< Προς Γαλατας 5 >

1 Τῇ ἐλευθερίᾳ ἡμᾶς Χριστὸς ἠλευθέρωσεν. στήκετε οὖν καὶ μὴ πάλιν ζυγῷ δουλίας ἐνέχεσθε.
Naizvozvo mirai makasimba murusununguko Kristu rwaakatisunungura narwo, uye musasungwazve nejoko reuranda.
2 Ἴδε ἐγὼ Παῦλος λέγω ὑμῖν ὅτι ἐὰν περιτέμνησθε, Χριστὸς ὑμᾶς οὐδὲν ὠφελήσει.
Tarirai, ini Pauro ndinoti kwamuri, kuti kana muchidzingiswa, Kristu haakubatsirii chinhu.
3 μαρτύρομαι δὲ πάλιν παντὶ ἀνθρώπῳ περιτεμνομένῳ ὅτι ὀφειλέτης ἐστὶν ὅλον τὸν νόμον ποιῆσαι.
Uye ndinopupurirazve kumunhu wese anodzingiswa, kuti ane ngava rekuita murairo wese.
4 κατηργήθητε ἀπὸ Χριστοῦ οἵτινες ἐν νόμῳ δικαιοῦσθε, τῆς χάριτος ἐξεπέσατε.
Makasunungurwa kuna Kristu, imwi munonzi makarurama kumurairo; makawa panyasha.
5 ἡμεῖς γὰρ πνεύματι ἐκ πίστεως ἐλπίδα δικαιοσύνης ἀπεκδεχόμεθα.
Nokuti isu paMweya tinomirira nerutendo tariro yekururama.
6 ἐν γὰρ Χριστῷ Ἰησοῦ οὔτε περιτομή τι ἰσχύει οὔτε ἀκροβυστία, ἀλλὰ πίστις δι’ ἀγάπης ἐνεργουμένη.
Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa chero chinhu hazvina maturo; asi rutendo rwunobata nerudo.
7 Ἐτρέχετε καλῶς· τίς ὑμᾶς ἐνέκοψεν ἀληθείᾳ μὴ πείθεσθαι;
Manga muchimhanya zvakanaka; ndiani wakakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi?
8 ἡ πεισμονὴ οὐκ ἐκ τοῦ καλοῦντος ὑμᾶς.
Uku kukwezva hakubvi kune anokudanai.
9 μικρὰ ζύμη ὅλον τὸ φύραμα ζυμοῖ.
Mbiriso shoma inovirisa bundu rese.
10 ἐγὼ πέποιθα εἰς ὑμᾶς ἐν κυρίῳ ὅτι οὐδὲν ἄλλο φρονήσετε· ὁ δὲ ταράσσων ὑμᾶς βαστάσει τὸ κρίμα, ὅστις ἐὰν ᾖ.
Ini ndine chivimbo nemwi muna Ishe, kuti hamuchazorangariri chimwe chinhu; asi uyo anokutambudzai achatakura mutongo, angava ani.
11 ἐγὼ δέ, ἀδελφοί, εἰ περιτομὴν ἔτι κηρύσσω, τί ἔτι διώκομαι; ἄρα κατήργηται τὸ σκάνδαλον τοῦ σταυροῦ.
Asi ini, hama, kana ndichiri kuparidza dzingiso, ndichiri kushushirwei? Naizvozvo chigumbuso chemuchinjikwa chabviswa.
12 ὄφελον καὶ ἀποκόψονται οἱ ἀναστατοῦντες ὑμᾶς.
Ndingati avo vanokutambudzai vazvichekewo.
13 Ὑμεῖς γὰρ ἐπ’ ἐλευθερίᾳ ἐκλήθητε, ἀδελφοί· μόνον μὴ τὴν ἐλευθερίαν εἰς ἀφορμὴν τῇ σαρκί, ἀλλὰ διὰ τῆς ἀγάπης δουλεύετε ἀλλήλοις.
Nokuti imwi makadanirwa kurusununguko, hama; chete kwete kuti rusununguko rwuve mukana panyama, asi nerudo shandiranai.
14 ὁ γὰρ πᾶς νόμος ἐν ἑνὶ λόγῳ πεπλήρωται, ἐν τῷ ἀγαπήσεις τὸν πλησίον σου ὡς σεαυτόν.
Nokuti murairo wese unozadziswa pashoko rimwe, pane ichi: Ude wekwako sezvaunozvida iwe.
15 εἰ δὲ ἀλλήλους δάκνετε καὶ κατεσθίετε, βλέπετε μὴ ὑπ’ ἀλλήλων ἀναλωθῆτε.
Asi kana muchirumana nekudyana, chenjerai kuti murege kupedzwa umwe neumwe wenyu.
16 Λέγω δέ, πνεύματι περιπατεῖτε καὶ ἐπιθυμίαν σαρκὸς οὐ μὴ τελέσητε.
Zvino ndinoti: Fambai muMweya, zvino hamungatongozadzisi kuchiva kwenyama.
17 ἡ γὰρ σὰρξ ἐπιθυμεῖ κατὰ τοῦ πνεύματος, τὸ δὲ πνεῦμα κατὰ τῆς σαρκός· ταῦτα γὰρ ἀλλήλοις ἀντίκειται, ἵνα μὴ ἃ ἐὰν θέλητε ταῦτα ποιῆτε.
Nokuti nyama inochiva zvinopesana neMweya, neMweya zvinopesana nenyama; uye izvi zvinopesana; kuti musaita zvinhu zvamunoda.
18 εἰ δὲ πνεύματι ἄγεσθε, οὐκ ἐστὲ ὑπὸ νόμον.
Asi kana muchitungamirirwa neMweya, hamusi pasi pemurairo.
19 φανερὰ δέ ἐστιν τὰ ἔργα τῆς σαρκός, ἅτινά ἐστιν πορνεία, ἀκαθαρσία, ἀσέλγεια,
Zvino mabasa enyama ari pachena, ndiwo awa: Upombwe, ufeve, tsvina, unzenza,
20 εἰδωλολατρία, φαρμακεία, ἔχθραι, ἔρις, ζῆλος, θυμοί, ἐριθείαι, διχοστασίαι, αἱρέσεις,
kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, makakava, godo, kutsamwa, kupokana, kupatsanurana, kutsauka,
21 φθόνοι, μέθαι, κῶμοι, καὶ τὰ ὅμοια τούτοις, ἃ προλέγω ὑμῖν καθὼς προεῖπον ὅτι οἱ τὰ τοιαῦτα πράσσοντες βασιλείαν θεοῦ οὐ κληρονομήσουσιν.
shanje, umhondi, uraradzi, makaro, nezvakadai; zvandinogara ndakuudzai sezvandakagarawo ndareva, kuti vanoita zvakadai havazodyi nhaka yeushe hwaMwari.
22 ὁ δὲ καρπὸς τοῦ πνεύματός ἐστιν ἀγάπη, χαρά, εἰρήνη, μακροθυμία, χρηστότης, ἀγαθωσύνη, πίστις,
Asi chibereko cheMweya rudo, mufaro, rugare, moyo murefu, moyo munyoro, kunaka, rutendo,
23 πραΰτης, ἐγκράτεια· κατὰ τῶν τοιούτων οὐκ ἔστιν νόμος.
unyoro, kuzvidzora; hakuna murairo unopikisa zvakadai.
24 οἱ δὲ τοῦ Χριστοῦ Ἰησοῦ τὴν σάρκα ἐσταύρωσαν σὺν τοῖς παθήμασιν καὶ ταῖς ἐπιθυμίαις.
Asi avo vari vaKristu vakaroverera pamuchinjikwa nyama pamwe nehavi neruchiva.
25 εἰ ζῶμεν πνεύματι, πνεύματι καὶ στοιχῶμεν.
Kana tichirarama muMweya, ngatifambewo muMweya,
26 μὴ γινώμεθα κενόδοξοι, ἀλλήλους προκαλούμενοι, ἀλλήλοις φθονοῦντες.
tirege kuzvikudza kusina maturo, tichidenhana, tichiitirana shanje.

< Προς Γαλατας 5 >