< Ezekiyel 3 >

1 Ya kuma ce mini, “Ɗan mutum, ka ci abin da yake a gabanka, ka ci wannan littafi; sa’an nan ka tafi ka yi magana wa gidan Isra’ila.”
Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu, zvino ugoenda undotaura neimba yaIsraeri.”
2 Saboda haka na buɗe bakina, ya kuma ba ni littafin in ci.
Saka ndakashama muromo wangu, iye akandipa rugwaro kuti ndidye.
3 Sai ya ce mini, “Ɗan mutum, ka ci wannan littafin da nake ba ka, ka kuma cika cikinka da shi.” Sai na ci shi, ya kuma yi zaki kamar zuma a bakina.
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu rwandinokupa uzadze dumbu rako narwo.” Saka ndakarudya, uye rwaitapira souchi mumukanwa mangu.
4 Sa’an nan ya ce mini, “Ɗan mutum, yanzu ka tafi gidan Isra’ila ka faɗa kalmomina gare su.
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, chienda zvino kuimba yaIsraeri undotaura mashoko angu kwavari.
5 Ba ina aikan ka wurin mutanen da suke da baƙon harshe da kuma yare mai wuya ba ne, amma zuwa ga gidan Isra’ila ne,
Hausi kutumwa kuvanhu vane mutauro usinganzwisisiki uye norurimi runogozha, asi kuimba yaIsraeri,
6 ba ga mutane da yawa na baƙon harshe da yare mai wuya, waɗanda ba ka san kalmominsu ba. Tabbatacce da na aike ka wurin irinsu, da sun saurare ka.
kwete kumarudzi mazhinji vane mitauro isinganzwisisiki norurimi rwakagozha, vana mashoko ausingagoni kunzwisisa. Zvirokwazvo dai ndakanga ndakutuma kwavari, vangadai vakakunzwa.
7 Amma gidan Isra’ila ba sa niyya su saurare ka domin ba sa niyya su saurare ni, gama dukan gidan Isra’ila sun taurare suna kuma kin ji.
Asi imba yaIsraeri haidi kukuteerera nokuti haidi kunditeerera, nokuti imba yose yaIsraeri yakaomeswa mwoyo uye yakavangarara.
8 Amma zan sa ka zama mai taurinkai da taurin zuciya kamar su.
Tarira ndichaomesa chiso chako sezvakaita zviso zvavo.
9 Zan sa goshinka ya zama da tauri kamar dutse, da tauri fiye da dutsen ƙanƙara ƙarfi. Kada ka ji tsoronsu ko ka firgita ta wurinsu, ko da yake su gidan’yan tawaye ne.”
Ndichaomesa huma yako sebwe rakaomesesa, rakaoma kupfuura romusarasara. Usavatya kana kuvhunduswa navo, kunyange vari imba inomukira.”
10 Ya kuma ce mini, “Ɗan mutum, ka ji da kyau ka kuma lura da dukan kalmomin da nake maka magana.
Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nditeererese uye uise mashoko ose andinotaura mumwoyo mako.
11 Ka tafi yanzu zuwa ga’yan’uwanka waɗanda suke zaman bauta ka yi musu magana. Ka ce musu, ‘Ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka yana cewa,’ ko ku ji, ko kada ku ji.”
Chienda zvino kuvanhu venyika yako vari muutapwa undotaura kwavari. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha,’ kunyange vakateerera kana vakaramba kuteerera.”
12 Sa’an nan Ruhu ya ɗaga ni sama, a bayana na ji wata karar babban motsi na cewa, Bari a yabi ɗaukakar Ubangiji a wurin zamansa!
Ipapo mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu inzwi rokuunga kukuru richiti, “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe munzvimbo yaanogara!”
13 Karar fikafikan rayayyun halittun nan ne suke goge junansu da kuma karar da’irorin nan da suke kusa da su, ƙarar babban motsi.
Uye ndakanzwa mubvumo wamapapiro ezvisikwa zvipenyu aigunzvana uye nomubvumo wamavhiri parutivi rwazvo, achirira zvikuru.
14 Sa’an nan Ruhu ya ɗaga ni sama ya kuma tafi da ni, na kuwa tafi da ɓacin rai da kuma fushin ruhuna, tare da hannu mai ƙarfi na Ubangiji a bisa na.
Ipapo Mweya wakandisimudza ukandiendesa kure uye ndakaenda ndine shungu ndakatsamwa pamweya wangu, uye ruoko rune simba rwaJehovha rwuri pamusoro pangu.
15 Na zo wurin masu zaman bautan da suke zama a Tel Abib kusa da Kogin Kebar, A can kuwa, inda suke zama, na zauna a cikinsu kwana bakwai, ina mamaki.
Ndakasvika kuna vakatapwa vaigara kuTera Abhibhi pedyo noRwizi rweKebhari. Zvino ipapo pavaigara, ndakagara pakati pavo kwamazuva manomwe, ndichishayiwa mashoko.
16 A ƙarshen kwana bakwai ɗin maganar Ubangiji ta zo mini cewa,
Shure kwokupera kwamazuva manomwe, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
17 “Ɗan mutum, na mai da kai mai tsaro don gidan Isra’ila; saboda haka ka ji maganar da zan yi ka kuma yi musu kashedin nan da ya fito daga gare ni.
“Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka chinzwa shoko randinotaura uye uvayambire neyambiro inobva kwandiri.
18 In na ce wa mugu, ‘Lalle za ka mutu,’ ba ka kuwa yi masa kashedi ko ka tsawata masa a kan mugayen hanyoyinsa don yă ceci ransa ba, wannan mugun zai mutu saboda zunubinsa, zan kuwa nemi hakkin jininsa a hannunka.
Kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Uchafa zvirokwazvo,’ iwe ukasamuyambira kana kutaura uchimunyevera panzira dzake dzakaipa kuti uponese mweya wake, munhu uye akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza pamusoro pako.
19 Amma in ka yi wa mugun kashedi bai kuwa juya daga mugayen hanyoyinsa ba, zai mutu saboda zunubinsa; amma kai kam za ka kuɓuta.
Asi kana iwe ukamuyambira asi iye akaramba kutendeuka pazvakaipa zvake kana panzira dzake dzakaipa, iye achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe uchange wazviponesa.
20 “Har yanzu, in mai adalci ya juya daga adalcinsa ya aikata mugunta, na kuma sa abin tuntuɓe a gabansa, zai mutu. Da yake ba ka yi masa kashedi ba, zai mutu saboda zunubinsa. Ba za a tuna da abin adalcin da ya yi ba, zan kuwa nemi hakkin jininsa a hannunka.
“Zvakare, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake uye akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa. Sezvo usina kumuyambira, iye achafa nokuda kwechivi chake. Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi, uye iwe uchava nemhosva yeropa rake.
21 Amma in ka yi wa mai adalcin kashedi kada yă yi zunubi bai kuwa yi zunubi ba, tabbatacce zai rayu saboda ya ji kashedin, kuma kai kam za ka kuɓuta.”
Asi kana ukanyevera munhu akarurama uyu kuti arege kutadza uye akarega kutadza zvirokwazvo achararama nokuti akanzwa kunyeverwa, iwe uchange wazviponesa.”
22 Hannun Ubangiji ya kasance a kaina a can, ya kuma ce mini, “Tashi ka fita zuwa fili, a can kuwa zan yi maka magana.”
Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu ipapo, uye akati kwandiri, “Simuka uende kubani uye ndichataura newe ikoko.”
23 Saboda haka na tashi da tafi fili. Ɗaukakar Ubangiji kuwa ta tsaya a can, kamar ɗaukakar da na gani kusa da Kogin Kebar, sai na fāɗi rubda ciki.
Saka ndakasimuka ndikaenda kubani. Uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kumire ipapo, kwakaita sokubwinya kwandakamboona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu.
24 Sai Ruhu ya sauko a kaina ya kuma ɗaga ni na tsaya a ƙafafuna. Ya yi mini magana ya ce, “Ka fita, ka rufe kanka a cikin gida.
Ipapo Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu. Akataura kwandiri akati, “Enda undozvipfigira mumba mako.
25 Kuma kai, ɗan mutum, za su ɗaura ka da igiyoyi; za a daure ka yadda ba za ka iya fita a cikin mutane ba.
Zvino iwe, mwanakomana womunhu, vachakusunga netambo; uchasungwa zvokuti haungabudi uchienda kuvanhu.
26 Zan sa harshenka ya manne wa dasashinka don ka yi shiru ka kuma kāsa tsawata musu, ko da yake su gidan’yan tawaye ne.
Ndichaita kuti rurimi rwako runamire kumusoro kwomuromo wako kuitira kuti unyarare ukonewe kuvatsiura, kunyange vari imba yokumukira.
27 Amma sa’ad da na yi maka magana, zan buɗe bakinka za ka kuwa faɗa musu cewa, ‘Ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka ya faɗa.’ Duk mai ji ya ji, kuma duk wanda ya ƙi ji, ya ƙi ji; gama su gida ne na’yan tawaye.
Asi pandinotaura newe, ndichazarura muromo wako uye uchati kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’ Ani naani anonzwa ngaanzwe, uye ani naani anoramba ngaarambe hake; nokuti ivo imba yokumukira.

< Ezekiyel 3 >