsi kana sipo yomusuki.
3 Zai zama kamar mai tace azurfa da mai tsarkaketa; zai tsabtacce Lawiyawa, yă kuma tace su kamar zinariya da azurfa. Sa’an nan Ubangiji zai sami mutanen da za su kawo hadayu a cikin adalci.
Iye achagara somunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vaRevhi uye achavanatsa segoridhe nesirivha. Ipapo Jehovha achava navanhu vachamuvigira zvipiriso mukururama,
4 Hadayun Yahuda da na Urushalima za su zama yardajje ga Ubangiji, za su zama kamar a kwanakin da suka wuce, kamar a shekarun baya.
uye zvipiriso zveJudha neJerusarema zvichagamuchirwa naJehovha, sapamazuva akapfuura, sapamakore akare.
5 “Ta haka zan zo kusa da ku don in yi hukunci. Zan hanzarta ba da shaida a kan masu yin sihiri, da mazinata da masu shaidar zur. Zan ba da shaida a kan waɗanda suke zaluntar ma’aikata a kan albashinsu, da waɗanda suke ƙwarar gwauraye da marayu, suna kuma hana baƙi samun adalci, ba sa ma tsorona,” in ji Ubangiji Maɗaukaki.
“Saka ndichaswedera kwamuri kuzotonga. Ndichakurumidza kupupura ndichipikisa varoyi, mhombwe uye navanopika nhema, navaya vanobiridzira vashandi migove yavo, vanodzvinyirira chirikadzi nenherera uye vasingaruramisiri vatorwa, uye vasingandityi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
6 “Ni Ubangiji ba na canjawa. Shi ya sa ku zuriyar Yaƙub, ba a hallaka ku ƙaƙaf ba.
“Ini Jehovha handishanduki. Saka imi, rudzi rwaJakobho, hamuna kuparadzwa.
7 Tun zamanin kakanninku, kun juye wa ƙa’idodina baya, ba ku kuma kiyaye su ba. Ku komo gare ni, ni kuma zan koma gare ku,” in ji Ubangiji Maɗaukaki. “Amma sai kuka ce, ‘Yaya za mu koma gare ka?’
Kubva pamazuva amadzitateguru enyu makatsauka pamitemo yangu uye hamuna kuichengeta. Dzokerai kwandiri, uye neni ndichadzokera kwamuri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipiko?’
8 “Mutum zai iya yi wa Allah fashi ne? Duk da haka kun yi mini fashi. “Amma sai kuka ce, ‘Yaya muka yi maka fashi?’ “A wajen zakka da hadayu.
“Ko, munhu angabire Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira. “Asi munobvunza muchiti, ‘Tinokubirai pane zvipi?’ “Pazvegumi nezvipiriso.
9 Kuna ƙarƙashin la’ana, dukan al’ummarku, domin kuna yin mini fashi.
Makatukwa, rudzi rwenyu rwose, nokuti muri kundibira.
10 Ku kawo dukan zakka cikin gidan ajiya, don a kasance da abinci a gidana. Ku gwada ni a wannan ku ga, ko ba zan buɗe taskokin sama in zubo muku albarka mai yawa, wadda har ba za ku rasa wurin sa ta ba, in ji Ubangiji Maɗaukaki.
Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa.
11 Zan hana ƙwari su cinye hatsinku. Kuringar inabi a gonakinku kuma ba za su zubar da’ya’yansu kafin su nuna ba,” in ji Ubangiji Maɗaukaki.
Ndichadzivisa udyi pakuparadza zvirimwa zvenyu, uye mizambiringa yeminda yenyu haingadonhedzi zvibereko zvayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
12 “Sa’an nan dukan al’ummai za su ce da ku masu albarka, gama ƙasarku za tă yi daɗin zama,” in ji Ubangiji Maɗaukaki.
“Ipapo ndudzi dzose dzichati makaropafadzwa, nokuti nyika yenyu ichava inofadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
13 “Kun faɗi mugayen abubuwa a kaina,” in ji Ubangiji. “Duk da haka kuka ce, ‘Me muka faɗa a kanka?’
Jehovha anoti, “Makataura zvinhu zvikukutu pamusoro pangu.” “Kunyange zvakadaro munoti, ‘Takataureiko pamusoro penyu?’
14 “Kun ce, ‘Ba amfani a bauta wa Allah. Wanda amfani muka samu ta wurin kiyaye umarnansa muna yawo kamar masu makoki a gaban Ubangiji Maɗaukaki?
“Imi makati, ‘Hazvina maturo kushumira Mwari. Takawaneiko nokuita zvaakarayira uye zvatakafamba savachemi pamberi paJehovha Wamasimba Ose?
15 A ganinmu, masu girman kai suna jin daɗi. Masu aikata mugunta kuwa ba arziki kaɗai suka yi ba, amma sukan gwada Allah da mugayen ayyukansu, su kuwa zauna lafiya.’”
Asi zvino tinoti vanozvikudza vakaropafadzwa. Zvirokwazvo vaiti vezvakaipa vanobudirira uye naivo vaya vanoedza Mwari vanopunyuka.’”
16 Sa’an nan waɗanda suke tsoron Ubangiji suka yi magana da juna, Ubangiji kuwa ya kasa kunne ya kuma ji. A gabansa aka rubuta a littafin tarihi waɗanda suke tsoron Ubangiji, suna kuma girmama sunansa.
Ipapo vaya vaitya Jehovha vakataurirana, uye Jehovha akateerera akanzwa. Bhuku rechirangaridzo rakanyorwa pamberi pake pamusoro pavanotya Jehovha uye nevanoremekedza zita rake.
17 “A ranar da na shirya ajiyayyen mallakata, za su zama nawa,” in ji Ubangiji Maɗaukaki. “Zan ji kansu kamar yadda mahaifi cikin tausayi yakan ji kan ɗansa wanda yake masa hidima.
“Vachava vangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “pazuva randichaunganidza pfuma yangu inokosha. Ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomushandira.
18 Za ku kuma ga bambanci tsakanin masu adalci da mugaye, tsakanin waɗanda suke wa Allah hidima da kuma waɗanda ba sa yi.
Uye muchaonazve musiyano pakati pavakarurama navakaipa, pakati pavaya vanoshumira Mwari navaya vasingamushumiri.

< Malaki 3 >