< Firistoci 5 >
1 “‘Mutum zai yi zunubi in bai yi magana ba sa’ad da ya ji ana shelar neman shaida game da wani abin da ya gani ko kuwa ya ji, alhakin zai zauna a wuyansa.
“‘Kana munhu akatadza nokuti aramba kupa uchapupu iye achinzi ape uchapupu pamusoro pezvaakaona kana zvaakanzwa, achava nemhosva.
2 “‘Ko kuwa in mutum ya taɓa wani abin da yake mai ƙazanta, ko gawar naman jeji marar tsabta, ko na shanu marar tsabta, ko na halittu marasa tsabtan da suke motsi a ƙasa; ko da yake bai sani ba, ya ƙazantu ke nan, kuma ya yi laifi.
“‘Kana kuti munhu akabata zvinhu zvipi zvazvo zvisina kuchena, zvingava zvitunha zvemhuka dzesango dzisina kuchena, kana mombe isina kuchena, kana zvipuka zvisina kuchena zvinofamba pavhu, kunyange asingazvizivi, atova asina kuchena uye ane mhosva.
3 Ko kuwa in ya taɓa rashin tsabta na mutane, wani abin da zai sa shi rashin tsabta; ko da yake bai sani ba, sa’ad da ya gane, zai zama mai laifi.
“‘Kana kuti akabata zvisakachena zvavanhu, chinhu chipi zvacho chinoita kuti asava akachena, kunyange asingazvizivi, paanozozviziva, achava nemhosva.
4 Ko kuwa in mutum bai yi tunani ba, ya yi rantsuwar yin wani abu, ko mai kyau ko marar kyau; ko da yake bai sani ba, duk da haka sa’ad da ya gane zai zama mai laifi.
“‘Kana kuti munhu asina kunyatsofungisisa akaita mhiko yokuti achaita chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, panyaya ipi zvayo, munhu yaanenge apika pamusoro payo asina kufungisisa, kunyange zvazvo asingazvizivi, paanozozviziva achava nemhosva.
5 Sa’ad da wani yana da laifi a kowanne cikin waɗannan hanyoyi, dole yă furta a hanyar da ya yi zunubin
“‘Kana munhu akava nemhosva pane chimwe chaizvozvi anofanira kureurura nzira yaakatadza nayo
6 kuma don zunubin da ya yi, dole yă kawo wa Ubangiji tunkiya ko akuya daga garke kamar hadaya don zunubi; firist kuwa zai yi kafara dominsa da kuma domin zunubinsa.
uye somuripo wechivi chaakaita, anofanira kuuya kuna Jehovha negwayana sheshe kana mbudzana sechipiriso chechivi uye muprista achamuyananisira chivi chake.
7 “‘In ba zai iya kawo tunkiyar ba, sai yă kawo kurciyoyi biyu ko tattabarai biyu ga Ubangiji a matsayin hakki don zunubinsa, ɗaya domin hadaya don zunubi ɗayan kuma domin hadaya ta ƙonawa.
“‘Kana asingakwanisi kuuya negwayana anofanira kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri kuna Jehovha somuripo wechivi chake, imwe somuripo wechivi, imwe sechipiriso chinopiswa.
8 Zai kawo su wa firist, wanda da fari zai miƙa ɗaya domin hadaya don zunubi. Zai murɗe kan daga wuyanta, ba tare da tsinke kan gaba ɗaya ba,
Anofanira kudziuyisa kumuprista uyo achatanga kupa imwe yacho sechipiriso chechivi. Anofanira kumonyorora mutsipa wayo asingabvisi musoro zvachose.
9 zai kuma yayyafa jinin hadaya don zunubin a gefen bagade; a tsiyaye sauran jinin kuma a gindin bagade. Hadaya ce ta zunubi.
Achasasa rimwe ropa rechipiriso chezvivi kumativi earitari, rimwe ropa rose rinofanira kudururwa mujinga mearitari. Ichi chipiriso chechivi.
10 Firist zai miƙa ɗayan matsayin hadaya ta ƙonawa bisa ga yadda aka tsara, yă kuma yi kafara dominsa saboda zunubin da ya yi, za a kuwa gafarta masa.
Ipapo muprista achapa chimwe chacho sechipiriso chinopiswa nenzira yakatarwa agomuyananisira pachivi chaakaita, uye acharegererwa.
11 “‘In ba zai iya kawo kurciyoyi biyu ko tattabarai biyu ba, sai yă kawo humushin garwan gari mai laushi domin hadaya don zunubi. Ba lalle ba ne yă sa mai ko turare a kansa, saboda wannan hadaya ce ta zunubi.
“‘Asi, kana asingakwanisi kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, anofanira kuuya nechipiriso chezvivi zvake chiri chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezvivi. Haafaniri kuisa mafuta kana zvinonhuhwira pazviri nokuti chipiriso chechivi.
12 Zai kawo wa firist, firist kuwa zai ɗiba da hannu don yă kasance abin tunawa, sai yă ƙone a bisan bagaden kamar hadayar da ake ƙona da wuta ga Ubangiji. Hadaya ce ta zunubi.
Anofanira kuzviuyisa kumuprista uyo achatora tsama sechikamu chechirangaridzo agozvipisa paaritari pamusoro pezvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ichi chipiriso chezvivi.
13 Ta haka firist zai yi kafara dominsa saboda dukan waɗannan zunuban da ya yi, za a kuwa gafarta masa. Sauran hadayar za tă zama ta firist, kamar yadda yake bisa ga hadaya ta gari.’”
Nenzira iyi muprista achamuyananisira pazvivi zvose zvaakaita uye acharegererwa. Zvimwe zvose zvezvipiriso zvinosara zvichava zvomuprista, sezvinoitwa nezvipiriso zvezviyo.’”
14 Ubangiji ya ce wa Musa,
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi:
15 “Sa’ad da mutum ya ci amana, ya kuma yi zunubi ba da gangan ba dangane da wani cikin abubuwa masu tsarki na Ubangiji, zai kawo ga Ubangiji rago daga garke wanda ba shi da lahani saboda yin hadaya don laifinsa. Za a kimata kuɗinsa bisa ga ma’aunin shekel na tsattsarkan wuri. Hadaya ce ta laifi.
“Kana munhu akakanganisa chimwe chinhu uye akatadza nokusaziva maererano nezvinhu zvose zvitsvene zvaJehovha, anofanira kuuya kuna Jehovha nomuripo wegondobwe risina kuremara, uye rine muripo unokwanirana nesirivha, maererano neshekeri repanzvimbo tsvene. Ichi chipiriso chezvivi.
16 Dole yă biya abin da ya kāsa yi dangane da abubuwa masu tsarki, yă ƙara kashi ɗaya bisa biyar na darajar abin a kan wannan sa’an nan yă ba wa firist. Firist kuwa zai yi kafara dominsa da ragon hadaya don laifi. Za a kuwa gafarta masa.
Anofanira kuripira zvaakatadza kuita maererano nezvinhu zvitsvene, agowedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu agopa zvose kumuprista, achamuyananisira negondobwe sechipiriso chemhosva, uye acharegererwa.
17 “In mutum ya yi zunubi, ya aikata ɗaya daga cikin abubuwan da Ubangiji ya umarta kada a yi, ko da yake bai sani ba, shi mai laifi ne. Za a kuwa nemi hakki daga gare shi.
“Kana munhu akatadza uye akaita zvisingabvumirwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange asingazvizivi, ane mhosva uye achava nemhaka.
18 Zai kawo wa firist rago daga garke, marar lahani. Za a kimanta tamanin rago daidai da tamanin hadaya don laifi. Firist kuwa zai yi kafara don kuskuren da mutumin ya yi ba da saninsa ba, za a gafarta masa.
Anofanira kuuya kumuprista nechipiriso chemhosva gondobwe risina kuremara uye rine muripo wakafanira. Nenzira iyi muprista achamuyananisira pakukanganisa kwaakaita nokusaziva, uye acharegererwa.
19 Hadaya ce ta laifi, ya yi laifi na abin da ya yi marar kyau ga Ubangiji.”
Ichi chipiriso chezvivi, akabatwa nemhosva yaakapara kuna Jehovha.”