< Esra 2 >

1 Folgendes nun sind die Bewohner der Landschaft Juda, die aus der Gefangenschaft der in der Verbannung Lebenden, welche Nebukadnezar, der König von Babylon, (einst) nach Babylon weggeführt hatte, hinaufgezogen sind und (nun) nach Jerusalem und Juda zurückkehrten, ein jeder in seine Ortschaft.
Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake,
2 Sie sind dorthin gekommen zusammen mit Serubbabel, Jesua, Nehemia, Seraja, Reelaja, Mordochai, Bilsan, Mispar, Bigwai, Rehum und Baana. Die Zahl der Männer des Volkes Israel betrug:
vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Seraya, Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Misipari, Bhigivhai, Rehumi naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri:
3 die Familie Parhos 2172;
zvizvarwa zvaParoshi zvaiva zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri;
4 die Familie Sephatja 372;
zvaShefatia zvaiva mazana matatu namakumi manomwe navaviri;
5 die Familie Arah 775;
zvaAra zvaiva mazana manomwe namakumi manomwe navashanu;
6 die Familie Pahath-Moab, nämlich die Familien Jesua und Joab, 2812;
zvaPahati-Moabhu (vorudzi rwaJeshua naJoabhu) zvaiva zviuru zviviri namazana masere negumi navaviri;
7 die Familie Elam 1254;
zvaEramu zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
8 die Familie Satthu 945;
zvaZatu zvaiva mazana mapfumbamwe namakumi mana navashanu;
9 die Familie Sakkai 760;
zvaZakai zvaiva mazana manomwe namakumi matanhatu;
10 die Familie Bani 642;
zvaBhani zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri;
11 die Familie Bebai 623;
zvaBhebhai zvaiva mazana matanhatu namakumi maviri navatatu;
12 die Familie Asgad 1222;
zvaAzigadhi zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi maviri navaviri;
13 die Familie Adonikam 666;
zvaAdhonikami zvaiva mazana matanhatu namakumi matanhatu navatanhatu;
14 die Familie Bigwai 2056;
zvaBhigivhai zvaiva zviuru zviviri namakumi mashanu navatanhatu;
15 die Familie Adin 454;
zvaAdhini zvaiva mazana mana namakumi mashanu navana;
16 die Familie Ater, nämlich der Zweig Hiskia, 98;
zvaAteri (vorudzi rwaHezekia) zvaiva makumi mapfumbamwe navasere;
17 die Familie Bezai 323;
zvaBhezai zvaiva mazana matatu namakumi maviri navatatu;
18 die Familie Jora 112;
zvaJora zvaiva zana negumi navaviri;
19 die Familie Hasum 223;
zvaHashumi zvaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
20 die Leute von Gibeon 95;
zvaGibhari zvaiva makumi mapfumbamwe navashanu;
21 die Leute von Bethlehem 123;
varume veBheterehema vaiva zana namakumi maviri navashanu;
22 die Männer von Netopha 56;
veNetofa vaiva makumi mashanu navatanhatu;
23 die Männer von Anathoth 128;
veAnatoti vaiva zana namakumi maviri navasere;
24 die Leute von Asmaweth 42;
veAzimavheti vaiva makumi mana navaviri;
25 die Leute von Kirjath-Arim, Kephira und Beeroth 743;
veKiriati Jearimi, Kefira, neBheroti vaiva mazana manomwe namakumi mana navatatu;
26 die Leute von Rama und Geba 621;
veRama neGebha vaiva mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete;
27 die Männer von Michmas 122;
veMikimashi vaiva zana namakumi maviri navaviri;
28 die Männer von Bethel und Ai 223;
veBheteri neAi vaiva mazana maviri namakumi maviri navatatu;
29 die Familie Nebo 52;
veNebho vaiva makumi mashanu navaviri;
30 die Familie Magbis 156;
veMagibhishi vaiva zana namakumi mashanu navatanhatu;
31 die Familie des andern Elam 1254;
veEramu yechipiri vaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mashanu navana;
32 die Familie Harim 320;
veHarimi vaiva mazana matatu namakumi maviri;
33 die Leute von Lod, Hadid und Ono 725;
veRodhi neHadhidhi neOno vaiva mazana manomwe namakumi maviri navashanu;
34 die Leute von Jericho 345;
veJeriko vaiva mazana matatu namakumi mana navashanu;
35 die Familie Senaa 3630.
veSena, vaiva zviuru zvitatu namazana matanhatu namakumi matatu.
36 Die Priester: die Familie Jedaja, nämlich das Haus Jesua 973;
Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (veimba yaJeshua) vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu;
37 die Familie Immer 1052;
zvaImari zvaiva chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri;
38 die Familie Pashur 1247;
zvaPashuri zvaiva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe;
39 die Familie Harim 1017.
zvaHarimu zvaiva chiuru chimwe chete negumi navanomwe.
40 Die Leviten: die Familien Jesua und Kadmiel, Binnui und Hodawja 74; –
VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua navaKadhimieri (vorudzi rwaHodhavhia) zvaiva makumi manomwe navana.
41 die Sänger: die Familie Asaph 128; –
Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi zvaiva zana namakumi maviri navasere.
42 die Familien der Torhüter: die Familien Sallum, Ater, Talmon, Akkub, Hatita und Sobai, im ganzen 139.
Varindi vapasuo reTemberi: zvizvarwa zvaSharumi, zvaAteri zvaTarimoni zvaAkubhi, nezvaHatita nezvaShobhai zvaiva zana namakumi matatu navapfumbamwe.
43 Die Tempelhörigen: die Familie Ziha, die Familie Hasupha, die Familie Tabbaoth,
Vashandi vomutemberi:
44 die Familie Keros, die Familie Siaha, die Familie Padon,
zvizvarwa zvaZiha, zvaHasupa, zvaTabhaoti, zvaKerosi, zvaSiaha, zvaPadhoni,
45 die Familie Lebana, die Familie Hagaba, die Familie Akkub,
zvaRebhana, zvaHagabha, zvaAkubhi,
46 die Familie Hagab, die Familie Salmai, die Familie Hanan,
zvaHagabhi, zvaSharimai, zvaHanani,
47 die Familie Giddel, die Familie Gahar, die Familie Reaja,
zvaGidheri, zvaGahari, zvaReaya,
48 die Familie Rezin, die Familie Nekoda, die Familie Gassam,
zvaRezini, zvaNekodha, zvaGazami,
49 die Familie Ussa, die Familie Paseah, die Familie Besai,
zvaUza, zvaPasea, zvaBhesai,
50 die Familie Asna, die Familie der Mehuniter, die Familie der Nephisiter,
zvaAsina, zvaMeumini, zvaNefusimi,
51 die Familie Bakbuk, die Familie Hakupha, die Familie Harhur,
zvaBhakubhiki, zvaHakufa, zvaHarihuri,
52 die Familie Bazluth, die Familie Mehida, die Familie Harsa,
zvaBhaziruti, zvaMehidha, zvaHarisha,
53 die Familie Barkos, die Familie Sisera, die Familie Themah,
zvaBharikosi, zvaSisera, zvaTema,
54 die Familie Neziah, die Familie Hatipha.
zvaNezia uye nezvaHatifa.
55 Die Söhne der Sklaven Salomos: die Familie Sotai, die Familie Sophereth, die Familie Peruda,
Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zvaSotai, zvaHasofereti zvaPerudha,
56 die Familie Jaala, die Familie Darkon, die Familie Giddel,
zvaJaara, zvaDharikoni, zvaGidheri,
57 die Familie Sephatja, die Familie Hattil, die Familie Pochereth-Hazzebaim, die Familie Ami.
zvaShefatia, zvaHatiri, zvaPokereti-Hazebhaimi uye nezvaAmi.
58 Die Gesamtzahl der Tempelhörigen und der Nachkommen der Sklaven Salomos betrug 392.
Varanda vaishanda mutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri.
59 Und dies sind die, welche aus Thel-Melah, Thel-Harsa, Cherub-Addan und Immer mit hinaufzogen, aber ihre Familie und ihre Herkunft nicht nachweisen konnten, ob sie nämlich aus Israel stammten:
Ava ndivo vakauya vachibva kumaguta eTeri Mera, Teri Harisha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza dzimba dzamadzibaba avo kwavakanga vakaberekerwa muIsraeri:
60 die Familie Delaja, die Familie Tobija, die Familie Nekoda, 652. –
Zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri.
61 Sodann von den Priesterfamilien: die Familie Habaja, die Familie Hakkoz, die Familie jenes Barsillais, der eine Frau von den Töchtern des Gileaditen Barsillai geheiratet und deren Namen angenommen hatte.
Uye kubva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, zvaHakozi uye nezvizvarwa zvaBhazirai (murume akanga awana mwanasikana waBhazirai muGireadhi uye akazotumidzwa zita iroro).
62 Diese hatten zwar nach ihrer Geschlechtsurkunde gesucht, aber diese hatte sich nicht finden lassen; infolgedessen wurden sie als unrein vom Priestertum ausgeschlossen,
Ava vakatsvaka nhoroondo yamazita emhuri yavo, asi havana kuiwana, nokudaro vakanzi vakasvibiswa vakabviswa pauprista.
63 und der Statthalter hatte ihnen erklärt, daß sie von dem Hochheiligen nicht essen dürften, bis wieder ein Priester für die Befragung des Urim- und Thummimorakels da wäre.
Mubati akavaudza kuti varege kudya chipi zvacho chezvokudya zvitsvene kwazvo kusvikira kwazova nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi.
64 Die ganze Gemeinde insgesamt belief sich auf 42360 Seelen,
Ungano yose pamwe chete yaisvika zviuru makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu,
65 ungerechnet ihre Sklaven und Sklavinnen, deren 7337 da waren. Dazu kamen noch 200 Sänger und Sängerinnen. –
tisingasanganisiri varanda vavo navarandakadzi vavo vakanga vari zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe: uye vakanga vane varume navakadzi mazana maviri vakanga vari vaimbi.
66 Die Zahl ihrer Pferde betrug 736, ihrer Maultiere 245,
Vakanga vane mabhiza mazana manomwe namakumi matatu namatanhatu, manyurusi mazana maviri namakumi mana namashanu,
67 ihrer Kamele 435, der Esel 6720.
ngamera mazana mana namakumi matatu namashanu uye nembongoro zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri.
68 Als sie dann beim Tempel des HERRN in Jerusalem angekommen waren, spendeten einige von den Familienhäuptern freiwillige Gaben für das Haus Gottes, damit man es an seiner früheren Stätte wieder aufrichten könne.
Pavakasvika paimba yaJehovha muJerusarema, vamwe vakuru vedzimba vakasarudza kupa nokuzvisarudzira kuti imba yaJehovha ivakwezve panzvimbo yayo.
69 Nach ihrem Vermögen gaben sie für den Bauschatz: an Gold 61000 Dariken, an Silber 5000 Minen und 100 Priestergewänder.
Maererano napavaigona napo vakapa kuhomwe yemari yebasa iri, madhirakema zviuru makumi matanhatu nechimwe egoridhe, nemamina zviuru zvishanu esirivha uye nenguo dzavaprista zana.
70 Und es siedelten sich die Priester und die Leviten sowie ein Teil des Volkes in Jerusalem und dessen Gebieten an, die Sänger dagegen und die Torhüter und die Tempelhörigen in ihren Ortschaften, und alle übrigen Israeliten in ihren Ortschaften.
Vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vemikova uye navashandi vomutemberi vakagara mumaguta avo, pamwe chete navamwe vavanhu, uye vamwe vaIsraeri vose vakagara mumaguta avowo.

< Esra 2 >