< Yoshuwa 15 >

1 An raba wa kabilar Yahuda gādonsu ta wurin yin ƙuri’a, bisa ga iyalansu, rabon ya kai har zuwa sashen Edom, zuwa Jejin Zin can kurewar kudu.
Nzvimbo yakapiwa rudzi rwaJudha, mhuri nemhuri, yaisvika kunyika yeEdhomu kuGwenga reZini zasi kumagumo chaiko.
2 Iyakarsu a kudanci ta tashi tun daga kurewar kudu na Tekun Gishiri,
Muganhu wavo wezasi waitangira pamuganhu weGungwa roMunyu,
3 zuwa kudancin Hanyar Kunama, ta ci gaba har zuwa Zin, zuwa kudancin Kadesh Barneya. Sa’an nan ta kurɗa zuwa Hezron har zuwa Addar, ta kuma karkata zuwa Karka.
uchiyambukira zasi kwoMupata weChinyavada uchipfuurira kuenda kuZini uchizopfuurira kuenda nechezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo waienda uchipfuura nepaHezironi kusvika kuAdhari uchikombamira kuKarika.
4 Sai ta wuce zuwa Azmon ta haɗu da Rafin Masar, ta ƙarasa a Bahar Rum. Wannan shi ne iyakarsu ta kudu.
Ipapo waipfuurira kuAzimoni uchindobatana neRwizi rweIjipiti wogumira kugungwa. Uyu ndiwo muganhu wavo wezasi.
5 Iyakarsu ta gabas kuwa ita ce Tekun Gishiri wadda ta zarce har zuwa gaɓar Urdun. Iyakarsu ta arewa ta fara ne daga Tekun Gishiri a bakin Urdun,
Muganhu wokumabvazuva ndiwo Gungwa roMunyu kusvikira kumuromo werwizi rweJorodhani. Muganhu wokumusoro waitangira kugungwa pamuromo weJorodhani,
6 wajen Bet-Hogla ta wuce har zuwa arewancin Bet-Araba, zuwa Dutsen Bohan ɗan Ruben.
uchienda kuBheti Hogira, ndokupfuurira nokumusoro kweBheti Arabha kusvika kubwe raBhohani mwanakomana waRubheni.
7 Sai iyakar ta haura zuwa Debir daga Kwarin Akor ta juya arewa da Gilgal, wadda take fuskantar hawan Adummim a kudancin kwari, ta ci gaba zuwa ruwan En Shemesh, ta ɓullo ta En Rogel.
Ipapo muganhu waizokwira kuDhebhiri uchibva paMupata weAkori uye uchidzokera nechokumusoro wakananga kuGirigari, pakatarisana noMupata weAdhumimi nechezasi kwomupata. Waipfuurira napamvura yeEni Shemeshi ndokuzobudira kuEri Rogeri.
8 Sai kuma ta gangara zuwa Kwarin Ben Hinnom a gangaren kudancin birnin Yebusiyawa (wato, Urushalima). Daga can ta haura zuwa kan tudun a yammancin Kwarin Hinnom, a arewancin ƙarshen Kwarin Refayim.
Ipapo waikwira napamupata waBheni waHinomi wakanga uri zasi kwamateru eguta ravaJebhusi (rinova Jerusarema). Kubva ipapo waikwira kumusoro kwechikomo kumavirira kwomupata waHinomi nechokumusoro kwamagumo oMupata weRefaimi.
9 Daga kan tudun, iyakar ta nufi maɓulɓular ruwa na Neftowa, ta ɓullo a garuruwan da suke a Dutsen Efron, ta gangara zuwa Ba’ala (wato, Kiriyat Yeyarim).
Kubva pamusoro pechikomo, muganhu wainanga kuchitubu chemvura zhinji yeNefutoa, uchibudira kumaguta eGomo reEfuroni ndokuzoburuka wakananga Bhaara iro Kiriati.
10 Sa’an nan ta karkata yamma daga Ba’ala zuwa Dutsen Seyir, ta wuce ta gangaren Dutsen Yeyarim (wato, Kesalon), ta ci gaba zuwa Bet-Shemesh, ta bi zuwa Timna.
Ipapo waikombamira kumavirira uchibva paBhaara kusvika paGomo reSeiri uchienda nokumawere eGomo reJearimi (iro Kesaroni), ndokupfuurira pasi kuBheti Shemeshi uchizoyambukira kuTimina.
11 Ta wuce zuwa gangaren arewancin Ekron, ta juya zuwa Shikkeron, ta wuce zuwa Dutsen Ba’ala, ta kai Yabneyel, iyakarta ta ƙare a teku.
Waiendawo nokumawere echokumusoro kweEkironi, uchidzoka wakananga kuShikeroni, uchipfuura nokuGomo reBhaara uchisvika kuJabhuneeri. Muganhu waindogumira kugungwa.
12 Bakin Bahar Rum nan ne iyakar yammanci. Wannan ita ce iyakar da ta kewaye jama’ar Yahuda bisa ga iyalansu.
Muganhu wokumavirira ndiwo mahombekombe eGungwa Guru. Iyi ndiyo miganhu yakapoteredza Judha zvichienderana nedzimba dzavo.
13 Yoshuwa ya ba Kaleb ɗan Yefunne wuri a Yahuda, Kiriyat Arba, wato, Hebron, bisa ga umarnin Ubangiji. (Arba shi ne mahaifin Anak.)
Joshua akapa Karebhu mwanakomana weJefune mugove pakati pavana vaJudha sezvaakarayirwa naJehovha, akamupa Kiriati Abha, iro Hebhuroni. (Abha akanga ari tateguru waAnaki.)
14 Daga can sai Kaleb ya kori’ya’yan Anak, maza su uku daga Hebron, wato, Sheshai, Ahiman da Talmai.
Karebhu akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki vaiti Sheshai, Ahimani naTarimani zvizvarwa zvaAnaki kubva paHebhuroni.
15 Daga can ya nufi Debir ya yi yaƙi da mutanen da suke zama a can (Dā sunan Debir, Kiriyat Sefer ne).
Kubva ipapo akandorwa navanhu vaigara kuDhebhiri (yaimbonzi Kiriati Seferi).
16 Kaleb ya ce, “Zan ba da’yata Aksa aure ga wanda zai ci Kiriyat Sefer da yaƙi.”
Karebhu akati, “Munhu anorwa neKenati Seferi akarikunda ndichamupa mukunda wangu, Akisa ave mukadzi wake.”
17 Otniyel ɗan Kenaz, ɗan’uwan Kaleb, ya ci Kiriyat Sefer da yaƙi; saboda haka Kaleb ya ba wa Aksa’yarsa, ya kuwa aure ta.
Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu akarikunda; saka Karebhu akamupa mwanasikana wake Akisa akava mukadzi wake.
18 Wata rana da ta zo wurin Otniyel, sai ya zuga ta ta roƙi mahaifinta fili. Da ta sauka daga kan jakinta sai Kaleb ya tambaye ta ya ce, “Me kike so in yi miki?”
Akisa akati achisvika kuna Otinieri nerimwe zuva, akamukurudzira kuti akumbire munda kubva kuna baba vake. Paakaburuka pambongoro yake Karebhu akati kwaari, “Ndingakuitireiko?”
19 Ta amsa ta ce, “Ka yi mini alheri na musamman, tun da ka ba ni wuri a Negeb, ina roƙonka, ka ba ni maɓulɓulan ruwa.” Kaleb kuwa ya ba ta maɓulɓulan ruwa na tuddai da na kwari.
Iye akati, “Ndiitirei nyasha. Zvamakandipa nyika yeNegevhi, ndipeiwo zvakare matsime emvura.” Naizvozvo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi.
20 Wannan shi ne gādon kabilar Yahuda bisa ga iyalansu.
Iyi ndiyo nhaka yorudzi rwaJudha, mhuri nemhuri:
21 Garuruwan kabilar Yahuda da suke kudu cikin Negeb zuwa iyakar Edom su ne. Kabzeyel, Eder, Yagur,
Maguta ezasi zasi erudzi rwaJudha kuNegevhi kwakanangana nomuganhu weEdhomu aiva: Kabhizeeri, Edheri, Jaguri,
22 Kina, Dimona, Adada,
Kina, Dhimona, Adhadha,
23 Kedesh, Hazor, Itnan,
Kedheshi, Hazori, Itinani,
24 Zif, Telem, Beyalot,
Zifi, Teremi, Bhearoti,
25 Hazor-Hadatta, Keriyot Hezron (wato, Hazor),
Hazori Hadhata, Kerioti Hezironi (iro Hazori),
26 Amam, Shema, Molada,
Amami, Shema, Moradha,
27 Hazar Gadda, Heshmon, Bet-Felet,
Hazari Gadha, Heshimoni, Bheti Pereti,
28 Hazar Shuwal, Beyersheba, Biziyotiya,
Hazari Shuari, Bheerishebha, Bhiziotia,
29 Ba’ala, Iyim, Ezem,
Bhaara, Riyimi, Ezemi,
30 Eltolad, Kesil, Horma,
Eritoradhi, Kesiri, Hurima,
31 Ziklag, Madmanna, Sansanna,
Zikiragi, Madhimana, Sanisana,
32 Lebayot, Shilhim, Ayin, Rimmon, jimillarsu, garuruwa da ƙauyukansu duka ashirin da tara ne.
Rebhaoti, Shirimi, Aini, Rimoni, maguta anokwana makumi maviri namapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.
33 Biranen da suke a filayen kwari su ne, Eshtawol, Zora; Ashna,
Mujinga mamakomo okumavirira maiva ne: Eshitaori, Zora neAshina,
34 Zanowa, En Gannim, Taffuwa, Enam,
Zanoa, Eni Ganimi, Tapuwa, Enami,
35 Yarmut, Adullam, Soko, Azeka,
Jarimuti, Adhuramu, Soko, Azeka,
36 Sha’arayim, Aditayim, Gedera (Gederotayim ke nan). Garuruwa goma sha huɗu ke nan da ƙauyukansu.
Shaaraimi, Adhitaimi, neGedhera (kana kuti Gedherotaimi) anova maguta gumi namana pamwe chete nemisha yawo.
37 Zenan, Hadasha, Migdal Gad,
Zenani, Hadhasha, Migidhari Gadhi,
38 Dileyan, Mizfa, Yokteyel,
Dhireani, Mizipa, Jokiteeri,
39 Lakish, Bozkat, Eglon,
Rakishi, Bhozikati, Egironi,
40 Kabbon, Lahman, Kitlish,
Kabhoni, Ramasi, Kitireishi,
41 Gederot, Bet-Dagon, Na’ama, Makkeda, garuruwa goma sha shida ke nan da ƙauyukansu.
Gedheroti, Bheti Dhagoni, Naama, neMakedha anova maguta gumi namatanhatu pamwe chete nemisha yawo.
42 Libna, Eter, Ashan,
Ribhina, Eteri, Ashani,
43 Yefta, Ashna, Nezib,
Ifita, Ashina, Nezibhi,
44 Keyila, Akzib, Maresha, garuruwa tara ke nan da ƙauyukansu.
Keira, Akizibhi, Maresha anova maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.
45 Ekron da ƙauyukan da suke kewaye da ita;
Ekironi, nenzvimbo dzakaripoteredza nemisha yaro;
46 yammancin Ekron da dukan garuruwa da ƙauyukan da suke kusa da Ashdod.
uye nokumavirira kweKironi namaguta ose akanga ari pedyo neAshidhodhi pamwe chete nemisha yawo;
47 Ashdod da garuruwa da kuma ƙauyukan da suke kewaye da ita, Gaza da garuruwanta da ƙauyukanta har zuwa Rafin Masar da kuma Bahar Rum.
Ashidhodhi nemisha yaro yakaripoteredza neGaza nemisha yaro kusvikira kurukova rweIjipiti namahombekombe eGungwa Guru.
48 Birane na cikin ƙasar tuddai kuwa, su ne, Shamir, Yattir, Soko,
Munyika yamakomo maiva ne: Shamiri, Jatiri, Soko,
49 Danna, Kiriyat Sanna (wato, Debir),
Dhana, Kiriati Sana (iro Dhebhiri),
50 Anab, Eshtemo, Anim,
Anabhi, Ashitemo, Animi,
51 Goshen, Holon, Gilo, garuruwa goma sha ɗaya ke nan da ƙauyukansu.
Gosheni, Horoni, neGiro anova maguta gumi nerimwe pamwe chete nemisha yawo.
52 Arab, Duma, Eshan,
Arabha, Dhuma, Eshani,
53 Yanum, Bet-Taffuwa, Afeka,
Janimi, Bheti Tapua, Afeka.
54 Humta, Kiriyat Arba (wato, Hebron) da Ziyor, garuruwa tara ke nan da ƙauyukansu.
Humuta, Kiriati Abha, (iro Hebhuroni) neZiori ndiwo maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.
55 Mawon, Karmel, Zif, Yutta
Maoni, Kameri, Zifi, Juta,
56 Yezireyel, Yokdeyam, Zanowa,
Jezirieri, Jokidheami, Zanoa,
57 Kayin, Gibeya, Timna, garuruwa goma ke nan da ƙauyukansu.
Kaini, Gibhea, neTimuna, ndiwo maguta gumi nemisha yawo.
58 Halhul, Bet-Zur, Gedor,
Hariuri, Bheti Zuri, Gedhori,
59 Ma’arat, Bet-Anot, Eltekon, garuruwa shida ke nan da ƙauyukansu.
Maarati, Bheti Anoti, neEritekoni ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo.
60 Kiriyat Ba’al (wato, Kiriyat Yeyarim) da Rabba, garuruwa biyu ke nan da ƙauyukansu.
Kiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi) neRabha ndiwo maguta maviri nemisha yawo.
61 Biranen da suke a jeji kuwa su ne, Bet-Araba, Middin, Sekaka,
Murenje maiva ne: Bheti Arabha, Midhini, Sekaka,
62 Nibshan, Birnin gishiri da En Gedi, garuruwa shida ke nan da ƙauyukansu.
Nibhishani, Guta roMunyu, neEni Gedhi ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo.
63 Kabilar Yahuda kuwa ba su iya korar Yebusiyawa waɗanda suke zama cikin Urushalima ba; har wa yau Yebusiyawa suna nan zaune tare da mutanen Yahuda.
Judha haana kukwanisa kudzinga vaJebhusi vakanga vachigara muJerusarema; nanhasi vaJebhusi vageremo navanhu veJudha.

< Yoshuwa 15 >