< Psalm 120 >
1 Ein Stufenlied. - In meiner Drangsal rufe ich zum Herrn. Er hört auf mich.
Rwiyo rworwendo. Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura.
2 Herr! Rette mich von Lügenlippen, von trügerischer Zunge!
Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera.
3 Wie liefert Dir die trügerische Zunge fort und fort
Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera?
4 geschärfte Pfeile eines Helden samt Ginsterkohlen!
Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara.
5 Weh mir, daß ich bei Mesech gaste, bei Kedars Zelten weile!
Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari!
6 Zu lange schon weilt meine Seele bei Friedensfeinden.
Ndakagara nguva refu pakati pavanovenga rugare.
7 Ich bin so friedsam. Doch, wenn ich's auch noch so sehr beteure, sie wollen Kampf.
Ndiri munhu worugare; asi pandinotaura, ivo ndevehondo.