< Psalm 130 >
1 Ein Wallfahrtslied. Aus der Tiefe rufe ich, HERR, zu dir:
Rwiyo rworwendo. Ndinodanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika;
2 Herr, höre meine Stimme! Möchten deine Ohren aufmerksam sein auf die Stimme meines Flehens!
haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.
3 Wenn du Sünden behältst, HERR, wer kann bestehen?
Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira?
4 Aber bei dir ist die Vergebung, auf daß man dich fürchte.
Asi kwamuri kune kukanganwira; naizvozvo imi munotyiwa.
5 Ich harre des HERRN, meine Seele harrt, und ich hoffe auf sein Wort.
Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira, uye tariro yangu iri mushoko rake.
6 Meine Seele harrt des Herrn, mehr als die Wächter auf den Morgen, als die Wächter auf den Morgen.
Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani.
7 Israel, hoffe auf den HERRN! Denn bei dem HERRN ist die Gnade, und viel Erlösung ist bei ihm.
Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere.
8 Und er wird Israel erlösen von allen seinen Sünden.
Iye pachake achadzikinura Israeri kubva pazvivi zvavo zvose.