< 1 Tarihi 8 >

1 Benyamin shi ne mahaifin, Bela ɗansa na fari, Ashbel ɗansa na biyu, Ahara na uku,
Bhenjamini aiva baba vaBhera dangwe rake, Ashibheri mwanakomana wechipiri, Ahara wechitatu,
2 Noha na huɗu da Rafa na biyar.
Noha wechina naRafa wechishanu.
3 ’Ya’yan Bela maza su ne, Addar, Gera, Abihud
Vanakomana vaBhera vaiva: Adha, Gera, Abhihudhi,
4 Abishuwa, Na’aman, Ahowa,
Abhishua, Naamani Ahoa,
5 Gera, Shefufan da Huram.
Gera, Shefufani naHurami.
6 Waɗannan su ne zuriyar Ehud, waɗanda suke kawunan iyalan waɗanda suke zama a Geba waɗanda aka kuma kwasa zuwa Manahat.
Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati:
7 Na’aman, da Ahiya, da Gera. Gera ne shugabansu lokacin da aka kai su bauta, shi ne ya haifi Uzza da Ahilud.
Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi.
8 An haifa’ya’ya maza wa Shaharayim a Mowab bayan ya saki matansa Hushim da Ba’ara.
Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara.
9 Ya haifi Yobab, Zibiya, Hodesh, Malkam,
Nomukadzi wake Hodheshi akabereka Johabhi, Zibhia, Mesha Marikami,
10 Yewuz, Sakiya da Mirma ta wurin Hodesh matarsa. Waɗannan su ne’ya’yansa, kawunan iyalai.
Jeuzi, Sakia naMirima. Ava ndivo vaiva vanakomana vake, vakuru vemhuri.
11 Ya haifi Abitub da Efa’al ta wurin Hushim.
NaHushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.
12 ’Ya’yan Efa’al maza su ne, Eber, Misham, Shemed (wanda ya gina Ono da Lod tare da ƙauyukan kewayensu),
Vanakomana vaEripaari vaiva: Ebheri, Mishamu, Shemedhi (uyo akavaka Ono neRodhi pamwe chete nemisha yakaapoteredza)
13 da Beriya da Shema, waɗanda suke kawunan iyalan waɗanda suke zama a Aiyalon waɗanda kuma suka kori mazaunan Gat.
naBheria naShema, avo vakanga vari vakuru vemhuri dzaavo vaigara muAijaroni uye vakadzinga vagari veGati.
14 Ahiyo, Shashak, Yeremot
Ahiyo, Shashaki, Jeremoti,
15 Zebadiya, Arad, Eder,
Zebhabhia, Aradhi, Edheri,
16 Mika’ilu, Isfa da Yoha su ne’ya’yan Beriya maza.
Mikaeri, Ishipa naJoha vaiva vanakomana vaBeria.
17 Zebadiya, Meshullam, Hizki, Heber,
Zebhadhia, Meshurami, Hiziki, Hebheri,
18 Ishmerai, Izliya da Yobab su ne’ya’yan Efa’al maza.
Ishimerai, Iziria naJobhabhi vaiva vanakomana vaEripaari.
19 Yakim, Zikri, Zabdi,
Jakimi, Zikiri, Zabhidhi,
20 Eliyenai, Zilletai, Eliyel,
Erienai, Ziretai, Erieri,
21 Adahiya, Berahiya da Shimra su ne’ya’yan Shimeyi maza.
Adhaya, Bheraya naShimirati vaiva vanakomana vaShimei.
22 Ishfan, Eber, Eliyel,
Ishipani, Ebheri, Erieri,
23 Abdon, Zikri, Hanan,
Abhidhoni, Zikiri, Hanani,
24 Hananiya, Elam, Antotiya,
Hanania, Eramu Anitotiya,
25 Ifdehiya da Fenuwel su ne’ya’yan Shashak maza.
Ifidheya naPenueri vaiva vanakomana vaShashaki.
26 Shamsherai, Shehariya, Ataliya,
Shamisherai, Sheharia, Ataria,
27 Ya’areshiya, Iliya da Zikri su ne’ya’yan Yeroham maza.
Jaareshia, Eria, naZikiri vaiva vanakomana vaJerohamu.
28 Dukan waɗannan su ne kawunan iyalai, manya kamar yadda aka lissafta a cikin zuriyarsu, suka zauna a Urushalima.
Vose ava vaiva vakuru vemhuri, vari madzishe sezvazvakanyorwa munhoroondo dzavo. Uye vaigara muJerusarema.
29 Yehiyel na Gibeyon ya zauna a Gibeyon. Sunan matarsa Ma’aka,
Jeyeri, baba vaGibheoni vaigara muGibheoni. Zita romukadzi wake rainzi Maaka,
30 ɗansa na fari kuwa shi ne Abdon, sai Zur, Kish, Ba’al, Ner, Nadab,
uye mwanakomana wake wedangwe ainzi Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi,
31 Gedor, Ahiyo, Zeker
Gedhori, Ahio, Zekeri,
32 da Miklot, wanda ya zama mahaifin Shimeya. Su ma sun zauna kusa da danginsu a Urushalima.
uye Mikiroti, uyo aiva baba vaShimea. Ivo vaigarawo pedyo nehama dzavo muJerusarema.
33 Ner shi ne mahaifin Kish, Kish mahaifin Shawulu, kuma Shawulu ne mahaifin Yonatan, Malki-Shuwa, Abinadab da Esh-Ba’al.
Neri aiva baba vaKishi, Kishi aiva baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abinadhabhi, naEshi-Bhaari.
34 Ɗan Yonatan shi ne, Merib-Ba’al wanda ya zama mahaifin Mika.
Mwanakomana waJonatani ainzi Meribhi-Bhaari uyo aiva baba vaMika.
35 ’Ya’yan Mika maza su ne, Fiton, Melek, Tereya da Ahaz.
Vanakomana vaMika vaiva: Pitoni, Mereki Tarea, naAhazi.
36 Ahaz shi ne mahaifin Yehowadda, Yehowadda shi ne mahaifin Alemet, Azmawet da Zimri, Zimri kuwa shi ne mahaifin Moza.
Ahazi aiva baba vaJehoadha, Jehoadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri uye Zimiri aiva baba vaMoza.
37 Moza shi ne mahaifin Bineya; Rafa, Eleyasa da kuma Azel.
Moza aiva baba vaBhinea Rafa aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake.
38 Azel yana da’ya’ya maza shida, kuma ga sunayensu. Azrikam, Bokeru, Ishmayel, Sheyariya, Obadiya da Hanan. Dukan waɗannan’ya’yan Azel maza ne.
Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo: Arizakami, Bhokeru, Ishumaeri, Shearia, Obhadhia naHanani. Vose ava vaiva vanakomana vaAzeri.
39 ’Ya’yan ɗan’uwansa Eshek su ne, Ulam ɗan farinsa, Yewush ɗansa na biyu da Elifelet na uku.
Vanakomana vomununʼuna wake Esheki vaiva: Uramu dangwe rake, Jeushi mwanakomana wake wechipiri naErifereti wechitatu.
40 ’Ya’yan Ulam maza jarumawa ne sosai waɗanda suke iya riƙe baka. Suna da’ya’ya maza masu yawa da jikoki, 150 gaba ɗaya. Dukan waɗannan zuriyar Benyamin ne.
Vanakomana vaUramu vaiva varwi voumhare vaigona kushandisa uta. Vaiva navanakomana navazukuru vazhinji vaisvika zana namakumi mashanu pamwe chete. Vose ava vaiva zvizvarwa zvaBhenjamini.

< 1 Tarihi 8 >