< Προς Τιμοθεον Α΄ 2 >

1 Παρακαλῶ οὖν πρῶτον πάντων ποιεῖσθαι δεήσεις, προσευχάς, ἐντεύξεις, εὐχαριστίας, ὑπὲρ πάντων ἀνθρώπων,
Naizvozvo kutanga pazvese ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vese;
2 ὑπὲρ βασιλέων καὶ πάντων τῶν ἐν ὑπεροχῇ ὄντων, ἵνα ἤρεμον καὶ ἡσύχιον βίον διάγωμεν ἐν πάσῃ εὐσεβείᾳ καὶ σεμνότητι.
pamadzimambo nevese vari panzvimbo dzakakwirira kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kwese nerukudzo;
3 τοῦτο γὰρ καλὸν καὶ ἀπόδεκτον ἐνώπιον τοῦ σωτῆρος ἡμῶν Θεοῦ,
nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,
4 ὃς πάντας ἀνθρώπους θέλει σωθῆναι καὶ εἰς ἐπίγνωσιν ἀληθείας ἐλθεῖν.
uyo anoda kuti vanhu vese vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi.
5 εἷς γὰρ Θεός, εἷς καὶ μεσίτης Θεοῦ καὶ ἀνθρώπων, ἄνθρωπος Χριστὸς Ἰησοῦς,
Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
6 ὁ δοὺς ἑαυτὸν ἀντίλυτρον ὑπὲρ πάντων, τὸ μαρτύριον καιροῖς ἰδίοις,
wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevese, chive chapupu panguva dzakafanira,
7 εἰς ὃ ἐτέθην ἐγὼ κήρυξ καὶ ἀπόστολος, — ἀλήθειαν λέγω [ἐν Χριστῷ], οὐ ψεύδομαι, — διδάσκαλος ἐθνῶν ἐν πίστει καὶ ἀληθείᾳ.
icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.
8 Βούλομαι οὖν προσεύχεσθαι τοὺς ἄνδρας ἐν παντὶ τόπῳ, ἐπαίροντας ὁσίους χεῖρας χωρὶς ὀργῆς καὶ διαλογισμοῦ.
Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzese, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana.
9 ὡσαύτως καὶ τὰς γυναῖκας ἐν καταστολῇ κοσμίῳ, μετὰ αἰδοῦς καὶ σωφροσύνης κοσμεῖν ἑαυτάς, μὴ ἐν πλέγμασιν ἢ χρυσῷ ἢ μαργαρίταις ἢ ἱματισμῷ πολυτελεῖ,
Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera, kana nguvo dzinodhura,
10 ἀλλ᾽ ὃ πρέπει γυναιξὶν ἐπαγγελλομέναις θεοσέβειαν, δι᾽ ἔργων ἀγαθῶν.
asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka.
11 Γυνὴ ἐν ἡσυχίᾳ μανθανέτω ἐν πάσῃ ὑποταγῇ·
Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kwese.
12 γυναικὶ δὲ διδάσκειν οὐκ ἐπιτρέπω, οὐδὲ αὐθεντεῖν ἀνδρός, ἀλλ᾽ εἶναι ἐν ἡσυχίᾳ.
Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.
13 Ἀδὰμ γὰρ πρῶτος ἐπλάσθη, εἶτα Εὔα·
Nokuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha;
14 καὶ Ἀδὰμ οὐκ ἠπατήθη, ἡ δὲ γυνὴ ἀπατηθεῖσα ἐν παραβάσει γέγονε·
naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,
15 σωθήσεται δὲ διὰ τῆς τεκνογονίας, ἐὰν μείνωσιν ἐν πίστει καὶ ἀγάπῃ καὶ ἁγιασμῷ μετὰ σωφροσύνης.
asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora.

< Προς Τιμοθεον Α΄ 2 >