< Πραξεις 16 >
1 Κατήντησεν δὲ καὶ εἰς Δέρβην καὶ εἰς Λύστραν. καὶ ἰδοὺ μαθητής τις ἦν ἐκεῖ ὀνόματι Τιμόθεος, υἱὸς γυναικὸς Ἰουδαίας πιστῆς πατρὸς δὲ Ἕλληνος,
Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki.
2 ὃς ἐμαρτυρεῖτο ὑπὸ τῶν ἐν Λύστροις καὶ Ἰκονίῳ ἀδελφῶν.
Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka.
3 τοῦτον ἠθέλησεν ὁ Παῦλος σὺν αὐτῷ ἐξελθεῖν, καὶ λαβὼν περιέτεμεν αὐτὸν διὰ τοὺς Ἰουδαίους τοὺς ὄντας ἐν τοῖς τόποις ἐκείνοις· ᾔδεισαν γὰρ ἅπαντες ὅτι Ἕλλην ὁ πατὴρ αὐτοῦ ὑπῆρχεν.
Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.
4 Ὡς δὲ διεπορεύοντο τὰς πόλεις, παρεδίδοσαν αὐτοῖς φυλάσσειν τὰ δόγματα τὰ κεκριμένα ὑπὸ τῶν ἀποστόλων καὶ πρεσβυτέρων τῶν ἐν Ἱεροσολύμοις.
Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere.
5 Αἱ μὲν οὖν ἐκκλησίαι ἐστερεοῦντο τῇ πίστει καὶ ἐπερίσσευον τῷ ἀριθμῷ καθ’ ἡμέραν.
Nokudaro kereke dzakasimbiswa mukutenda uye dzakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu.
6 Διῆλθον δὲ τὴν Φρυγίαν καὶ Γαλατικὴν χώραν, κωλυθέντες ὑπὸ τοῦ Ἁγίου Πνεύματος λαλῆσαι τὸν λόγον ἐν τῇ Ἀσίᾳ·
Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia.
7 ἐλθόντες δὲ κατὰ τὴν Μυσίαν ἐπείραζον εἰς τὴν Βιθυνίαν πορευθῆναι, καὶ οὐκ εἴασεν αὐτοὺς τὸ Πνεῦμα Ἰησοῦ·
Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.
8 παρελθόντες δὲ τὴν Μυσίαν κατέβησαν εἰς Τρῳάδα.
Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi.
9 καὶ ὅραμα διὰ νυκτὸς τῷ Παύλῳ ὤφθη, ἀνὴρ Μακεδών τις ἦν ἑστὼς καὶ παρακαλῶν αὐτὸν καὶ λέγων Διαβὰς εἰς Μακεδονίαν βοήθησον ἡμῖν.
Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.”
10 ὡς δὲ τὸ ὅραμα εἶδεν, εὐθέως ἐζητήσαμεν ἐξελθεῖν εἰς Μακεδονίαν, συμβιβάζοντες ὅτι προσκέκληται ἡμᾶς ὁ Θεὸς εὐαγγελίσασθαι αὐτούς.
Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.
11 Ἀναχθέντες δὲ ἀπὸ Τρῳάδος εὐθυδρομήσαμεν εἰς Σαμοθρᾴκην, τῇ δὲ ἐπιούσῃ εἰς Νέαν Πόλιν,
Tichibva paTroasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi.
12 κἀκεῖθεν εἰς Φιλίππους, ἥτις ἐστὶν πρώτη τῆς μερίδος Μακεδονίας πόλις, κολωνία. Ἦμεν δὲ ἐν ταύτῃ τῇ πόλει διατρίβοντες ἡμέρας τινάς.
Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo.
13 τῇ τε ἡμέρᾳ τῶν σαββάτων ἐξήλθομεν ἔξω τῆς πύλης παρὰ ποταμὸν οὗ ἐνομίζομεν προσευχὴν εἶναι, καὶ καθίσαντες ἐλαλοῦμεν ταῖς συνελθούσαις γυναιξίν.
Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengeterera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo.
14 καί τις γυνὴ ὀνόματι Λυδία, πορφυρόπωλις πόλεως Θυατείρων, σεβομένη τὸν Θεόν, ἤκουεν, ἧς ὁ Κύριος διήνοιξεν τὴν καρδίαν προσέχειν τοῖς λαλουμένοις ὑπὸ Παύλου.
Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.
15 ὡς δὲ ἐβαπτίσθη καὶ ὁ οἶκος αὐτῆς, παρεκάλεσεν λέγουσα Εἰ κεκρίκατέ με πιστὴν τῷ Κυρίῳ εἶναι, εἰσελθόντες εἰς τὸν οἶκόν μου μένετε· καὶ παρεβιάσατο ἡμᾶς.
Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda.
16 Ἐγένετο δὲ πορευομένων ἡμῶν εἰς τὴν προσευχὴν, παιδίσκην τινὰ ἔχουσαν πνεῦμα Πύθωνα ὑπαντῆσαι ἡμῖν, ἥτις ἐργασίαν πολλὴν παρεῖχεν τοῖς κυρίοις αὐτῆς μαντευομένη.
Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.
17 αὕτη κατακολουθοῦσα τῷ Παύλῳ καὶ ἡμῖν ἔκραζεν λέγουσα Οὗτοι οἱ ἄνθρωποι δοῦλοι τοῦ Θεοῦ τοῦ Ὑψίστου εἰσίν, οἵτινες καταγγέλλουσιν ὑμῖν ὁδὸν σωτηρίας.
Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.”
18 τοῦτο δὲ ἐποίει ἐπὶ πολλὰς ἡμέρας. διαπονηθεὶς δὲ Παῦλος καὶ ἐπιστρέψας τῷ πνεύματι εἶπεν Παραγγέλλω σοι ἐν ὀνόματι Ἰησοῦ Χριστοῦ ἐξελθεῖν ἀπ’ αὐτῆς· καὶ ἐξῆλθεν αὐτῇ τῇ ὥρᾳ.
Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.
19 Ἰδόντες δὲ οἱ κύριοι αὐτῆς ὅτι ἐξῆλθεν ἡ ἐλπὶς τῆς ἐργασίας αὐτῶν, ἐπιλαβόμενοι τὸν Παῦλον καὶ τὸν Σιλᾶν εἵλκυσαν εἰς τὴν ἀγορὰν ἐπὶ τοὺς ἄρχοντας,
Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo.
20 καὶ προσαγαγόντες αὐτοὺς τοῖς στρατηγοῖς εἶπαν Οὗτοι οἱ ἄνθρωποι ἐκταράσσουσιν ἡμῶν τὴν πόλιν, Ἰουδαῖοι ὑπάρχοντες,
Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bope muguta redu
21 καὶ καταγγέλλουσιν ἔθη ἃ οὐκ ἔξεστιν ἡμῖν παραδέχεσθαι οὐδὲ ποιεῖν Ῥωμαίοις οὖσιν.
vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.”
22 καὶ συνεπέστη ὁ ὄχλος κατ’ αὐτῶν, καὶ οἱ στρατηγοὶ περιρήξαντες αὐτῶν τὰ ἱμάτια ἐκέλευον ῥαβδίζειν,
Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.
23 πολλάς δὲ ἐπιθέντες αὐτοῖς πληγὰς ἔβαλον εἰς φυλακήν, παραγγείλαντες τῷ δεσμοφύλακι ἀσφαλῶς τηρεῖν αὐτούς·
Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo.
24 ὃς παραγγελίαν τοιαύτην λαβὼν ἔβαλεν αὐτοὺς εἰς τὴν ἐσωτέραν φυλακὴν καὶ τοὺς πόδας ἠσφαλίσατο αὐτῶν εἰς τὸ ξύλον.
Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.
25 Κατὰ δὲ τὸ μεσονύκτιον Παῦλος καὶ Σιλᾶς προσευχόμενοι ὕμνουν τὸν Θεόν, ἐπηκροῶντο δὲ αὐτῶν οἱ δέσμιοι·
Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.
26 ἄφνω δὲ σεισμὸς ἐγένετο μέγας, ὥστε σαλευθῆναι τὰ θεμέλια τοῦ δεσμωτηρίου· ἠνεῴχθησαν δὲ παραχρῆμα αἱ θύραι πᾶσαι, καὶ πάντων τὰ δεσμὰ ἀνέθη.
Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.
27 ἔξυπνος δὲ γενόμενος ὁ δεσμοφύλαξ καὶ ἰδὼν ἀνεῳγμένας τὰς θύρας τῆς φυλακῆς, σπασάμενος τὴν μάχαιραν ἤμελλεν ἑαυτὸν ἀναιρεῖν, νομίζων ἐκπεφευγέναι τοὺς δεσμίους.
Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.
28 ἐφώνησεν δὲ Παῦλος μεγάλῃ φωνῇ λέγων Μηδὲν πράξῃς σεαυτῷ κακόν, ἅπαντες γάρ ἐσμεν ἐνθάδε.
Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”
29 αἰτήσας δὲ φῶτα εἰσεπήδησεν καὶ ἔντρομος γενόμενος προσέπεσεν τῷ Παύλῳ καὶ Σιλᾷ,
Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera.
30 καὶ προαγαγὼν αὐτοὺς ἔξω ἔφη Κύριοι, τί με δεῖ ποιεῖν ἵνα σωθῶ;
Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”
31 οἱ δὲ εἶπαν Πίστευσον ἐπὶ τὸν Κύριον Ἰησοῦν, καὶ σωθήσῃ σὺ καὶ ὁ οἶκός σου.
Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”
32 καὶ ἐλάλησαν αὐτῷ τὸν λόγον τοῦ Θεοῦ σὺν πᾶσιν τοῖς ἐν τῇ οἰκίᾳ αὐτοῦ.
Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.
33 καὶ παραλαβὼν αὐτοὺς ἐν ἐκείνῃ τῇ ὥρᾳ τῆς νυκτὸς ἔλουσεν ἀπὸ τῶν πληγῶν, καὶ ἐβαπτίσθη αὐτὸς καὶ οἱ αὐτοῦ ἅπαντες παραχρῆμα,
Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.
34 ἀναγαγών τε αὐτοὺς εἰς τὸν οἶκον παρέθηκεν τράπεζαν, καὶ ἠγαλλιάσατο πανοικεὶ πεπιστευκὼς τῷ Θεῷ.
Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake.
35 Ἡμέρας δὲ γενομένης ἀπέστειλαν οἱ στρατηγοὶ τοὺς ῥαβδούχους λέγοντες Ἀπόλυσον τοὺς ἀνθρώπους ἐκείνους.
Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”
36 ἀπήγγειλεν δὲ ὁ δεσμοφύλαξ τοὺς λόγους τούτους πρὸς τὸν Παῦλον, ὅτι Ἀπέσταλκαν οἱ στρατηγοὶ ἵνα ἀπολυθῆτε. νῦν οὖν ἐξελθόντες πορεύεσθε ἐν εἰρήνῃ.
Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.”
37 ὁ δὲ Παῦλος ἔφη πρὸς αὐτούς Δείραντες ἡμᾶς δημοσίᾳ ἀκατακρίτους, ἀνθρώπους Ῥωμαίους ὑπάρχοντας, ἔβαλαν εἰς φυλακήν· καὶ νῦν λάθρᾳ ἡμᾶς ἐκβάλλουσιν; οὐ γάρ, ἀλλὰ ἐλθόντες αὐτοὶ ἡμᾶς ἐξαγαγέτωσαν.
Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”
38 ἀπήγγειλαν δὲ τοῖς στρατηγοῖς οἱ ῥαβδοῦχοι τὰ ῥήματα ταῦτα. ἐφοβήθησαν δὲ ἀκούσαντες ὅτι Ῥωμαῖοί εἰσιν,
Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo.
39 καὶ ἐλθόντες παρεκάλεσαν αὐτούς, καὶ ἐξαγαγόντες ἠρώτων ἀπελθεῖν ἀπὸ τῆς πόλεως.
Vakauya kuzovanyengetedza ndokuvabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta.
40 ἐξελθόντες δὲ ἀπὸ τῆς φυλακῆς εἰσῆλθον πρὸς τὴν Λυδίαν, καὶ ἰδόντες παρεκάλεσαν τοὺς ἀδελφοὺς καὶ ἐξῆλθαν.
Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.