< Luqaassa 3 >
1 Xiibaros geetettiza qeesarey kawottida tammanne ichachchantho laythan Phanxoossa Philaxosa gizays Yuda biitta haariza wode, Herdossay Galila biitta haariza wode, iza ishay piliphoossay, Ixuriyasanne Xirakkondose biitta haariza wode, Lisannyossay Sabilane biitta haariza wode,
Mugore regumi nemashanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, mununʼuna wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini,
2 Haanaynne Qayafay waana qeeseta gidida wode Xoossa qaalay baazo biittan diza Zakarassa na Yanisakko yides.
panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga.
3 Yaanisay Yordanose shoore achchan diza dereta wurson “inte nagara atto gaanas nagarappe simmidi xamaqqetite” gidi yoottides.
Akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti vanhu varegererwe zvivi.
4 Hessika qasse nabe Isayaasay bazon hizgidi wassiza asa koshinch “Godas oge giigissite baassidikka lo7ethite.
Sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muprofita zvichinzi: “Inzwi rounodana murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
5 Shoobba biittay wuri kumana guutha zumayne gita zumay wuri ziq gaana geella ogey sitta moorettida ogey lo7o gidana.
Mipata yose ichafushirwa, makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa. Migwagwa yakakombama ichatwasanudzwa, pasakaenzana pachaenzaniswa.
6 Asa zerethi wuri ashshizza Xoossa woliqqa beyana giidi bazon wassiza asa qaala giireth” giidi ba maxaafan xaafida mala.
Uye marudzi ose avanhu achaona ruponeso rwaMwari.’”
7 Yanisaykka iza kushen xamaqqistana yiza asas “inteno ha shoosha nayto yaana diza Xoossa hanqqofe haakkana mala ooni intena zoridee?
Johani akati kuvanhu vazhinji vaiuya kuzobhabhatidzwa naye, “Imi vana venyoka! Ndianiko akuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
8 Inte naggara oothoppe simmidayssa erisiza ootho oothite (Abramey nu aaway nuus dees) gusi aggitte gides. Xoossi bees giikko ha shuchchatappe Abrames na oothi denthaanas dandda7izayssa erite”
Chiberekai zvibereko zvinoenderana nokutendeuka. Uye musatanga kuti mumwoyo menyu, ‘Abhurahama ndiye baba vedu.’ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anogona kumutsira Abhurahama vana pamabwe aya.
9 Beyxxey mith qanxanas miththa xaphon dees. Lo7o ayfe ayfontta iita mithi wuri qanxettidi taman yegistana.
Demo ratoiswa pamidzi yemiti, uye muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.”
10 Asaykka “histtini ay oothooni” giidi oychchides.
Vanhu vazhinji vakati, “Zvino toita seiko?”
11 Yanisaykka asas “nam77u mayoy diza issi mayoy bayndda asas imo qassekka qumay dizaykka shaakkidi immo” gides.
Johani akapindura akati, “Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye ane zvokudya ngaaitewo saizvozvo.”
12 Qaraxa shiishizayttikka xamaqqistanaas yiidi “tamarisizayso nu ay oothino?” gida.
Vateresi vakauyawo kuzobhabhatidzwa. Vakamubvunza vakati, “Mudzidzisi, toita seiko?”
13 Izikka “inte azazettidayssafe bollara qaraxa shiishoppite” gides.
Akati kwavari, “Musatora mari inopfuura mwero wamunofanira kutora.”
14 Wotadarattikka “nuni qasse ay oothino” giidi oychchida. izikka “oona miishshakka gidin dafi ekkofite qassekka oonane wordon mootopite inte damozay intes giddana” gides.
Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.”
15 Asay Yanisa beyidi haysi kirstossa? giidi ba wozinan sidhides.
Vanhu vakanga vakamirira vakatarisira, uye vose vakanga vachikahadzika mumwoyo mavo kuti zvimwe Johani akanga ari iye Kristu.
16 Yanisaykka wursos “tani intena haathan xamaqays gido attin ta iza caamma birshaanas besoontta tappe aadhdhizaddey yaana. izi intena Xillo Ayaananne taman xamaqqana.
Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura zvokuti ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
17 Kath suragiza layiday iza kushen dees. Balezza kumetha geeshshanna gistteza qasse di7en qollana gafezakka to7onta taman xuugana” gides.
Rusero rwake rwuri muruoko rwake kuti apepete paburiro rake uye agounganidza gorosi mudura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwi.”
18 Yanissay asa hara dumma dumma zore qaalara minnithethi zorishe mishrachcho qaala yoottides.
Uye namamwe mashoko mazhinji, Johani akakurudzira vanhu akaparidza vhangeri kwavari.
19 Gido attin Galila biitta haariza Herdoosay ba isha machcho Herooddiyaado ekkida gishine hara daro iita oothida gish Yanisay iza hanqqida gish
Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womununʼuna wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita,
20 kase mooro bolla hara gujjidi Herdossay Yaanisa woyne keeththan yegides.
Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo.
21 Asay xamaqqettidappe guyyen Yesussaykka xamaqqetides, izi woosishin saloy doyettides.
Vanhu vose vakati vachiri kubhabhatidzwa, Jesu akabhabhatidzwawo. Uye akati achinyengetera, denga rakazaruka,
22 Xillo Ayyaanaykka wole milattida iza bolla wodhides. “saloppe ta dosiza nay nena nenan tani ufa7istays” giza qaalay yides.
Mweya Mutsvene akauya pamusoro pake nomufananidzo wenjiva. Uye inzwi rakabva kudenga richiti, “Ndiwe mwanakomana wangu, wandinoda; ndiwe wandinofarira kwazvo.”
23 Yesussay Xoossa ootho oykkishn laythay izas heezu tamu laytha mala gidana. Asaykka izi Yosefo na, Eelle na,
Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Sokuonekwa kwazvo, akanga ari mwanakomana, mwanakomana waHeri,
24 Maati na, Lewe na, Milki na, Yuda na, Yosefo na,
mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMereki, mwanakomana waJani, mwanakomana waJosefa,
25 Matattiyu na, Amoxxe na, Nahome na, Isilime na, Naage na,
mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahumi, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai,
26 Maate na, Matatiyo na, Semeye na, Yosefo na, Yuda na,
mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha,
27 Yoonane na, Reese na, zerubbaabeele na, Selatiyale na, Nere na,
mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, mwanakomana waNeri,
28 Milki na, hadi na, Yosa na, Qoosame na, Elimodamme na,
mwanakomana waMereki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhami, mwanakomana waEri,
29 Yose na, Elazare na, Yorame na, Maaxate na, Eelle na,
mwanakomana waJoshua, mwanakomana waEriezeri, mwanakomana waJerimi, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi,
30 Simoona na, Yuda na, Yosefo na, Yooname na, Eliyaqqeeme na,
mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonami, mwanakomana waEriakimi,
31 Meliya na, Maaxate na, Naatane na, Daawute na,
mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhidhi,
32 Iseeye na, Iyobede na, Bo7eeze na, Selimoona na, Ne7asoone na,
mwanakomana waJese, mwanakomana waObhedhi, mwanakomana waBhoazi, mwanakomana waSarimoni, mwanakomana waNahashoni,
33 Amnaddabe na, Aarame na, Aaronne na, Esrome na, Faareesse na, Yuda na,
mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waRami, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPerezi, mwanakomana waJudha,
34 Yaqoobe na, Yisaqqa na, Abrame na, tara na, Nakore na,
mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahama, mwanakomana waTera, mwanakomana waNahori,
35 Seerohe na, Raggawe na, Faaleeqqe na, Aabere na, Saala na,
mwanakomana waSerugi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbha, mwanakomana waShera,
36 Qayneme na, Aarfakkisidde na, Seeme na, Nohe na, Lamehe na,
mwanakomana waKainani, mwanakomana waArifasadhi, mwanakomana waShamu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki,
37 Matosala na, Henokke na, Yarede na, Malali7eele na, Qaynane na,
mwanakomana waMetusera, mwanakomana waEnoki, mwanakomana waJaredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKenani,
38 Henosse na Seete na Addamme na, Xoossa na, milatides.
mwanakomana waEnoshi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari.