< Ayuba 34 >

1 Sa’an nan Elihu ya ce,
Ipapo Erihu akati:
2 “Ku ji maganata, ku masu hikima; ku saurare ni, ku masu ilimi.
“Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo.
3 Gama kunne yana rarrabe magana kamar yadda harshe yake ɗanɗana abinci.
Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya.
4 Bari mu zaɓi abin da yake daidai, bari mu koyi abin da yake mai kyau tare.
Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.
5 “Ayuba ya ce, ‘Ba ni da laifi, amma Allah ya hana mini hakkina.
“Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira.
6 Ko da yake ina da gaskiya, an ɗauke ni maƙaryaci; ko da yake ba ni da laifi, kibiyoyinsa sun ji mini ciwo wanda ba ya warkewa.’
Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, museve wake unobaya ronda risingarapiki.’
7 Wane mutum ne kamar Ayuba, wanda yake shan ba’a kamar ruwa?
Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura?
8 Yana abokantaka da masu aikata mugunta; yana cuɗanya da mugaye.
Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa.
9 Gama ya ce, ‘Ba ribar da mutum zai samu lokacin da yake ƙoƙari yă faranta wa Allah zuciya.’
Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’
10 “Saboda haka ku saurare ni, ku masu ganewa. Ko kaɗan Allah ba ya mugunta, Maɗaukaki ba ya kuskure.
“Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.
11 Yana biyan mutum bisa ga abin da ya yi; yana kawo masa abin da ayyukansa suka jawo.
Anoripira munhu pane zvaanenge aita; anoisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.
12 Ba zai yiwu Allah yă yi ba daidai ba, Maɗaukaki ba zai yi shari’a marar gaskiya ba.
Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.
13 Wane ne ya ba shi iko yă lura da duniya? Wane ne ya ba shi iko kan dukan duniya?
Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?
14 In nufinsa ne ya kuma janye ruhunsa da numfashinsa,
Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake,
15 ’yan adam duka za su hallaka tare, mutum kuma zai koma ƙasa.
marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva.
16 “In kana da ganewa sai ka saurari wannan; ka saurari abin da zan ce.
“Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva.
17 Maƙiyin gaskiya zai iya yin mulki? Za ka iya ba mai gaskiya, Maɗaukaki laifi?
Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?
18 Ba shi ne ya ce wa sarakuna, ‘Ba ku da amfani ba,’ ya ce wa manya ‘Ku mugaye ne,’
Ko, haazi iye anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’
19 wanda ba ya nuna sonkai ga’ya’yan sarki kuma ba ya goyon bayan masu arziki a kan matalauta, gama dukansu shi ya yi su da hannuwansa.
asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake?
20 Suna mutuwa nan take, a cikin tsakiyar dare; an girgiza mutanen amma sun wuce; an taɓa manya amma ba da hannun mutum ba.
Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
21 “Idanunsa suna kan al’amuran mutane; yana ganin tafiyarsu duka.
“Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.
22 Babu wuri mai duhu, babu inuwa mai duhu, inda masu aikata mugunta za su ɓoye.
Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri wakadzama, pangavanda vaiti vezvakaipa.
23 Allah ba ya bukata yă ci gaba da bincike mutane, har da za su zo gabansa don yă shari’anta su.
Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.
24 Ba tare da tambaya ba yana ragargaza masu iko, yă kuma sa waɗansu a wurinsu.
Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.
25 Gama yana sane da abubuwan da suke yi, yana hamɓarar da su da dare a kuma ragargaza su.
Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku uye vanopwanyiwa.
26 Yana ba su horo, don muguntarsu, inda kowa zai gan su,
Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,
27 domin sun juya daga binsa, kuma ba su kula da hanyoyinsa ba.
nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.
28 Sun sa kukan matalauta ya kai wurinsa yadda ya kai ga jin kukan masu bukata.
Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, zvokuti akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.
29 Amma in ya yi shiru, wa zai ba shi laifi? In ya ɓoye fuskarsa, wa zai gan shi? Duk da haka shi yake da iko kan mutum da al’umma duka,
Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,
30 yana hana wanda bai san Allah ba yă yi mulki, ya hana shi sa wa mutane tarko.
kuti abvise munhu asina umwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo.
31 “A ce mutum ya ce wa Allah, ‘Na yi laifi, amma ba zan sāke saɓa wa wani ba.
“Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzazve.
32 Ka koya mini abin da ba zan iya gani ba; in na yi ba daidai ba, ba zan sāke yi ba.’
Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’
33 Ya kamata Allah yă yi maka bisa ga abin da ka ce ne, sa’ad da ka ƙi ka tuba? Dole kai ka zaɓa, ba ni ba; yanzu ka gaya mini abin da ka sani.
Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva.
34 “Mutane masu ganewa za su ce, masu hikima waɗanda suka ji ni za su ce mini,
“Imi vanhu vokunzwisisa taurai, vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri,
35 ‘Ayuba ya yi magana cikin rashin sani; maganganunsa na marar hikima ne.’
‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’
36 Kash, da za a gwada Ayuba har ƙarshe, domin yana ba da amsa kamar mugun mutum.
Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira, nokuti anopindura somunhu akaipa!
37 Ya ƙara tawaye a kan zunubansa; ya tafa hannuwansa na reni a cikinmu ya kuma ƙara yawan maganganunsa ga Allah.”
Pachivi chake anowedzera kumukira; anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa, uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.”

< Ayuba 34 >