< 1 Tarihi 5 >
1 ’Ya’yan Ruben maza ɗan farin Isra’ila (shi ne ɗan fari, amma sa’ad da ya ƙazantar da gadon auren mahaifinsa, sai aka ba wa’yancin ɗan farinsa wa’ya’yan Yusuf maza ɗan Isra’ila; don kada a lissafta shi a tarihin zuriya bisa ga matsayin haihuwarsa,
Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri. (Ndiye aiva dangwe, asi paakasvibisa nhoo yewaniso yababa vake, kodzero dzoudangwe hwake dzakapiwa kuvanakomana vaJosefa mwanakomana waIsraeri; saka haana kuzoverengerwawo munhoroondo dzamadzitateguru ake maererano nekodzero yokuberekwa kwake.
2 ko da yake Yahuda shi ne mafi ƙarfi cikin’yan’uwansa kuma mai mulki ya fito daga gare shi,’yancin zaman ɗan fari na Yusuf ne),
Uye kunyange zvazvo Judha aiva akasimba kwazvo kupfuura vana vababa vake vose, uye kunyange zvazvo mutongi akazobuda maari, kodzero youdangwe yaiva yaJosefa.)
3 ’ya’yan Ruben ɗan farin Isra’ila maza su ne, Hanok, Fallu, Hezron da Karmi.
Vanakomana vaRubheni dangwe raIsraeri vaiva: Hanoki, Paru, Hezironi naKarimi.
4 Zuriyar Yowel su ne, Shemahiya, Gog, Shimeyi,
Zvizvarwa zvaJoere zvaiva: Shemaya mwanakomana wake, Gogi mwanakomana wake, Shimei mwanakomana wake,
Mika mwanakomana wake, Reaya mwanakomana wake, naBhaari mwanakomana wake.
6 da Beyera, wanda Tiglat-Fileser sarkin Assuriya ya ɗauka zuwa zaman bauta. Beyera shi ne shugaban mutanen Ruben.
Uye naBheera mwanakomana wake uyo akatorwa akaiswa muutapwa naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Bheera akanga ari mutungamiri wavaRubheni.
7 Danginsu bisa ga iyalansu da aka jera bisa ga tarihin zuriyarsu su ne, Yehiyel shi ne sarki, akwai Zakariya,
Hama dzavo nedzimba dzavo dzakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo dzaiva: Jeyeri aiva Ishe, naZekaria uye
8 da Bela ɗan Azaz. Azaz ɗan Shema daga dangin Yowel. Yowel ya yi zama a yankin Arower har zuwa Nebo da Ba’al-Meyon.
Bhera mwanakomana waAzazi, mwanakomana waShema, mwanakomana waJoere. Vakagara munzvimbo yaibva kuAroeri kusvikira kuNebho neBhaari Meoni.
9 Ta waje gabas sun zauna a ƙasar har zuwa bakin hamadan da ya nausa zuwa Kogin Yuferites, domin dabbobinsu sun ƙaru a Gileyad.
Kumabvazuva vakatora nyika kusvikira pamuganhu wegwenga rinosvika kuRwizi Yufuratesi nokuti zvipfuwo zvavo zvakanga zvawanda muGireadhi.
10 A zamanin Shawulu zuriyar Ruben sun yi yaƙi da Hagirawa, suka ci su da yaƙi, suka zauna a wuraren zaman Hagirawan ko’ina a dukan yankin gabashin Gileyad.
Panguva yokutonga kwaSauro vakarwa navaHagiri vakavakunda vakagara mumatende avaHagiri mudunhu rose rokumabvazuva eGireadhi.
11 Mutanen Gad sun zauna kusa da mutanen Ruben a Bashan, har zuwa Saleka.
VaGadhi vakanga vakavakidzana navo muBhashani kusvikira kuSareka:
12 Yowel shi ne babba, sai Shafan na biyu, sa’an nan Yanai da Shafat, su ne tushen Bashan.
Joere ndiye aiva ishe, Shafami ari wechipiri, kuchizotevera Janai naShafati, muBhashani.
13 Danginsu, bisa ga iyalai su ne, Mika’ilu, Meshullam, Sheba, Yorai, Yakan, Ziya da Eber, su bakwai ne duka.
Hama dzavo, tichiverenga mhuri dzavo, dzaiva: Mikaeri, Meshurami, Shebha, Jorai, Jakani, Zia naEbheri, vanomwe pamwe chete.
14 Waɗannan su ne’ya’yan Abihayil ɗan Huri, ɗan Yarowa, ɗan Gileyad, ɗan Mika’ilu, ɗan Yeshishai, ɗan Yado, ɗan Buz.
Ava ndivo vaiva vanakomana vaAbhihairi mwanakomana waHuri, mwanakomana waJarowa, mwanakomana Gireadhi, mwanakomana waMikaeri, mwanakomana waJeshishai, mwanakomana waJadho, mwanakomana waBhuzi.
15 Ahi ɗan Abiyel, ɗan Guni, shi ne kan iyalinsu.
Ahi mwanakomana waAbhidhieri, mwanakomana waGuni, ndiye aiva mukuru wemhuri yavo.
16 Mutanen Gad sun zauna a Bashan da ƙauyukan da suke kurkusa da shi, da kuma a dukan makiyayan Sharon har zuwa iyaka inda suka kai.
VaGadhi vaigara muGireadhi, muBhashani nomumisha yaro yakaripoteredza, uye nomumafuro ose eSharoni kusvikira kwaanogumira.
17 Dukan waɗannan sun shiga tarihin zuriya a lokacin mulkin Yotam sarkin Yahuda da Yerobowam sarkin Isra’ila.
Iva vose vakanyorwa munhoroondo dzamadzitateguru avo munguva yokutonga kwaJotamu mambo weJudha naJerobhoamu mambo weIsraeri.
18 Mutanen Ruben, mutanen Gad da rabin kabilar Manasse sun kasance da mutane 44,760 shiryayyu don aikin soja, jarumawan da za su iya riƙe garkuwa da takobi, waɗanda suke iya yin amfani da baka, waɗanda kuma aka horar don yaƙi.
VaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase vaiva navarume zviuru makumi mana nezvina namazana manomwe namakumi matanhatu vakanga vakagadzirira kundorwa, varume vakasimba vaigona kushandisa nhoo nomunondo, uye vaigona kushandisa uta, uye vakanga vakadzidziswa kurwa.
19 Suka yi yaƙi da Hagirawa, Yetur, Nafish da Nodab.
Vakarwa navaHagiri, vaJeturi, vaNafishi navaNodhabhi.
20 Aka taimake su a yaƙin, Allah kuma ya ba da Hagirawa da dukan abokansu gare su, domin sun yi kuka gare shi a lokacin yaƙin. Ya amsa addu’o’insu, domin sun dogara gare shi.
Vakabatsirwa pakurwa navo, uye Mwari akaisa vaHagiri, navose vaiva kurutivi rwavo, mumaoko avo, nokuti vakanga vachema kwaari vari pakurwa. Akapindura minyengetero yavo nokuti vakavimba naye.
21 Suka ƙwace dabbobin Hagirawa, raƙuma dubu hamsin, tumaki dubu ɗari biyu da hamsin da kuma jakuna dubu biyu. Suka kuma kame mutane dubu ɗari ɗaya,
Vakapamba zvipfuwo zvavaHagiri zvaiti: zviuru makumi mashanu zvengamera, zviuru mazana maviri ane makumi mashanu zvamakwai nezviuru zviviri zvembongoro. Vakatapawo zviuru zana zvavanhu,
22 waɗansu suka mutu, domin yaƙin na Allah ne. Suka zauna a ƙasar har lokacin da aka kai su zaman bauta.
uye vamwe vazhinji vakaurayiwa nokuti kurwa uku kwaiva kwaMwari. Uye vakagara munyika iyoyi kusvikira pakutapwa.
23 Mutanen rabin kabilar Manasse sun yi yawa; suka zauna a ƙasar daga Bashan har zuwa Ba’al-Hermon, wato, zuwa Senir (Dutsen Hermon).
Vanhu vehafu yorudzi rwaManase vaiva vazhinji kwazvo vakagara munyika yaibva kuBhashani ichisvika kuBhari Hemoni ndiko kuSeniri (Gomo reHemoni).
24 Waɗannan su ne kawunan iyalansu. Efer, Ishi, Eliyel, Azriyel, Irmiya, Hodawiya da Yadiyel. Su jarumawa ne, sanannu, su ne kuma kawunan iyalansu.
Ava ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavo: Eferi, Ishi, Erieri, Azireri, Jeremia, Hodhavhia naJadhieri. Ava vaiva varwi vakashinga, varume vembiri uye vari vakuru vedzimba dzavo.
25 Amma ba su yi aminci da Allahn kakanninsu ba, suka kuma yi karuwanci ga waɗansu allolin mutanen ƙasar, waɗanda Allah ya hallaka a gabansu.
Asi vakanga vasina kutendeka kuna Mwari wamadzibaba avo, vakaita ufeve hwokunamata vamwari vavanhu venyika iyi avo vakanga vaparadzwa naMwari pamberi pavo.
26 Saboda haka Allah na Isra’ila ya zuga ruhun Ful sarkin Assuriya (wato, Tiglat-Fileser sarkin Assuriya), wanda ya kwashe mutanen Ruben, mutanen Gad da rabin kabilar Manasse zuwa zaman bauta. Ya kwashe su zuwa Hala, Habor, Hara da kuma kogin Gozan, inda suke har wa yau.
Saka Mwari waIsraeri akamutsa mweya waPuri mambo weAsiria iwo mweya waTigirati-Pireseri mambo weAsiria, akatapa vaRubheni, vaGadhi nehafu yorudzi rwaManase. Akavatora akandovaisa kuHarahi, Habhori, Hara nokurwizi Gozani uko kwavari kusvikira zuva ranhasi.