< Fitowa 33 >

1 Sa’an nan Ubangiji ya ce wa Musa, “Ka bar wannan wuri, kai da mutanen da ka fito da su daga Masar, ka haura zuwa ƙasar da na alkawarta da rantsuwa wa Ibrahim, Ishaku da Yaƙub cewa, ‘Zan ba zuriyarka.’
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ibva panzvimbo ino, iwe navanhu vawakabudisa kubva muIjipiti uye ukwidze kunyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho ndichiti, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’
2 Zan aika da mala’ika a gabanka in kuma kori Kan’aniyawa, Amoriyawa, Hittiyawa, Ferizziyawa, Hiwiyawa da Yebusiyawa.
Ndichatuma mutumwa pamberi pako agodzinga vaKenani, vaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi.
3 Ka haura zuwa ƙasar da take zub da madara da zuma. Amma ba zan tafi tare da ku ba, saboda ku mutane ne masu taurinkai domin mai yiwuwa in hallaka ku a hanya.”
Kwidzai kunyika inoyerera mukaka nouchi. Asi ini handiendi nemi, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu uye ndingazokuparadzai munzira.”
4 Da mutane suka ji wannan mugun magana, sai suka fara makoki. Ba kuma wanda ya sa kayan ado.
Vanhu vakati vachinzwa mashoko anotambudza aya, vakatanga kuchema uye hapana munhu akashonga zvinoyevedza.
5 Gama Ubangiji ya riga ya ce wa Musa, “Ka faɗa wa Isra’ilawa, ‘Ku mutane ne masu taurinkai. In na yi tafiya da ku ko na ɗan lokaci, mai yiwuwa in hallaka ku. Yanzu sai ku tuɓe kayan adonku, zan kuwa yanke shawara a kan abin da zan yi da ku.’”
Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri uti, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu. Kana dai ndingaende nemi kunyange kwenguva duku, ndingakuparadzai. Zvino bvisai zvishongo zvenyu uye ini ndichafunga zvokuita nemi.’”
6 Saboda haka Isra’ilawa suka tuttuɓe kayan adonsu a Dutsen Horeb.
Saka vaIsraeri vakabvisa zvishongo zvavo pagomo reHorebhi.
7 Musa fa ya saba ɗaukan tenti yă kafa shi a bayan sansani da ɗan nisa, yana kiransa “Tentin Sujada.” Duk wanda yake neman wani abu daga wurin Ubangiji sai yă tafi Tentin Sujada a bayan sansani.
Zvino Mozisi aisitora tende achiridzika kunze kwomusasa kachinhambwe, achiti ndiro “tende rokusangana.” Munhu upi zvake ainge ane chaanoda kubvunza kuna Jehovha aienda kuTende Rokusangana kunze kwomusasa.
8 A sa’ad da kuma Musa ya fita zuwa Tentin, dukan mutanen sukan tashi su tsaya a ƙofofin tentinsu, suna kallon Musa, sai ya shiga tentin.
Uye pose paibuda Mozisi achienda kutende, vanhu vose vaisimuka vachibva vamira pamikova yamatende avo, vakatarira Mozisi kusvikira apinda mutende.
9 Yayinda Musa ya shiga cikin tentin, sai al’amudin girgije yă sauko, yă tsaya a ƙofar yayinda Ubangiji yana magana da Musa.
Kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaiburuka yobva yamira pamukova, Jehovha achitaura naMozisi.
10 Lokacin da mutane suka ga al’amudin girgije a tsaye a ƙofar tentin, sai duk su miƙe tsaye su yi sujada, kowa a ƙofar tentinsa.
Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake.
11 Ubangiji yakan yi magana da Musa fuska da fuska, kamar yadda mutum yake magana da abokinsa. Sa’an nan Musa yă koma sansani, amma saurayin nan Yoshuwa ɗan Nun mai taimakonsa ba ya barin tentin.
Jehovha aizotaura naMozisi uso nouso, somunhu anotaura neshamwari yake. Ipapo Mozisi aizodzokera kumusasa, asi mubatsiri wake Joshua mwanakomana waNuni akanga asingabudi mutende.
12 Musa ya ce wa Ubangiji, “Kana ta faɗa mini cewa, ‘Ka jagoranci mutane nan,’ amma ba ka faɗa mini wanda zai tafi tare da ni ba. Ga shi ka ƙara ce mini, ‘Na san ka, na san sunanka, ka kuma sami tagomashi a wurina.’
Mozisi akati kuna Jehovha, “Imi manga muchiti kwandiri, ‘Tungamirira vanhu ava,’ asi hamusati mandizivisa wamuchandituma naye. Manga muchingoti, ‘Ndinokuziva nezita rako uye wawana nyasha kwandiri.’
13 In ka ji daɗina, ka koya mini hanyarka don in san ka, in kuma ci gaba da samun tagomashi daga gare ka. Ka tuna cewa wannan al’umma mutanenka ne.”
Kana muchifadzwa neni, ndidzidzisei nzira dzenyu kuitira kuti ndigokuzivai uye ndirambe ndichiwana nyasha kwamuri. Rangarirai kuti rudzi urwu vanhu venyu.”
14 Ubangiji ya amsa ya ce, “Zan tafi tare da kai, zan kuma rage maka nauyin kaya.”
Jehovha akapindura akati, “Kuvapo kwangu kuchaenda newe, uye ndichakupa zororo.”
15 Musa kuwa ya ce masa, “In ba za tă tafi tare da mu ba, to, kada ka ɗaga mu daga nan.
Ipapo Mozisi akati kwaari, “Kana Kuvapo kwenyu kusingaendi nesu, musatibvisa pano.
16 Yaya wani zai sani ko ka ji daɗina da kuma mutanenka, in ba ka tafi tare da mu ba? Mene ne kuma zai bambanta ni da mutanenka daga sauran jama’ar da suke a duniya?”
Vanhu vachaziva sei kuti munofadzwa neni uye navanhu venyu kana musina kuenda nesu? Chiizve chicharatidza mutsauko pakati pangu navanhu venyu navamwe vanhu vose vari pamusoro penyika?”
17 Sai Ubangiji ya ce wa Musa, “Zan yi yadda ka faɗa, gama ka sami tagomashi a wurina, na san ka, na kuma san sunanka.”
Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichaita chinhu ichocho chawakumbira, nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”
18 Musa kuwa ya ce, “To, ka nuna mini ɗaukakarka.”
Ipapo Mozisi akati, “Zvino ndiratidzei kubwinya kwenyu.”
19 Sai Ubangiji ya ce, “Zan wuce a gabanka, Ni Ubangiji zan yi shelar sunana a gabanka. Zan yi alheri ga duk wanda na so in yi masa alheri, zan nuna jinƙai ga duk wanda na so in yi masa jinƙai.
Uye Jehovha akati, “Ndichaita kuti kunaka kwangu kupfuure napamberi pako, uye ndichaparidza zita rangu, iro Jehovha, pamberi pako. Ndichanzwira nyasha iye wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi uyo wandichanzwira tsitsi.”
20 Amma ya ce, ba za ka ga fuskata ba, don ba mutumin da zai gan ni yă rayu.”
Akati, “Asi haugoni kuona chiso changu, nokuti hapana munhu angandiona uye akararama.”
21 Sa’an nan Ubangiji ya ce, “Ga wani wuri kusa da ni inda za ka tsaya bisa dutsen.
Ipapo Jehovha akati, “Pane nzvimbo iri pedyo neni paungamira padombo.
22 A sa’ad da ɗaukakata tana wucewa, zan sa ka a cikin tsaguwar dutsen, in rufe ka da hannuna har sai na wuce.
Panopfuura kubwinya kwangu, ndichakuisa mumukaha wedombo uye ndichakufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura.
23 Sa’an nan zan ɗauke hannuna, ka kuwa ga bayana; amma fuskata, ba za ka gani ba.”
Ipapo ndichabvisa ruoko rwangu uye uchaona shure kwangu; asi chiso changu hachifaniri kuonekwa.”

< Fitowa 33 >