< Ishaya 51 >

1 “Ku kasa kunne gare ni, ku da kuna neman adalci kuke kuma neman Ubangiji. Dubi dutse daga inda aka yanke ku da kuma mahaƙar duwatsu inda aka fafe ku;
Nditeererei, imi munotevera kururama uye munotsvaka Jehovha: Tarirai kudombo ramakabviswa pariri naparuware pamakacherwa;
2 dubi Ibrahim, mahaifinku, da Saratu, wadda ta haife ku. Sa’ad da na kira shi kaɗai ne, na kuma albarkace shi na kuma mai da shi da yawa.
tarirai kuna Abhurahama, baba venyu, nokuna Sara, akakuberekai. Pandakamudana akanga achingova mumwe chete, ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji.
3 Tabbatacce Ubangiji zai ta’azantar da Sihiyona zai kuma duba da tausayi a kan dukan kufanta; zai sa hamadanta ta zama kamar Eden, ƙeƙasasshiyar ƙasarta kamar lambun Ubangiji. Za a sami farin ciki da murna a cikinta, godiya da ƙarar rerawa.
Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba.
4 “Ku kasa kunne gare ni, mutanena; ku ji ni, al’ummata. Doka za tă fito daga gare ni; shari’ata za tă zama haske ga al’ummai.
“Nditeererei, imi vanhu vangu; ndinzwei imi rudzi rwangu: Ndichakupai murayiro; kururamisira kwangu kuchava chiedza kundudzi.
5 Adalcina na zuwa da sauri, cetona yana a kan hanya, hannuna kuma zai kawo adalci ga al’ummai. Tsibirai za su dube ni su kuma jira da sa zuciya don hannuna.
Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza, ruponeso rwangu rwuri munzira, uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kundudzi. Zviwi zvichatarira kwandiri uye zvichamirira ruoko rwangu netariro.
6 Ku daga idanunku zuwa sammai ku dubi duniya a ƙasa; sammai za su ɓace kamar hayaƙi, duniya za tă shuɗe kamar riga mazaunanta kuma su mutu kamar ƙudaje. Amma cetona zai dawwama har abada, adalcina ba zai taɓa kāsa ba.
Simudzirai meso enyu kumatenga, tarirai pasi panyika; matenga achanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo, uye vanogaramo vachafa senhunzi. Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi, kururama kwangu hakuzombogumi.
7 “Ku ji ni, ku da kuka san abin da yake daidai, ku mutanen da kuke da dokata a zukatanku. Kada ku ji tsoron ba’ar da mutane suke yi ko ku firgita saboda zargin da suke yi.
“Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama, imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu: Musatya kuzvidza kwavanhu, uye musavhundutswa nokutuka kwavo.
8 Gama asu za su cinye su kamar riga; tsutsotsi za su cinye su kamar ulu. Amma adalcina zai dawwama har abada, cetona har dukan zamanai.”
Nokuti chipfuno chichavadya senguo; honye ichavadya sewuru. Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi, ruponeso rwangu kuzvizvarwa zvose.”
9 Ka tashi, ka tashi! Ka yafa wa kanka ƙarfi, Ya hannun Ubangiji; ka farka, kamar a kwanakin da suka wuce, kamar a zamanai na dā. Ba kai ba ne wanda ya yayyanka Rahab gunduwa-gunduwa, wanda ya soki dodon ruwan nan?
Muka, muka! Zvishongedze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka, sepamazuva akare, sepazvizvarwa zvakare. Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi, ukabaya chikara chiya here?
10 Ba kai ba ne ka busar da teku, ka busar da ruwan zurfafa masu girma, wanda ya yi hanya a cikin zurfafan teku saboda fansassu su ƙetare?
Hausiwe wakaomesa gungwa here, iyo mvura yokwakadzika zvikuru, ukaita mugwagwa makadzika megungwa kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke?
11 Waɗanda Ubangiji ya fansar za su dawo. Za su shiga Sihiyona da waƙoƙi; madawwamin farin ciki zai rufe kansu da rawani. Murna da farin ciki zai cika su, baƙin ciki da nishi zai ɓace.
Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo. Mufaro nokupembera zvichafashukira, uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza.
12 “Ni kaɗai ne na ta’azantar da ku. Wane ne ku da kuke tsoron mutane masu mutuwa,’ya’yan mutane waɗanda suke ciyawa ne kawai,
“Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai. Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa, vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo,
13 har da kuka manta da Ubangiji Mahaliccinku, wanda ya shimfiɗa sammai ya kuma kafa harsashen duniya, har kuna zama da tsoro kowace rana saboda fushin masu zalunci, waɗanda sun ƙudura sai sun hallaka? Gama ina fushin mai zalunci?
kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako, akatatamura matenga, akateya nheyo dzenyika, kuti ugare uchitya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, uyo akarerekera kukuparadza? Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi?
14 Ba da daɗewa za a’yantar da’yan kurkuku; ba za su mutu a kurkuku ba, ba kuwa za su rasa abinci ba.
Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa; havazofiri mumakomba avo, kana kuzoshayiwa chingwa.
15 Gama ni ne Ubangiji Allahnku, wanda ya dama teku domin raƙumansa su yi ruri, Ubangiji Maɗaukaki ne sunansa.
Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.
16 Na sa maganata a bakinka na kuma rufe ka da inuwar hannuna, Na shimfiɗa sammai, na kafa harsashen duniya, na kuma ce wa Sihiyona, ‘Ku mutanena ne.’”
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu, iyeni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo, iyeni ndakateya nheyo dzenyika, uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’”
17 Ki farka, ki farka! Ki tashi, ya Urushalima, ke da kika sha daga hannun Ubangiji kwaf na fushinsa, ke da kika shanye har ƙasar kwaf kwaf da ya sa mutane suna tangaɗi.
Muka, muka! Simuka, iwe Jerusarema, iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha, mukombe wehasha dzake, iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai, iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke.
18 Cikin dukan’ya’yan da ta haifa; cikin dukan’ya’yan da ta yi reno babu wani da zai kama hannunta.
Pavanakomana vose vaakabereka pakanga pasina anomutungamirira; pavanakomana vose vaakarera pakanga pasina aimusesedza noruoko rwake.
19 Waɗannan masifu riɓi biyu sun auko miki, wa zai ta’azantar da ke? Lalaci da hallaka, yunwa da takobi, wa zai ƙarfafa ki?
Njodzi mbiri idzi dzauya pamusoro pako, ndianiko angakunyaradza? Dzinoti: kuva dongo nokuparadzwa, nzara nomunondo; ndianiko anogona kukunyaradza?
20 ’Ya’yanki sun sume; sun kwanta kusurwar kowane titi, kamar barewar da aka kama da tarko. Sun cika da fushin Ubangiji da kuma tsawatawar Allahnki.
Vanakomana vako vaziya; vanovata panotangira migwagwa, kufanana nemhara yabatwa mumumbure. Vakazadzwa nehasha dzaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
21 Saboda haka ki ji wannan, ke mai wahala, wadda ta bugu, amma ba da ruwan inabi.
Naizvozvo inzwa izvi, iwe munhu wokutambudzika, wakadhakiswa asi kwete newaini.
22 Ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka yana cewa, Allahnki, wanda ya kāre mutanensa, “Duba, na ƙwace daga hannunki kwaf da ya sa ki tangaɗi; daga wannan kwaf, kwaf na fushina, ba za ki ƙara sha ba.
Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako, anodzivirira vanhu vake, “Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke; kubva pamukombe uyo, iwo mukombe wehasha dzangu, hauchazounwizve.
23 Zan sa shi a hannuwan masu gwada miki azaba, waɗanda suke ce miki, ‘Fāɗi rubda ciki don mu iya taka a kanki.’ Kika kuma mai da bayanki kamar ƙasa, kamar titin da ake takawa a kai.”
Ndichauisa mumaoko avatambudzi vako, ivo vanoti kwauri, ‘Zvambarara pasi kuti tifambe napamusoro pako.’ Iwe wakaita kuti musana wako uve sapasi, kufanana nomugwagwa unofambwa nawo.”

< Ishaya 51 >