< 2 Sama’ila 24 >
1 Fushin Ubangiji ya sāke ƙuna a kan Isra’ila, sai ya zuga Dawuda, yana cewa, “Je ka ƙidaya Isra’ila da Yahuda.”
Kutsamwa kwaMwari kwakava pamusoro pavaIsraeri zvakare, uye akakurudzira Dhavhidhi achiti, “Enda undoverenga vaIsraeri navaJudha.”
2 Saboda haka sarki ya ce wa Yowab da komandodin da suke tare da shi, “Tafi cikin dukan kabilan Isra’ila, daga Dan har zuwa Beyersheba, ku ƙidaya mayaƙa don in san yawansu.”
Saka mambo akati kuna Joabhu navakuru vehondo vaiva naye, “Endai pakati pamarudzi ose avaIsraeri kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha mundonyora varume vokurwa, kuti ndizive kuti vangani varipo.”
3 Amma Yowab ya ce wa sarki, “Ubangiji Allahnka ya sa mayaƙan su ƙaru sau ɗari fiye da yadda suke, har ranka yă daɗe, sarki yă gani da idonsa. Me ya sa ranka yă daɗe, sarki yake so yă yi abu haka?”
Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Jehovha Mwari wenyu ngaawanze varwi kakapetwa kupfuura rune zana, uye meso ashe wangu mambo azvione. Asi ishe wangu mambo anodireiko kuita chinhu chakadai?”
4 Duk da haka, maganar sarki ya rinjayi Yowab da komandodin soja, sai suka tashi daga gaban sarki, suka tafi su ƙirga mayaƙan Isra’ila.
Kunyange zvakadaro, shoko ramambo rakakunda raJoabhu navatungamiri vehondo; saka vakabva pamberi pamambo kuti vandonyora varume vokurwa muIsraeri.
5 Bayan suka ƙetare Urdun, sai suka yi sansani kusa da Arower, kudu da garin da yake cikin kwari, sa’an nan suka ratsa ta wajen Gad, suka ci gaba zuwa Yazer.
Shure kwokuyambuka Jorodhani, vakadzika matende avo pedyo neAroeri, zasi kweguta riri mumupata, uye ipapo vakaenda napakati peGadhi vakandosvika kuJazeri.
6 Suka tafi Gileyad ta yankin Tatim Hodshi, sa’an nan suka tafi Dan Ya’an, suka kuma yi wajen kewaye Sidon.
Vakaenda kuGireadhi nokudunhu reTahitimi Hodhishi, uye napaDhani Joani uye vakapoterera nokuSidhoni.
7 Sa’an nan suka yi ta wajen kagarar Taya da dukan garuruwan Hiwiyawa da Kan’aniyawa. A ƙarshe, suka ci gaba zuwa Beyersheba a Negeb na Yahuda.
Ipapo vakaenda vakananga kunhare yeTire nokumaguta ose avaHivhi navaKenani. Pakupedzisira, vakaenda kuBheerishebha zasi kweJudha.
8 Bayan suka ratsa dukan ƙasashen, a ƙarshe suka koma Urushalima, bayan wata tara da kwana ashirin.
Mushure mokuenda kwavo munyika yose, vakadzoka kuJerusarema papera mwedzi mipfumbamwe namazuva makumi maviri.
9 Yowab ya ba wa sarki jimillar yawan mayaƙan. A Isra’ila akwai mutum dubu ɗari takwas da za su iya riƙe takobi. A Yahuda kuwa mutum dubu ɗari biyar.
Joabhu akazivisa uwandu hwavanhu kuna mambo akati: MuIsraeri makanga mune mazana masere ezviuru zvavarume vakanga vakasimba, vaigona kubata munondo, uye muJudha maiva namazana mashanu ezviuru.
10 Bayan Dawuda ya ƙidaya mayaƙan, lamirinsa ya kāshe shi, sai ya ce wa Ubangiji, “Ya Ubangiji na yi laifi ƙwarai a kan abin da na yi. Ina roƙonka ka gafarta wa bawanka. Na yi wauta ƙwarai.”
Hana yaDhavhidhi yakarova shure kwokuverenga kwake varume vokurwa, akati kuna Jehovha, “Ndatadza zvikuru pane zvandaita. Haiwa Jehovha, zvino ndinokukumbirai, bvisa mhaka yomuranda wenyu. Ndaita chinhu choupenzi kwazvo.”
11 Kafin Dawuda yă tashi da safe kashegari, maganar Ubangiji ta riga ta zo wa annabin nan Gad, mai duban nan na Dawuda. Ubangiji ya ce,
Zvino Dhavhidhi akati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kuna Gadhi muprofita, muoni waDhavhidhi richiti,
12 “Je ka faɗa wa Dawuda, ‘Ga abin da Ubangiji ya ce, ina ba ka zaɓi uku. Ka zaɓi ɗaya daga cikinsu don in aikata maka shi.’”
“Enda undoudza Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chazvo kuti ndichiite pamusoro pako.’”
13 Sai Gad ya zo wurin Dawuda ya ce masa, “Kana so a yi yunwa shekara uku a ƙasarka? Ko kana so ka yi ta gudu a gaban abokan gābanka har wata uku? Ko kuwa ka fi so a yi annoba kwana uku a ƙasarka? Yanzu, sai ka yi tunani, ka yanke shawarar game da amsar da zan mayar wa wanda ya aiko ni.”
Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwamakore matatu here? Kana kuti mwedzi mitatu yokutiza kubva kuvavengi vako ivo vachikudzinganisa? Kana kuti mazuva matatu edenda munyika yako? Zvino funga pamusoro pazvo ugosarudza kuti ndingandopindura sei iye andituma.”
14 Dawuda ya ce wa Gad, “Na shiga uku. Gara mu fāɗa a hannuwan Ubangiji gama alherinsa da girma yake. Amma fa kada ka bar ni in fāɗa a hannun mutane.”
Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakutambudzika kukuru. Ngatiwirei hedu mumaoko aJehovha, nokuti ngoni dzake ihuru; asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”
15 Saboda haka Ubangiji ya aika da annoba a kan Isra’ila tun daga safe har zuwa lokacin da aka ƙayyade, mutum dubu saba’in kuwa daga Dan zuwa Beyersheba suka mutu.
Saka Jehovha akatuma denda pamusoro peIsraeri kubva mangwanani iwayo kusvikira panguva yakatarwa, uye vanhu zviuru makumi manomwe vakafa kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha.
16 Da mala’ikan Ubangiji ya miƙa hannunsa wajen Urushalima, don yă hallaka ta, sai Ubangiji ya tsai da masifar, ya ce wa mala’ikan da yake wahal da mutane, “Ya isa, ka janye hannunka.” A lokacin kuwa Mala’ikan Ubangiji yana tsaye a masussukar Arauna, mutumin Yebus.
Mutumwa akati atandavadza ruoko rwake kuti aparadze Jerusarema, Jehovha akazvidemba nokuda kwenjodzi iyi akati kumutumwa akanga achiparadza vanhu, “Zvaringana! Dzora ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga ava paburiro raArauna muJebhusi.
17 Da Dawuda ya ga mala’ikan da ya bubbugi mutane, sai ya ce wa Ubangiji, “Ni ne na yi zunubi, na kuma yi abin da ba daidai ba. Waɗannan tumaki ne kawai. Me suka yi? Bari hukuncinka yă sauko a kaina da iyalina.”
Dhavhidhi akati aona mutumwa akanga achiuraya vanhu, akati kuna Jehovha, “Ini ndini ndakatadza uye ndikaita zvakaipa. Ava vanongova havo makwai chete. Chiiko chavakaita? Ruoko rwenyu ngaruwire pamusoro pangu ini nemhuri yangu.”
18 A ranar, Gad ya koma wurin Dawuda ya ce, “Ka tashi, ka tafi ka gina wa Ubangiji bagade a masussukar Arauna, mutumin Yebus.”
Pazuva iro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Kwira undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.”
19 Saboda haka Dawuda ya haura, yadda Ubangiji ya umarta ta wurin Gad.
Saka Dhavhidhi akakwira sezvaakanga arayirwa naJehovha kubudikidza naGadhi.
20 Da Arauna ya hangi Dawuda da mutanensa suna zuwa wajensa, sai ya fita a guje, ya je ya rusuna a gaban sarki.
Arauna akati atarisa akaona mambo navanhu vake vachiuya vakananga kwaari, akabuda akandokotamira pasi pamberi pamambo chiso chake chakatsikitsira pasi.
21 Arauna ya ce, “Me ya sa ranka yă daɗe, sarki ya zo wajen bawansa?” Dawuda ya ce, “Don in saya masussukarka, saboda in gina wa Ubangiji bagade don a tsayar da annoban da suke a bisa mutane.”
Arauna akati, “Seiko ishe wangu mambo auya kumuranda wake?” Dhavhidhi akapindura akati, “Kuzotenga buriro rako, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda riri pamusoro pavanhu rigume.”
22 Arauna ya ce wa Dawuda, “Bari ranka yă daɗe, sarki yă ɗauki duk abin da ya ga dama yă miƙa shi. Ga shanu, don hadaya ta ƙonawa, ga kuma kayan masussuka da itacen shanu, don itace.”
Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ishe wangu mambo ngaatore zvose zvinomufadza agozvipira kuna Jehovha. Hedzi nzombe dzechibayiro chinopiswa, neiyi mipuro namajoko enzombe kuti dzive huni.
23 Dukan wannan, ranka yă daɗe, Arauna ya ba wa sarki. Arauna ya kuma ce, “Bari Ubangiji Allahnka yă karɓa.”
Haiwa mambo, Arauna anopa zvose izvi kuna mambo.” Arauna akatizve kwaari, “Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei.”
24 Amma sarki ya ce wa Arauna, “A’a, dole in biya ka saboda waɗannan. Ba yadda zan miƙa wa Ubangiji Allahna hadayun ƙonawa da bai ci mini kome ba.” Sai Dawuda ya saya, ya kuma biya masussukar, da shanun a bakin shekel hamsin na azurfa.
Asi mambo akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kuzvitenga kwauri. Handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.” Saka Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe uye akazvipira namakumi mashanu amashekeri esirivha.
25 Dawuda ya gina wa Ubangiji bagade a wurin, ya kuma miƙa masa hadaya ta ƙonawa, da hadaya ta salama. Sa’an nan Ubangiji ya amsa addu’o’in a madadin ƙasar, aka kuma kawar wa Isra’ila annoban.
Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo uye akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo Jehovha akapindura munyengetero wokukumbirira nyika, uye denda rikapera pamusoro peIsraeri.