< Ayuba 19 >

1 Sai Ayuba ya amsa,
Ipapo Jobho akapindura akati:
2 “Har yaushe za ku yi ta ba ni azaba ku kuma murƙushe ni da maganganunku?
“Mucharamba muchinditambudza uye muchindipwanya namashoko kusvikira riniko?
3 Yanzu sau goma ke nan kuna wulaƙanta ni, kuna kai mini hari na rashin kunya.
Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose.
4 In gaskiya ne na yi laifi, kuskurena ya rage nawa.
Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchava dambudziko rangu ndoga.
5 In kuwa za ku ɗaukaka kanku a kaina kuna ɗauka wahalar da nake sha domin na yi laifi ne,
Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuderedzwa kwangu pakundirwisa,
6 sai ku san cewa Allah ya yi mini ba daidai ba ya kewaye ni da ragarsa.
zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akandikomberedza nomumbure wake.
7 “Ko da yake na yi kuka cewa, ‘An yi mini ba daidai ba!’ Ba a amsa mini ba; ko da yake na nemi taimako, ba a yi adalci ba.
“Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.
8 Ya tare mini hanya yadda ba zan iya wucewa ba; ya rufe hanyata da duhu.
Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.
9 Ya cire darajar da nake da ita, ya kuma cire rawani daga kaina.
Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.
10 Ya yi kaca-kaca da ni har sai da na ƙare; ya tuge begen da nake da shi kamar itace.
Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,
11 Yana jin haushina ya lissafta ni cikin maƙiyansa.
Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.
12 Rundunarsa ta zo da ƙarfi; suka kafa sansani kewaye da ni, suka zagaye tentina.
Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.
13 “Ya raba ni da’yan’uwana maza; abokaina sun zama baƙi gare ni.
“Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.
14 Dangina sun tafi; abokaina na kurkusa sun manta da ni.
Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.
15 Waɗanda sukan ziyarce ni, da masu yi mini aiki mata sun ɗauke ni baƙo.
Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.
16 Na kira bawana, amma bai amsa ba, ko da yake na roƙe shi da bakina.
Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamukumbirisa nomuromo wangu chaiwo.
17 Numfashina yana ɓata wa matata rai;’yan’uwana sun ƙi ni.
Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.
18 Har’yan yara suna rena ni; in sun gan ni sai su fara yi mini riyar reni.
Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.
19 Duk abokaina sun yashe ni; waɗanda nake ƙauna sun zama ba sa ƙaunata.
Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.
20 Ni ba kome ba ne sai dai fata da ƙashi, da ƙyar na tsira.
Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda namapfupa; ndangopunyuka napaburi retsono.
21 “Ku tausaya mini, abokaina, ku ji tausayina, gama hannun Allah ya sauko a kaina.
“Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.
22 Don me kuke fafarata kamar yadda Allah yake yi? Ba ku gaji da yagar fatata ba?
Seiko muchindidzingirira sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?
23 “Kash, da ma a ce ana rubuta maganganuna, da an rubuta su a littafi,
“Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo mubhuku,
24 a rubuta su da ƙarfe a kan dutse don su dawwama har abada!
dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana kuti ainyorwa padombo nokusingaperi!
25 Na san wanda zai fanshe ni yana nan da rai, kuma a ƙarshe zai tsaya a kan duniya.
Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.
26 Kuma bayan an hallaka fatata, duk da haka a cikin jiki zan ga Allah.
Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;
27 Zan gan shi da kaina da idanuna, Ni, ba wani ba ne. Zuciyata ta cika da wannan tunani!
ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa, mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!
28 “In kuka ce, ‘Za ku ci gaba da matsa mini, tun da shi ne tushen damuwa,’
“Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’
29 sai ku ma ku ji tsoron takobin; gama fushi yakan kawo hukunci ta wurin takobi, sa’an nan za ku san cewa akwai shari’a.”
munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”

< Ayuba 19 >