< Job 17 >

1 Mein Odem ist schwach, und meine Tage sind abgekürzt, das Grab ist da.
Mweya wangu waputsika, mazuva angu aitwa mashoma, guva rakandimirira.
2 Niemand ist von mir getäuschet, noch muß mein Auge darum bleiben in Betrübnis.
Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza; meso angu anofanira kuramba akatarisa ruvengo rwavo.
3 Ob du gleich einen Bürgen für mich wolltest, wer will für mich geloben?
“Ndipei, imi Mwari, chitsidzo chamunoda. Ndianiko achandiisira rubatso?
4 Du hast ihrem Herzen den Verstand verborgen, darum wirst du sie nicht erhöhen.
Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa; naizvozvo hamungavatenderi kukunda.
5 Er rühmet wohl seinen Freunden die Ausbeute; aber seiner Kinder Augen werden verschmachten.
Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achapofumara.
6 Er hat mich zum Sprichwort unter den Leuten gesetzt, und muß ein Wunder unter ihnen sein.
“Mwari akandiita shumo kuvanhu vose, munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu.
7 Meine Gestalt ist dunkel worden vor Trauern, und alle meine Glieder sind wie ein Schatten.
Meso angu aneta nokuchema; muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo.
8 Darüber werden die Gerechten übel sehen, und die Unschuldigen werden sich setzen wider die Heuchler.
Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo; vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari.
9 Der Gerechte wird seinen Weg behalten, und der von reinen Händen wird stark bleiben.
Kunyange zvakadaro, vakarurama vachabatirira panzira dzavo, uye vana maoko akachena vachanyanya kusimba.
10 Wohlan, so kehret euch alle her und kommt; ich werde doch keinen Weisen unter euch finden.
“Asi uyai, imi mose, edzaizve! Handingawani murume ane uchenjeri pakati penyu.
11 Meine Tage sind vergangen, meine Anschläge sind zertrennet, die mein Herz besessen haben,
Mazuva angu apfuura, urongwa hwangu hwaparadzwa, saizvozvowo zvishuvo zvomwoyo wangu.
12 und haben aus der Nacht Tag gemacht und aus dem Tage Nacht.
Vanhu ava vanoshandura usiku kuti huve masikati; mukati merima ivo vanoti, ‘Chiedza chiri pedyo.’
13 Wenn ich gleich lange harre, so ist doch die Hölle mein Haus, und in Finsternis ist mein Bett gemacht. (Sheol h7585)
Kana musha wandinotarisira uri guva chete, kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima, (Sheol h7585)
14 Die Verwesung heiße ich meinen Vater und die Würmer meine Mutter und meine Schwester.
kana ndikati kuuori, ‘Ndiwe baba vangu,’ nokuhonye ndikati, ‘Ndiwe mai vangu’ kana ‘Hanzvadzi yangu,’
15 Was soll ich harren? und wer achtet mein Hoffen?
ko, tariro yangu iripi zvino? Ndianiko angaona tariro yangu?
16 Hinunter in die Hölle wird es fahren und wird mit mir im Staube liegen. (Sheol h7585)
Ichaburukira kumasuo orufu here? Tichaburukira muguruva pamwe chete here?” (Sheol h7585)

< Job 17 >