< Προς Θεσσαλονικεις Α΄ 4 >
1 Λοιπὸν ⸀οὖν ἀδελφοί, ἐρωτῶμεν ὑμᾶς καὶ παρακαλοῦμεν ἐν κυρίῳ Ἰησοῦ, ⸀ἵνακαθὼς παρελάβετε παρʼ ἡμῶν τὸ πῶς δεῖ ὑμᾶς περιπατεῖν καὶ ἀρέσκειν θεῷ, ⸂καθὼς καὶ περιπατεῖτε, ἵνα περισσεύητε μᾶλλον.
Zvino zvimwe, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, sezvamakagamuchira kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, kuti muwanze nekuwanzisisa pazviri.
2 οἴδατε γὰρ τίνας παραγγελίας ἐδώκαμεν ὑμῖν διὰ τοῦ κυρίου Ἰησοῦ.
Nokuti munoziva mirairo yakadini yatakakupai kubudikidza naIshe Jesu.
3 τοῦτο γάρ ἐστιν θέλημα τοῦ θεοῦ, ὁ ἁγιασμὸς ὑμῶν, ἀπέχεσθαι ὑμᾶς ἀπὸ τῆς πορνείας,
Nokuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti murege upombwe;
4 εἰδέναι ἕκαστον ὑμῶν τὸ ἑαυτοῦ σκεῦος κτᾶσθαι ἐν ἁγιασμῷ καὶ τιμῇ,
kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nemurukudzo,
5 μὴ ἐν πάθει ἐπιθυμίας καθάπερ καὶ τὰ ἔθνη τὰ μὴ εἰδότα τὸν θεόν,
kwete pakuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari;
6 τὸ μὴ ὑπερβαίνειν καὶ πλεονεκτεῖν ἐν τῷ πράγματι τὸν ἀδελφὸν αὐτοῦ, διότι ἔκδικος ⸀κύριοςπερὶ πάντων τούτων, καθὼς καὶ προείπαμεν ὑμῖν καὶ διεμαρτυράμεθα.
kusava neanopfuurikidza akanyengera hama yake pachiitiko; nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvese izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekupupura.
7 οὐ γὰρ ἐκάλεσεν ἡμᾶς ὁ θεὸς ἐπὶ ἀκαθαρσίᾳ ἀλλʼ ἐν ἁγιασμῷ.
Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene.
8 τοιγαροῦν ὁ ἀθετῶν οὐκ ἄνθρωπον ἀθετεῖ ἀλλὰ τὸν θεὸν τὸν ⸀καὶ⸀διδόντατὸ πνεῦμα αὐτοῦ τὸ ἅγιον εἰς ὑμᾶς.
Naizvozvo anozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari wakatipawo Mweya wake Mutsvene.
9 Περὶ δὲ τῆς φιλαδελφίας οὐ χρείαν ἔχετε γράφειν ὑμῖν, αὐτοὶ γὰρ ὑμεῖς θεοδίδακτοί ἐστε εἰς τὸ ἀγαπᾶν ἀλλήλους·
Zvino maererano nerudo rweukama hamutsvaki kuti ndikunyorerei, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane;
10 καὶ γὰρ ποιεῖτε αὐτὸ εἰς πάντας τοὺς ἀδελφοὺς τοὺς ἐν ὅλῃ τῇ Μακεδονίᾳ. παρακαλοῦμεν δὲ ὑμᾶς, ἀδελφοί, περισσεύειν μᾶλλον,
nokuti nemwi munozviita kuhama dzese dziri paMakedhonia yese; asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanzise zvikuru,
11 καὶ φιλοτιμεῖσθαι ἡσυχάζειν καὶ πράσσειν τὰ ἴδια καὶ ἐργάζεσθαι ⸀ταῖςχερσὶν ὑμῶν, καθὼς ὑμῖν παρηγγείλαμεν,
uye mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, nekushanda nemaoko enyu pachenyu, sezvatakakurairai;
12 ἵνα περιπατῆτε εὐσχημόνως πρὸς τοὺς ἔξω καὶ μηδενὸς χρείαν ἔχητε.
kuti mufambe zvinoremekedzwa kune vari kunze, uye musashaya chinhu.
13 Οὐ θέλομεν δὲ ὑμᾶς ἀγνοεῖν, ἀδελφοί, περὶ τῶν ⸀κοιμωμένων ἵνα μὴ λυπῆσθε καθὼς καὶ οἱ λοιποὶ οἱ μὴ ἔχοντες ἐλπίδα.
Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwewo vasina tariro.
14 εἰ γὰρ πιστεύομεν ὅτι Ἰησοῦς ἀπέθανεν καὶ ἀνέστη, οὕτως καὶ ὁ θεὸς τοὺς κοιμηθέντας διὰ τοῦ Ἰησοῦ ἄξει σὺν αὐτῷ.
Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa uye wakamuka, saizvozvowo vakarara kubudikidza naJesu, Mwari achavauisa pamwe naye.
15 τοῦτο γὰρ ὑμῖν λέγομεν ἐν λόγῳ κυρίου, ὅτι ἡμεῖς οἱ ζῶντες οἱ περιλειπόμενοι εἰς τὴν παρουσίαν τοῦ κυρίου οὐ μὴ φθάσωμεν τοὺς κοιμηθέντας·
Nokuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosiiwa kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara.
16 ὅτι αὐτὸς ὁ κύριος ἐν κελεύσματι, ἐν φωνῇ ἀρχαγγέλου καὶ ἐν σάλπιγγι θεοῦ, καταβήσεται ἀπʼ οὐρανοῦ, καὶ οἱ νεκροὶ ἐν Χριστῷ ἀναστήσονται πρῶτον,
Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
17 ἔπειτα ἡμεῖς οἱ ζῶντες οἱ περιλειπόμενοι ἅμα σὺν αὐτοῖς ἁρπαγησόμεθα ἐν νεφέλαις εἰς ἀπάντησιν τοῦ κυρίου εἰς ἀέρα· καὶ οὕτως πάντοτε σὺν κυρίῳ ἐσόμεθα.
kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi.
18 ὥστε παρακαλεῖτε ἀλλήλους ἐν τοῖς λόγοις τούτοις.
Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa.