< Προς Εφεσιους 6 >
1 Τὰ τέκνα, ὑπακούετε τοῖς γονεῦσιν ὑμῶν ἐν ˚Κυρίῳ, τοῦτο γάρ ἐστιν δίκαιον.
Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nokuti izvi zvakarurama.
2 “Τίμα τὸν πατέρα σου καὶ τὴν μητέρα” (ἥτις ἐστὶν ἐντολὴ πρώτη ἐν ἐπαγγελίᾳ),
Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso,
3 “ἵνα εὖ σοι γένηται, καὶ ἔσῃ μακροχρόνιος ἐπὶ τῆς γῆς.”
kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika.
4 Καὶ, οἱ πατέρες, μὴ παροργίζετε τὰ τέκνα ὑμῶν, ἀλλὰ ἐκτρέφετε αὐτὰ ἐν παιδείᾳ καὶ νουθεσίᾳ ˚Κυρίου.
Nemwi vana baba, musatsamwisa vana venyu, asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe.
5 Οἱ δοῦλοι, ὑπακούετε τοῖς κατὰ σάρκα κυρίοις μετὰ φόβου καὶ τρόμου, ἐν ἁπλότητι τῆς καρδίας ὑμῶν ὡς τῷ ˚Χριστῷ,
Varanda, teererai vatenzi venyu panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wenyu wakarurama sekuna Kristu;
6 μὴ κατʼ ὀφθαλμοδουλείαν ὡς ἀνθρωπάρεσκοι, ἀλλʼ ὡς δοῦλοι ˚Χριστοῦ, ποιοῦντες τὸ θέλημα τοῦ ˚Θεοῦ ἐκ ψυχῆς,
kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo;
7 μετʼ εὐνοίας δουλεύοντες ὡς τῷ ˚Κυρίῳ, καὶ οὐκ ἀνθρώποις,
muchishanda nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu;
8 εἰδότες ὅτι ἐάν ποιήσῃ ἕκαστος ἀγαθόν, τοῦτο κομίσεται παρὰ ˚Κυρίου, εἴτε δοῦλος εἴτε ἐλεύθερος.
muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka umwe neumwe chaanoita, achagamuchira ichochi kuna Ishe, kana muranda, kana wakasununguka.
9 Καὶ, οἱ κύριοι, τὰ αὐτὰ ποιεῖτε πρὸς αὐτούς, ἀνιέντες τὴν ἀπειλήν, εἰδότες ὅτι καὶ αὐτῶν καὶ ὑμῶν ὁ ˚Κύριός ἐστιν ἐν οὐρανοῖς, καὶ προσωπολημψία οὐκ ἔστιν παρʼ αὐτῷ.
Nemwi madzitenzi, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira; muchiziva kutiwo Tenzi wenyu pachenyu uri kumatenga; uye kwaari hakuna rusarura rwevanhu.
10 Τοῦ λοιποῦ, δυναμοῦσθε, ἐν ˚Κυρίῳ καὶ ἐν τῷ κράτει τῆς ἰσχύος αὐτοῦ.
Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemukugwinya kwesimba rake.
11 Ἐνδύσασθε τὴν πανοπλίαν τοῦ ˚Θεοῦ, πρὸς τὸ δύνασθαι ὑμᾶς στῆναι πρὸς τὰς μεθοδείας τοῦ διαβόλου.
Shongai zvombo zvese zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi;
12 Ὅτι οὐκ ἔστιν ἡμῖν ἡ πάλη πρὸς αἷμα καὶ σάρκα, ἀλλὰ πρὸς τὰς ἀρχάς, πρὸς τὰς ἐξουσίας, πρὸς τοὺς κοσμοκράτορας τοῦ σκότους τούτου, πρὸς τὰ πνευματικὰ τῆς πονηρίας ἐν τοῖς ἐπουρανίοις. (aiōn )
nokuti hatirwisani neropa nenyama, asi neutongi, nemasimba, nevatungamiriri verima renyika ino, nemweya yakaipa kunzvimbo dzekumatenga. (aiōn )
13 Διὰ τοῦτο, ἀναλάβετε τὴν πανοπλίαν τοῦ ˚Θεοῦ, ἵνα δυνηθῆτε ἀντιστῆναι ἐν τῇ ἡμέρᾳ τῇ πονηρᾷ, καὶ ἅπαντα κατεργασάμενοι, στῆναι.
Saka torai zvombo zvese zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvese, mumire.
14 Στῆτε οὖν, “περιζωσάμενοι τὴν ὀσφὺν ὑμῶν ἐν ἀληθείᾳ”, καὶ “ἐνδυσάμενοι τὸν θώρακα τῆς δικαιοσύνης”,
Naizvozvo mirai, zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama,
15 καὶ ὑποδησάμενοι τοὺς “πόδας ἐν ἑτοιμασίᾳ τοῦ εὐαγγελίου τῆς εἰρήνης”.
uye makasunga tsoka negadziriro yeevhangeri yerugare;
16 Ἐν πᾶσιν ἀναλαβόντες τὸν θυρεὸν τῆς πίστεως, ἐν ᾧ δυνήσεσθε πάντα τὰ βέλη τοῦ πονηροῦ πεπυρωμένα σβέσαι.
pamusoro pezvese matora nhoo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yese inopfuta yewakaipa.
17 Καὶ “τὴν περικεφαλαίαν τοῦ σωτηρίου” δέξασθε, καὶ τὴν μάχαιραν τοῦ ˚Πνεύματος, ὅ ἐστιν ῥῆμα ˚Θεοῦ,
Uye torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova shoko raMwari;
18 διὰ πάσης προσευχῆς καὶ δεήσεως, προσευχόμενοι ἐν παντὶ καιρῷ ἐν ˚Πνεύματι, καὶ εἰς αὐτὸ, ἀγρυπνοῦντες ἐν πάσῃ προσκαρτερήσει καὶ δεήσει περὶ πάντων τῶν ἁγίων,
muchinyengetera nguva dzese nemunyengetero wese nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nekutsungirira kwese nekukumbirira vatsvene vese,
19 καὶ ὑπὲρ ἐμοῦ, ἵνα μοι δοθῇ λόγος ἐν ἀνοίξει τοῦ στόματός μου, ἐν παρρησίᾳ γνωρίσαι τὸ μυστήριον τοῦ εὐαγγελίου,
nepamusoro pangu, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi kuti ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri,
20 ὑπὲρ οὗ πρεσβεύω ἐν ἁλύσει, ἵνα ἐν αὐτῷ παρρησιάσωμαι, ὡς δεῖ με λαλῆσαι.
yandiri nhume yayo mumaketani, kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.
21 Ἵνα δὲ εἰδῆτε καὶ ὑμεῖς τὰ κατʼ ἐμέ, τί πράσσω, πάντα γνωρίσει ὑμῖν Τυχικὸς, ὁ ἀγαπητὸς ἀδελφὸς καὶ πιστὸς διάκονος ἐν ˚Κυρίῳ,
Asi kuti imwiwo muzive zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikanwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, achakuzivisai zvinhu zvese;
22 ὃν ἔπεμψα πρὸς ὑμᾶς εἰς αὐτὸ τοῦτο, ἵνα γνῶτε τὰ περὶ ἡμῶν, καὶ παρακαλέσῃ τὰς καρδίας ὑμῶν.
wandakatuma kwamuri nechinangwa ichi, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu.
23 Εἰρήνη τοῖς ἀδελφοῖς καὶ ἀγάπη μετὰ πίστεως ἀπὸ ˚Θεοῦ Πατρὸς καὶ ˚Κυρίου ˚Ἰησοῦ ˚Χριστοῦ.
Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo rwunobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.
24 Ἡ χάρις μετὰ πάντων τῶν ἀγαπώντων τὸν ˚Κύριον ἡμῶν, ˚Ἰησοῦν ˚Χριστὸν, ἐν ἀφθαρσίᾳ.
Nyasha ngadzive nevese vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.