< Psalm 1 >

1 Heil sei dem Mann, der nach der Frevler Rat nicht wandelt, nicht auf dem Weg der Sünder bleibt, nicht in der Spötter Runde weilt,
Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi.
2 den nur des Herren Lehre freut, der seine Lehre Tag und Nacht betrachtet!
Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
3 Er grünet wie der Baum, verpflanzt an Wasserbäche, der Früchte trägt zur rechten Zeit, und dessen Laub nicht welkt. Und was er tut, gerät ihm gut.
Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.
4 Nicht so die Frevler! Sie sind wie Spreu, die jeder Wind verweht.
Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.
5 Drum halten Frevler nicht in dem Gerichte stand; die Sünder sind nicht bei der Frommen Sammlung.
Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama.
6 Der Frommen Weg: des Herren Sorge; der Frevler Weg: der Untergang.
Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

< Psalm 1 >