< 1 Sama’ila 20 >

1 Sai Dawuda ya gudu daga Nayiwot a Rama ya je wurin Yonatan ya ce, “Me na yi? Wane laifi ne na yi? Ta wace hanya ce na yi wa mahaifinka laifi har da yake neman yă kashe ni?”
Ipapo Dhavhidhi akatiza kubva kuNayoti paRama akaenda kuna Jonatani akamubvunza akati, “Ndaita seiko hangu? Mhosva yangu ndeyei? Baba vako ndavatadzirei, zvavanotsvaka kundiuraya?”
2 Yonatan ya ce, “Faufau, ba za ka mutu ba! Ka ji nan, mahaifina ba ya yin kome ba tare da ya shawarce da ni ba. Me ya sa ya ɓoye mini wannan? Ba zai yiwu ba.”
Jonatani akati, “Kwete! Haungatongofi! Tarira, baba vangu havamboiti chimwe chinhu, chikuru kana chiduku, vasingandizivisi. Vangazondivanzira izvi seiko? Hazvisi izvo!”
3 Sai Dawuda ya rantse ya ce, “Mahaifinka ya san cewa, na sami tagomashi a gare ka, domin haka ba zai sanar maka da wannan ba, don kada yă baƙanta maka rai. Na rantse da Ubangiji, da kai kuma, taki ɗaya kaɗai ya rage tsakanina da mutuwa.”
Asi Dhavhidhi akapa mhiko akati, “Baba vako vanonyatsoziva kuti ndakawana nyasha pamberi pako, uye vakati mumwoyo mavo, ‘Jonatani haafaniri kuziva izvi nokuti angazvidya mwoyo.’ Asi zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwako, panongova nenhambwe imwe chete pakati pangu norufu.”
4 Sai Yonatan ya ce, “Duk abin da kake so in yi maka zan yi.”
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Zvose zvaunoda kuti ndikuitire, ndichakuitira.”
5 Dawuda ya ce, “Gobe fa shi ne Bikin Sabon Wata, ya kamata in ci tare da sarki amma bari in tafi fili in ɓuya har jibi da yamma.
Saka Dhavhidhi akati, “Tarira, mangwana izuva romutambo woKugara kwoMwedzi, uye ndinofanira kudya namambo; asi rega ndiende ndinovanda mumunda kusvikira madekwana okuswera mangwana.
6 In mahaifinka bai gan ni ba, ka gaya masa cewa, ‘Dawuda ya nemi izinina domin yă hanzarta yă tafi garinsa a Betlehem saboda ana hadaya ta shekara-shekara don dukan zuriyarsa.’
Kana baba vako vandishayiwa uvaudze kuti Dhavhidhi akakumbira zvikuru kwauri mvumo kuti ambomhanyira kuBheterehema, iro guta rokwake, nokuti chibayiro chegore rimwe nerimwe chiri kugadzirirwa mhuri yose ikoko.
7 In ya yi na’am, to, bawanka ya tsira. Amma in ka ga ya damu, to, ka tabbata ya yi niyya yă kashe ni.
Kana vakati, ‘Zvakanaka,’ ipapo woziva kuti muranda wako ane rugare. Asi kana vakashatirwa, uchaziva chokwadi kuti vari kufunga zvokundiuraya.
8 Kai kuma, ka nuna alheri ga bawanka, gama ka riga ka yi yarjejjeniya da ni a gaban Ubangiji, in kuwa na yi laifi ne sai ka kashe ni da kanka. Don me za ka bashe ni ga mahaifinka?”
Asi kana uriwe, itira muranda wako zvakanaka, nokuti akaita sungano newe pamberi paJehovha. Kana ndine mhosva, ndiuraye iwe pachako! Ungandiendesereiko kuna baba vako?”
9 Yonatan ya ce, “Labudda! In na ji ƙishin-ƙishin, cewa mahaifina yana neman yă kashe ka ashe, ba zan gaya maka ba?”
Jonatani akati, “Kwete! Dai ndaiziva kuti baba vangu vakafunga kukuuraya, handaikuudza here?”
10 Dawuda ya ce, “Wa zai gaya mini idan mahaifinka ya amsa maka da amsa marar daɗi?”
Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndianiko achazondiudza kana baba vako vakakupindura nehasha?”
11 Yonatan ya ce, “Zo mu fita zuwa fili.” Sai suka tafi tare.
Jonatani akati, “Uya, tiende kumunda.” Saka vakaenda ikoko pamwe chete.
12 Sai Yonatan ya ce wa Dawuda, “Na yi rantse da Ubangiji, Allah na Isra’ila cewa war haka jibi, zan yi ƙoƙari in ji daga mahaifina, idan ya yi magana mai kyau game da kai, zan gaya maka.
Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi “NaJehovha, iye Mwari weIsraeri, zvirokwazvo ndichabvunzisisa baba vangu nenguva ino kuswera mangwana! Kana ndikaona kuti vanokufarira, ko, handingakutumiri shoko ndikazokuzivisa here?
13 Amma in mahaifina ya sa zuciya yă cuce ka, Ubangiji yă hukunta ni da hukunci mai tsanani in ban gaya maka ba, in kuma sa ka ka tafi lafiya. Ubangiji yă kasance tare da kai kamar yadda ya kasance da mahaifina.
Asi kana baba vangu vachida kukuuraya, Jehovha ngaandirove, zvinorwadza kwazvo, kana ndikasakuzivisa uye ndikasakuendesa norugare. Jehovha ngaave newe sezvaakanga akaita kuna baba vangu.
14 Amma ka nuna mini alheri marar ƙarewa iri ta Ubangiji dukan rayuwata don kada a kashe ni.
Asi iwe undiitire tsitsi dzisingaperi dzakafanana nedzaJehovha ndichiri mupenyu kudai kuti ndirege kuurayiwa,
15 Kada kuma ka yanke alherinka ga iyalina ko da Ubangiji ya hallaka dukan maƙiyin Dawuda a duniya.”
uye usambobvisa tsitsi dzako kumhuri yangu, kunyange Jehovha achinge auraya vavengi vaDhavhidhi vose pamusoro penyika.”
16 Saboda haka Yonatan ya yi yarjejjeniya da gidan Dawuda cewa Ubangiji yă kawo dukan maƙiyin Dawuda ga mutuwa.
Saka Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, achiti, “Jehovha ngaaite kuti vavengi vaDhavhidhi vapiwe mhosva.”
17 Yonatan kuwa ya sa Dawuda ya sāke tabbatar masa rantsuwansa game da abokantakarsa da shi, gama yana ƙaunar Dawuda kamar ransa.
Jonatani akaita kuti Dhavhidhi apikezve mhiko yorudo rwake kwaari, nokuti aimuda sokuzvida kwaaizviita iye.
18 Sai Yonatan ya gaya wa Dawuda cewa, “Gobe ne Bikin Sabon Wata, za a rasa ka, da yake kujerarka za tă kasance ba kowa a kai.
Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Mangwana izuva romutambo woKugara kwoMwedzi. Iwe uchashayikwa, nokuti chigaro chako chichange chisina munhu.
19 Jibi wajajen yamma, ka tafi wurin da ka ɓuya lokacin da wannan matsala ta fara, ka tsaya kusa da dutsen Etsel.
Kuswera mangwana, kwavira, uende kunzvimbo yawakanga wakavanda pakatanga dambudziko iri, ugomira padombo reEzeri.
20 Zan harbi kibiya uku ta wajen, sai ka ce dai ina harbin baka.
Ndichapfura miseve mitatu kurutivi rwayo, sokunge ndine pandakananga kupfura.
21 Sa’an nan zan aiki yaro in ce masa, ‘Je ka nemo kibiyoyin.’ In na ce masa, ‘Duba, kibiyoyin suna wannan gefen da kake, kawo su,’ sai ka fito, wato, tabbatacce muddin Ubangiji yana raye, ka tsira, ba wani hatsari.
Ipapo ndichatuma mukomana ndigoti, ‘Enda undotsvaka miseve,’ Kana ndikati kwaari, ‘Tarira, miseve iri kurutivi rwako urwu; uya nayo kuno,’ ipapo uuye, nokuti zvirokwazvo naJehovha mupenyu, rugare rwuri kwauri; hapana njodzi.
22 Amma in na ce wa yaron, ‘Duba, kibiyoyin suna gaba da kai,’ sai ka tafi, gama Ubangiji ya sallame ka.
Asi kana ndikati kumukomana, ‘Tarira, miseve iri mberi kwako,’ ipapo unofanira kuenda hako, nokuti Jehovha akuendesa kure.
23 Game da al’amarin da muka tattauna da ni da kai kuwa, ka tuna fa Ubangiji ne shaida tsakanina da kai har abada.”
Uye pamusoro penyaya yatakurukura iwe neni, rangarira, Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni nokusingaperi.”
24 Dawuda ya tafi ya ɓuya a fili. Sa’ad da ranar Bikin Sabon Wata ta zo, sarki ya zauna don yă ci.
Saka Dhavhidhi akavanda mumunda, uye mutambo woKugara kwoMwedzi wakati wasvika, mambo akagara pasi kuti adye.
25 Ya zauna a kujeransa inda ya saba zama kusa da bango yana fuskantar Yonatan, Abner kuma ya zauna kusa da sarki. Amma kujeran Dawuda ba kowa.
Akagara panzvimbo yake yamazuva ose pamadziro, pakatarisana naJonatani, uye Abhineri akagara parutivi paSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu.
26 Shawulu bai ce kome ba a ranar domin ya yi tsammani wataƙila wani abu ya faru da Dawuda ya mai da shi marar tsarki, tabbatacce ba shi da tsarki.
Sauro haana kutaura chinhu pazuva iroro, nokuti akati mumwoyo make, “Panofanira kuva nezvaitika kuna Dhavhidhi zvaita kuti ave asina kuchena, zvirokwazvo haana kuchena.”
27 Amma kashegari, rana ta biyu ga wata, kujeran Dawuda kuma ba kowa, sai Shawulu ya ce wa ɗansa Yonatan, “Me ya sa ɗan Yesse bai zo cin abinci, jiya da yau ba?”
Asi pazuva rakatevera, iro zuva rechipiri romwedzi, nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu zvakare. Ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, “Seiko mwanakomana waJese asina kuuya kuzodya zuro nanhasi?”
28 Yonatan ya ce, “Dawuda ya nemi izinina don yă tafi Betlehem.
Jonatani akapindura achiti, “Dhavhidhi akandikumbirisa kwazvo kuti aende kuBheterehema.
29 Ya ce, ‘Bari in tafi gama iyalinmu suna miƙa hadaya a gari,’yan’uwana kuwa sun gayyace ni in kasance a can. In na sami yardarka, bari in tafi in ga’yan’uwana.’ Dalilin ke nan da bai zo ci da sarki ba.”
Akati, ‘Nditenderewo hangu ndiende nokuti mhuri yokwangu iri kucherechedza chibayiro muguta uye madzikoma angu akarayira kuti ndivepo. Kana ndawana nyasha kwauri, rega ndiende hangu ndinoonana namadzikoma angu.’ Ndokusaka asina kuuya patafura yamambo.”
30 Fushin Shawulu ya ƙuna a kan Yonatan, sai ya ce masa, “Kai shege ne, haihuwar banzan mace; ai, na san kana goyon bayan ɗan Yesse don ka wulaƙantar da kanka da mahaifinka.
Kutsamwa kwaSauro kwakanganduma nokuda kwaJonatani, akati kwaari, “Iwe mwanakomana womukadzi akatsauka uye anomukira! Unoti handizivi kanhi kuti unowirirana nomwanakomana waJese kuti uzvinyadzise, iwe uyewo kuti mai vako vakakubereka vanyadziswe.
31 Muddin ɗan Yesse yana da rai a duniya, ba za ka kahu ba. Sarautarka kuma ba za tă kahu ba. Yanzu sai ka je ka kawo mini shi. Dole yă mutu.”
Kana mwanakomana waJese achirarama panyika ino chete, iwe kana umambo hwako haungasimbiswi. Iye zvino tuma munhu auye naye kwandiri, nokuti anofanira kufa!”
32 Yonatan ya ce wa mahaifinsa, “Me ya sa zai mutu? Me ya yi?”
Jonatani akabvunza baba vake akati, “Sei achifanira kuurayiwa? Chiiko chaakaita?”
33 Amma Shawulu ya jefe shi da māshi don yă kashe shi. A nan ne Yonatan ya san lalle mahaifinsa ya yi niyya yă kashe Dawuda.
Asi Sauro akapotsera pfumo rake kwaari kuti amuuraye. Ipapo Jonatani akaziva kuti baba vake vakanga vachida kuuraya Dhavhidhi.
34 Yonatan ya tashi daga tebur cin abincin da fushi. A rana ta biyun kuwa bai ci abinci ba, gama yana baƙin ciki game da rashin kunyar mahaifinsa game da Dawuda.
Jonatani akakwakuka patafura nokutsamwa kukuru; pazuva rechipiri iroro romwedzi haana kudya, nokuti akanga akatsamwira baba vake nokuda kwamabatiro anonyadza avakanga vaita Dhavhidhi.
35 Da safe Yonatan ya tafi domin yă sadu da Dawuda a fili. Ya tafi tare da wani ƙaramin yaro.
Fume mangwana, Jonatani akaenda kumunda kuti andosangana naDhavhidhi. Akanga ano mukomana muduku pamwe chete naye,
36 Ya ce wa yaron, “Yi ruga da gudu ka nemo kibiyoyin da na harba.” Da yaron ya ruga sai ya harba kibiya a gaba da shi.
akati kumukomana, “Mhanya undotsvaka miseve yandichapfura.” Mukomana achiri kumhanya, iye akapotsera museve mberi kwake.
37 Da yaron ya isa wurin da kibiyan Yonatan ya fāɗi, Yonatan ya kira shi ya ce, “Kibiyan na gabanka fa.”
Mukomana akati asvika panzvimbo yakawira museve waJonatani, Jonatani akadanidzira kwaari akati, “Ko, museve hauzi mberi kwako here?”
38 Sai ya tā da murya ya ce, “Maza, yi sauri kada ka tsaya.” Yaron ya ɗauko kibiya ya kawo wa maigidansa.
Ipapo akadanidzira kwaari akati, “Kurumidza! Enda nokukasika! Usamira!” Mukomana akanonga museve akadzokera kuna tenzi wake.
39 (Yaron kuwa bai san kome game da wannan abu ba, sai Yonatan da Dawuda kawai.)
(Mukomana haana chaakaziva pane zvose izvi; Jonatani naDhavhidhi chete, ndivo vaiziva.)
40 Yonatan ya ba wa yaron makaman ya ce, “Ka ɗauka ka koma gari.”
Ipapo Jonatani akapa zvombo zvake kumukomana akati, “Chienda, takura udzokere nazvo kuguta.”
41 Da yaron ya tafi, sai Dawuda ya tashi daga inda ya ɓuya kusa da tarin duwatsu, ya rusuna har sau uku. Sa’an nan suka sumbaci juna, suka yi kuka, Dawuda kuwa ya yi kuka sosai.
Mushure mokuenda kwomukomana, Dhavhidhi akasimuka nechokurutivi rwezasi rwedombo akakotamira Jonatani katatu, chiso chake chakatsikitsira. Ipapo vakasvetana vakachema pamwe chete asi Dhavhidhi akanyanyisa kuchema.
42 Yonatan ya ce wa Dawuda, “Sauka lafiya, mun riga mun yi rantsuwar abokantaka da juna a cikin sunan Ubangiji cewa, ‘Ubangiji ne shaida tsakanina da kai, tsakanin zuriyarka da zuriyata har abada.’” Sai Dawuda ya tafi, Yonatan kuwa ya koma gari.
Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Chienda hako norugare, nokuti takapikirana ushamwari pakati pedu muzita raJehovha, tichiti, ‘Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni, uye pakati pezvizvarwa zvako nezvizvarwa zvangu nokusingaperi.’” Ipapo Dhavhidhi akabva, Jonatani akadzokerawo muguta.

< 1 Sama’ila 20 >