< 1 Istwa 24 >

1 Alò, men divizyon a desandan a Aaron yo: fis a Aaron yo te Nadab, Abihu, Éléazar avèk Ithamar.
Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni: Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari.
2 Nadab avèk Abihu te mouri avan papa yo, san yo pa t genyen fis. Pou sa, Éléazar avèk Ithamar te sèvi kon prèt.
Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista.
3 David, avèk Tsadok, fis a Éléazar yo ak Achimélec a desandan a Ithamar yo, te divize yo selon fonksyon yo nan sèvis pa yo.
Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa.
4 Akoz ke te gen plis chèf nan desandan a Éléazar yo pase nan desandan a Ithamar yo, yo te divize yo konsa: sèz chèf zansèt a desandan a Éléazar yo ak uit nan desandan Ithamar yo, selon lakay zansèt pa yo.
Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari.
5 Konsa yo te divize pa tiraj osò, youn tankou lòt la; paske yo te sèvi kon ofisye nan sanktiyè a e ofisye a Bondye, e nan desandan a Éléazar yo ak desandan a Ithamar yo.
Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari.
6 Schemaeja, fis a Nethaneel la, grefye pou trib Lévi a, te enskri yo nan prezans a wa a, chèf lakay zansèt yo, Tsadok, prèt la, Achimélec, fis a Abiathar a ak chèf a lakay zansèt a prèt avèk Levit yo; youn lakay zansèt ki te pran pou Éléazar yo e youn pou Ithamar yo.
Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari.
7 Alò, premye tiraj osò a te tonbe pou Jehojarib; dezyèm nan pou Jedaeja;
Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi, wechipiri pana Jedhaya,
8 twazyèm nan a Harim; katriyèm nan a Seorim;
wechitatu kuna Harimi, wechina kuna Seorimi,
9 senkyèm nan a Malkija; sizyèm nan a Mijamin;
wechishanu kuna Marikia, wechitanhatu kuna Miyamini,
10 setyèm nan a Hakkots; uityèm nan a Abija;
wechinomwe kuna Hakozi, wechisere kuna Abhija,
11 nevyèm nan a Josué; dizyèm nan a Schecania;
wepfumbamwe kuna Jeshua, wegumi kuna Shekania,
12 onzyèm nan a Éliaschib; douzyèm nan a Jakim;
wegumi nomumwe kuna Eriashibhi, wegumi nembiri kuna Jakimi,
13 trèzyèm nan a Huppa; katòzyèm nan a Jeschébeab;
wegumi nenhatu kuna Hupa, wegumi neina kuna Jeshebheabhi,
14 kenzyèm nan a Bilga; sizyèm nan a Immer;
wegumi neshanu kuna Bhiriga, wegumi nenhanhatu kuna Imeri,
15 di-setyèm nan a Hézir; di-zuityèm nan a Happitsets;
wegumi nenomwe kuna Heziri, wegumi netsere kuna Hapizezi,
16 diz-nevyèm nan a Pethachja; ventyèm nan a Ézéchiel;
wegumi nepfumbamwe kuna Petahia, wemakumi maviri kuna Jehezikeri,
17 ven-te-inyèm nan a Jakin; venn-dezyèm nan a Gamul;
wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini, wemakumi maviri nembiri kuna Gamuri,
18 venn-twazyèm nan a Delaja; venn-katriyèm nan a Maazia.
wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya, uye wemakumi maviri neina kuna Maazia.
19 Sa yo te pozisyon sèvis yo te fè lè yo te antre lakay SENYÈ a selon règleman ki te bay a yo menm pa Aaron, zansèt pa yo, jis jan ke SENYÈ a, Bondye Israël la, te kòmande li a.
Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri.
20 Alò, pou lòt fis a Lévi yo: nan fis Amram yo: Schubaël; nan fis a Schubaël yo: Jechdia;
Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi: kubva kuvanakomana vaAmiramu, Shubhaeri; kubva kuvanakomana vaShubhaeri: Jedheya.
21 a Rechabia: selon fis a Rechabia yo: chèf Jischija.
Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga.
22 Selon Jitsearit yo: Schelomoth; nan fis a Schelomoth yo: Jachath.
Kubva kuvaIzhari: Sheromoti; kubva kuvanakomana vaSheromoti: Jahati.
23 Fis a Hébron yo: Jerija, premye a, Amaria, dezyèm nan, Jachaziel, twazyèm nan, Jekameam, katriyèm nan.
Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Jeria wokutanga, Amaria wechipiri, Jehazieri wechitatu naJekameami wechina.
24 Selon fis a Uziel yo: Michée; epi fis a Michée yo, Shamir.
Mwanakomana waUzieri aiva: Mika; kubva kuvanakomana vaMika: Shamiri.
25 Frè a Michée a, Jischija; nan fis a Jischija yo: Zacharie.
Mununʼuna waMika: Ishia; kubva kuvanakomana vaIshia: Zekaria.
26 Fis a Merari yo: Machli avèk Muschi; fis a Jaazija yo, Beno.
Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi. Mwanakomana waJaazia aiva: Bheno.
27 Fis a Merari yo: pa Jaazia, Beno, Schoham, Zaccur ak Ibri.
Vanakomana vaMerari vaiva: kubva kuna Jaazia: Bheno, Shoshami, Zakuri, naIbhiri.
28 Pa Mahli: Éléazar ki pa t gen fis.
Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana.
29 Pa Kis: nan fis a Kis yo, Jerachmeel.
Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri.
30 Fis a Muschi yo: Machli, Éder ak Jerimoth.
Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti. Ava ndivo vaiva vaRevhi maererano nemhuri dzavo.
31 Sila yo osi te voye kon tiraj osò tankou manm fanmi pa yo, fis a Aaron yo nan prezans a David, wa a, Tsadok avèk Achimélec, chèf lakay zansèt pa yo pami prèt ak Levit yo, chèf lakay papa pa yo jis jan sa ye pou nan pi piti frè li yo.
Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose.

< 1 Istwa 24 >