< Hosiya 1 >

1 Maganar Ubangiji da ta zo wa Hosiya ɗan Beyeri a zamanin mulkin Uzziya, Yotam, Ahaz da Hezekiya, sarakunan Yahuda, da zamanin mulkin Yerobowam ɗan Yowash sarkin Isra’ila.
Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakomana waBheeri panguva yokutonga kwaUzia, Jotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo eJudha, napanguva yokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri:
2 Sa’ad da Ubangiji ya fara magana ta wurin Hosiya, Ubangiji ya ce masa, “Ka tafi, ka auro wa kanka mazinaciya da’ya’yan da aka haifa ta hanyar rashin aminci, domin ƙasar tana da laifin mummunan zina ta wurin rabuwa da Ubangiji.”
Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, akati kwaari, “Enda, unozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.”
3 Saboda haka sai ya auri Gomer’yar Dibilayim, ta kuwa yi ciki ta haifi ɗa namiji.
Naizvozvo akawana Gomeri mwanasikana waDibhiraimu, uye akabata pamuviri akamuberekera mwanakomana.
4 Sai Ubangiji ya ce wa Hosiya, “Ka ba shi suna Yezireyel, domin ba da daɗewa ba zan hukunta gidan Yehu saboda kisan da aka yi a Yezireyel, zan kuma kawo ƙarshen mulkin Isra’ila.
Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Jezireeri, nokuti ndava kuda kuranga imba yaJehu zvino nokuda kwavanhu vakaurayiwa paJezireeri, uye ndichagumisa umambo hwaIsraeri.
5 A wannan rana zan karye ƙarfin Isra’ila a Kwarin Yezireyel.”
Pazuva iro ndichavhuna uta hwaIsraeri mumupata weJezireeri.”
6 Gomer ta sāke ɗauki ciki ta kuma haifi’ya mace. Sai Ubangiji ya ce wa Hosiya, “Ka ba ta suna, Lo-Ruhama, gama ba zan ƙara nuna wa gidan Isra’ila ƙauna ba, har da zan gafarta musu.
Gomeri akabatazve pamuviri ndokubereka mwanasikana. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ruhama, nokuti handichazoratidzizve rudo kuimba yaIsraeri, kuti nditombovaregerera.
7 Duk da haka zan nuna ƙauna ga gidan Yahuda; zan kuma cece su, ba da baka, takobi ko yaƙi ba, ko ta wurin dawakai, ko masu hawan dawakai ba, sai ko ta wurin Ubangiji Allahnsu.”
Asi ndicharatidza rudo kuimba yaJudha; uye ndichavaponesa, kwete nouta, munondo kana kurwa, kana namabhiza kana navatasvi vamabhiza, asi naJehovha Mwari wavo.”
8 Bayan ta yaye Lo-Ruhama, sai Gomer ta sāke haifi wani ɗa namiji.
Mushure mokurumura Ro-Ruhama, Gomeri akaberekazve mumwe mwanakomana.
9 Sai Ubangiji ya ce, “Ka ba shi suna Lo-Ammi, gama ku ba mutanena ba ne, ni kuma ba Allahnku ba ne.
Ipapo Jehovha akati, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ami, nokuti imi hamusi vanhu vangu, uye ini handisi Mwari wenyu.
10 “Duk da haka Isra’ilawa za su zama kamar yashi a bakin teku, da ba za a iya aunawa ko a ƙirga ba. A inda aka ce musu, ‘Ku ba mutanena ba ne,’ za a kira su ‘’ya’yan Allah mai rai.’
“Kunyange zvakadaro vaIsraeri vachava sejecha riri pamahombekombe egungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa. Paya pakanga panzi kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’
11 Mutanen Yahuda da mutanen Isra’ila za su sāke haɗu su zama ɗaya, za su kuma naɗa shugaba guda su kuma fita daga ƙasar, gama ranar za tă zama mai girma wa Yezireyel.
Vanhu veJudha navanhu veIsraeri vachabatanazve, uye vachasarudza mutungamiri mumwe chete uye vachasimukira panyika, nokuti zuva raJezireeri richava zuva guru.

< Hosiya 1 >