< 2 Korinther 9 >
1 Denn von der Dienstleistung für die Heiligen euch zu schreiben, halte ich für überflüssig;
Nokuti maererano nerubatsiro rwevatsvene, hazvina kufanira kwandiri kuti ndikunyorerei;
2 denn ich kenne ja eure Willigkeit, welche ich den Mazedoniern gegenüber von euch rühme, daß Achaja seit vorigem Jahre bereit gewesen sei; und euer Eifer hat viele angespornt.
nokuti ndinoziva kushingaira kwenyu, kwandinozvirumbidza nako pamusoro penyu kune veMakedhonia, kuti Akaya yakange yazvigadzirira kubvira gore rakapera; nekushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.
3 Ich habe aber die Brüder gesandt, damit unser Rühmen von euch in diesem Stücke nicht falsch befunden werde, damit ihr, wie ich gesagt hatte, bereit seiet;
Asi ndakatuma hama, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kusava pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, muve makagadzirira;
4 daß nicht etwa, wenn die Mazedonier mit mir kämen, wir (um nicht zu sagen: ihr) mit solch zuversichtlichem Rühmen zuschanden würden.
zvimwe pamwe, kana veMakedhonia vachiuya neni vakuwanei musina kuzvigadzirira, isu tinyadziswe (kuti tisati, imwi) pakuvimba uku kwekuzvikudza.
5 Darum habe ich es für nötig gehalten, die Brüder zu ermahnen, vorauszureisen zu euch, um diesen zum voraus angekündigten Segen zuzurüsten, damit er bereit sei, so daß es ein Segen sei und nicht wie ein Geiz.
Naizvozvo ndakaona zvakafanira kukurudzira hama, kuti vatange kuuya kwamuri, uye vatange kugadzira chipo chenyu chepachena chakataurwa nezvacho kare, kuti ichi chive chakagadzirirwa, saizvozvo sechipo chepachena asi kwete sekukara.
6 Das aber bedenket: Wer kärglich sät, der wird auch kärglich ernten; und wer im Segen sät, der wird auch im Segen ernten.
Asi izvi kuti: Anodzvara zvishoma, anokohwawo zvishoma; neanodzvara zvizhinji, achakohwawo zvizhinji.
7 Ein jeder, wie er es sich im Herzen vorgenommen hat; nicht mit Unwillen oder aus Zwang; denn einen fröhlichen Geber hat Gott lieb!
Umwe neumwe sezvinoda moyo; kwete nekurwadziwa, kana nekurovererwa; nokuti Mwari anoda anopa nemufaro.
8 Gott aber ist mächtig, euch jede Gnade im Überfluß zu spenden, so daß ihr in allem allezeit alle Genüge habet und überreich seiet zu jedem guten Werk,
Uye Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzese, kuti nguva dzese muve nekuringana kwese pazvese, muwanze pabasa rese rakanaka;
9 wie geschrieben steht: «Er hat ausgestreut, er hat den Armen gegeben; seine Gerechtigkeit bleibt in Ewigkeit.» (aiōn )
sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaparadzira, wakapa varombo; kururama kwake kunogara nekusingaperi. (aiōn )
10 Er aber, der dem Sämann Samen darreicht und Brot zur Speise, der wird [auch] euch die Saat darreichen und mehren und die Früchte eurer Gerechtigkeit wachsen lassen,
Zvino iye anopa mbeu kumudzvari, nekupa chingwa chekudya, ngaawanze mbeu dzenyu dzakadzvarwa, nekuwedzera zvibereko zvekururama kwenyu;
11 damit ihr an allem reich werdet zu aller Gebefreudigkeit, welche durch uns Dank gegen Gott bewirkt.
muchifumiswa pazvinhu zvese zvichibva pakupana kwese, zvinokonzera kubudikidza nesu kuvonga kuna Mwari.
12 Denn der Dienst dieser Hilfeleistung füllt nicht nur den Mangel der Heiligen aus, sondern überfließt auch durch den Dank vieler gegen Gott,
Nokuti basa rekushumira uku harizadzisi kushaiwa kwevatsvene chete, asi kunowanzisawo nekuvongwa kuzhinji kuna Mwari;
13 indem sie durch die Probe dieses Dienstes zum Preise Gottes veranlaßt werden für den Gehorsam eures Bekenntnisses zum Evangelium Christi und für die Schlichtheit der Beisteuer für sie und für alle;
nekuda kweuchapupu hweshumiro iyi vanorumbidza Mwari pamusoro pekuteerera kwekupupura kwenyu evhangeri yaKristu, nekukura kwekupa kwenyu kwavari nekune vese.
14 und in ihrem Flehen für euch werden sie eine herzliche Zuneigung zu euch haben wegen der überschwenglichen Gnade Gottes bei euch.
Uye nemunyengetero wavo pamusoro penyu, vachikushuvai nekuda kwenyasha hurusa dzaMwari pamusoro penyu.
15 Gott aber sei Dank für seine unaussprechliche Gabe!
Zvino Mwari ngaavongwe nekuda kwechipo chake chisingarondedzereki.