< 1 Tarihi 17 >

1 Bayan Dawuda ya zauna a fadansa, sai ya ce wa annabi Natan, “Ga ni, ina zama a fadar da aka yi da al’ul, yayinda akwatin alkawarin Ubangiji yana a ƙarƙashin tenti.”
Shure kwokunge Dhavhidhi agara mumuzinda wake akati kuna Natani muprofita, “Ndiri pano zvangu ndigere mumuzinda womusidhari, asi areka yesungano yaJehovha iri pasi peTende.”
2 Natan ya amsa wa Dawuda ya ce, “Duk abin da kake tunani a zuciya, ka yi, gama Allah yana tare da kai.”
Natani akapindura kuna Dhavhidhi akati, “Zvose zvamunazvo mupfungwa itai nokuti Mwari anemi.”
3 A daren nan maganar Allah ta zo wa Natan cewa,
Usiku ihwohwo shoko raMwari rakasvika kuna Natani richiti:
4 “Ka tafi ka faɗa wa bawana Dawuda, ‘Ga abin da Ubangiji ya ce ba kai ba ne za ka gida mini gidan da zan zauna a ciki.
“Enda unotaurira muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Hausiwe uchandivakira imba yokugara.
5 Ban taɓa zama a gida daga ranar da na fito da Isra’ila daga Masar ba har wa yau. Na yi ta yawo daga gefen da aka kafa tenti zuwa wani, daga wannan wuri zuwa wancan.
Handina kumbogara mumba kubvira zuva randakaburitsa Israeri kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi. Ndaifamba kubva mutende ndichienda mune rimwe, kubva pane imwe nzvimbo yokugara ndichienda pane imwe.
6 Duk inda na tafi tare da Isra’ilawa, na taɓa ce wa wani daga cikin shugabanninsu waɗanda na umarta su yi kiwon mutanena, “Don me ba ku gida mini gidan al’ul ba?”’
Kwose kwose kwandakafamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe zvake wavatungamiri vavo, wandairayira kuti afudze vanhu vangu, “Seiko usina kundivakira imba yomusidhari?”’
7 “Yanzu, ka faɗa wa bawana Dawuda, ‘Ga abin da Ubangiji Maɗaukaki ya ce, na ɗauke ka daga makiyaya da kuma daga bin garke, don ka zama mai mulki a bisa mutanena Isra’ila.
“Zvino naizvozvo udza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Ndakakutora kubva kumafuro kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mutongi wavanhu vangu Israeri.
8 Na kasance tare da kai ko’ina ka tafi, na kuma yanke dukan abokan gābanka a gabanka. Yanzu zan sa sunanka kamar sunayen mutane mafi girma na duniya.
Ndakanga ndinewe kwose kwawaienda uye ndakauraya vavengi vako vose pamberi pako. Zvino ndichaita kuti zita rako rive samazita avarume vakuru kwazvo panyika.
9 Zan kuma tanada wuri domin mutanena Isra’ila, zan kuma kafa su saboda za su kasance da gidan kansu ba kuwa za a ƙara damunsu ba. Mugayen mutane ba za su ƙara zaluntar su ba, yadda suka yi da farko
Uye ndichapa nzvimbo kuvanhu vangu Israeri uye ndichavadyara kuti vave nomusha wavo pachavo uye kuti vasazokanganiswa. Vanhu vakaipa havangazovadzvinyiriri zvakare sezvavakavaita pakutanga
10 da kuma suka yi tun lokacin da na sa shugabanni a bisa mutanen Isra’ila. Zan rinjaye dukan abokan gābanka. “‘Na furta maka cewa Ubangiji zai gina maka gida,
uye sezvavakaita kubvira panguva yandakagadza vatungamiri vavanhu vangu Israeri. Ndichakundawo vavengi venyu vose. “‘Ndinokuudza kuti Jehovha achakuvakira imba:
11 sa’ad da kwanakinka suka ƙare ka kuma tafi don ka kasance da kakanninka, zan tā da ɗaya cikin’ya’yanka maza, daga zuriyarka yă gāje ka, zan kuma kafa mulkinka.
Kana mazuva ako akwana uye pauchaenda kundova namadzibaba ako, ndichasimudza mwana wako achakutevera paumambo, mumwe wavanakomana vako pachako uye ndichasimbisa umambo hwake.
12 Shi ne zai gina gida domina, zan kuma kafa sarautarsa har abada.
Iyeye ndiye achandivakira imba, uye ndichasimbisa chigaro chake choumambo nokusingaperi.
13 Zan zama Ubansa, zai kuma zama ɗana. Ba zan taɓa ɗauke ƙaunata daga gare shi, kamar yadda na ɗauke ta daga wanda ya riga ka ba.
Ndichava baba vake uye iye achava mwanakomana wangu. Handizobvisi rudo rwangu kwaari zvakare sokurubvisa kwandakaita kune akakutangira.
14 Zan sa shi a bisa gidana da mulkina har abada; kujerar sarautarsa za tă kahu har abada.’”
Ndichamugadza kuti atonge imba yangu noumambo hwangu nokusingaperi; chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.’”
15 Natan ya faɗa wa Dawuda dukan kalmomin wahayin nan.
Natani akandotaura kuna Dhavhidhi mashoko ose echiratidzo chose ichi.
16 Sai Sarki Dawuda ya shiga ya zauna a gaban Ubangiji ya ce, “Wane ne ni, ya Ubangiji Allah, kuma wane ne iyalina, da ka kawo ni har zuwa nan?
Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda akagara pamberi paMwari akati: “Ndini aniko, nhai Jehovha Mwari, uye mhuri yangu chiiko, kuti mandisvitsawo pano?
17 Kuma sai ka ce wannan bai isa ba a idonka, ya Allah, ka yi magana game da nan gaba na gidan bawanka. Ka dube ni sai ka ce ni ne mafi ɗaukaka cikin mutane, ya Ubangiji Allah.
Uye sokuti izvi hazvina kukwana pamberi penyu, haiwa Mwari, mataurazve nezveramangwana reimba yomuranda wenyu. Mandiona sokunge ndini ndinokudzwa kupinda vanhu vose, imi Jehovha Mwari.
18 “Me kuma Dawuda zai ce maka saboda girmamawar da ka yi wa bawanka? Gama ka san bawanka,
“Chiizve chimwe chingataurwa naDhavhidhi kwamuri nokuda kwokuti maremekedza muranda wenyu kudai? Nokuti munoziva muranda wenyu,
19 Ya Ubangiji. Gama saboda bawanka da kuma bisa ga nufinka, ka yi wannan babban abu, ka kuma sanar da dukan manyan alkawura.
imi Jehovha, nokuda kwomuranda wenyu uye maererano nokuda kwenyu maita chinhu chikuru ichi mukaita kuti zvivimbiso izvi zvikuru zviziviswe.
20 “Babu wani kamar ka, ya Ubangiji, babu kuma Allah sai kai, kamar yadda muka ji da kunnuwanmu.
“Hakuna mumwe akaita semi, imi Jehovha, uye hakuna Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu pachedu.
21 Wane ne kuma yake kamar mutanenka Isra’ila, al’umma guda a duniya wadda Allahnta ya fita don yă fanshi mutane wa kansa, ya kuma yi suna wa kansa, ya kuma aikata manyan abubuwa masu banmamaki masu banrazana ta wurin korin al’ummai daga gaban mutanenka, waɗanda ka fansa daga Masar?
Uye ndiani akaita savanhu venyu Israeri, rudzi rumwe chete panyika runa Mwari warwo akaenda kundozvidzikinurira vanhu, kuti azviitire zita, uye kuti aite zvishamiso zvikuru zvinotyisa, nokudzinga ndudzi kubva pamberi pavanhu venyu vamakadzikinura kubva kuIjipiti?
22 Ka mai da mutanenka Isra’ila na kanka har abada, kuma kai, ya Ubangiji, ka zama Allahnsu.
Makazvigadzirira vanhu venyu Israeri kuti vave venyu pachenyu nokusingaperi, uye imi, imi Jehovha, mava Mwari wavo.
23 “Yanzu kuwa, Ubangiji, bari alkawarin da ka yi game da bawanka da gidansa yă kahu har abada. Yi kamar yadda ka yi alkawari,
“Uye zvino, Jehovha, itai kuti chivimbiso chamaita kumuranda wenyu neimba yake chisimbiswe nokusingaperi. Itai sezvamakavimbisa,
24 saboda zai kahu kuma sunanka zai zama mai girma har abada. Sa’an nan mutane za su ce, ‘Ubangiji Maɗaukaki, Allah a bisa Isra’ila, Allahn Isra’ila ne!’ Kuma gidan bawanka Dawuda zai kahu a gabanka.
kuitira kuti chisimbiswe uye kuti zita renyu rive guru nokusingaperi. Ipapo vanhu vachati, ‘Jehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ndiye Mwari waIsraeri.’ Uye imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
25 “Kai, Allahna, ka bayyana ga bawanka cewa za ka gina gida dominsa. Ta haka bawanka ya sami ƙarfin gwiwa ya yi addu’a gare ka.
“Imi Mwari wangu, mazivisa muranda wenyu kuti muchamuvakira imba. Saka muranda wenyu atsunga kuti anyengetere kwamuri.
26 Ya Ubangiji, kai ne Allah! Ka yi alkawari abubuwa masu kyau wa bawanka.
Haiwa Jehovha, muri Mwari! Mavimbisawo zvinhu izvi zvakanaka kumuranda wenyu.
27 Yanzu ka ji daɗi don ka albarkace gidan bawanka, don yă ci gaba har abada a gabanka; gama kai, ya Ubangiji, ka albarkace shi, ya kuma sami albarka ke nan har abada.”
Zvino makafadzwa kuti muropafadze imba yomuranda wenyu kuti ienderere mberi nokusingaperi pamberi penyu, nokuti imi, imi Jehovha, mairopafadza uye ichava yakaropafadzwa nokusingaperi.”

< 1 Tarihi 17 >