< 2 Yanisa 1 >
1 Tape ciimazappe; tumappe ta dosiza doretida godateysinne izi naytas, tana xala gidonta tumu erizayti wuri dosizaris, kitetida kita;
Mukuru kuna amai vakasanangurwa nekuvana vavo, ini vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndega, asiwo vese vakaziva chokwadi,
2 Gasoykka haysi tummay ha7ikka nu giddon dizaysanne sinthafekka medhinas danaysakko. (aiōn )
nekuda kwechokwadi chinogara matiri, uye chichava nesu nekusingaperi. (aiōn )
3 Xoossa awappenne iza na Yesuss Kirstosappe Kiyatethi, marotethiine saroy tumanine siqqon nunara giido.
Ngazvive nemwi nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba, nekuna Ishe Jesu Kristu Mwanakomana waBaba, muchokwadi nerudo.
4 Ne naytape bagati aawape nus imetida azazoza mala tuman miini dizayta ta beyida gish daro ufa7istadis.
Ndinofara zvikuru kuti ndakawana kubva pavana vako vanofamba muchokwadi, sezvatakagamuchira murairo kuna Baba.
5 Ha7ikka Godateye, kassepeka dizaro attiin ta nes hara ooratha azazo xafikke; hesiikka nu nu garsan siqistanaysakko.
Ikozvinowo ndinokukumbirisai, amai, kwete sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakange tinawo kubva pakutanga, kuti tidanane.
6 He siqoykka nu iza azazoza mala danaysako. Azazozikka inte koyro siyda mala siqqon deyana malako.
Zvino urwu ndirwo rudo, kuti tifambe zvinoenderana nemirairo yake. Uyu ndiwo murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
7 Yesus Kirstossay asa asho maydi yibeyna giza amanonta daro balethizayti alame bolla laletida. Heyta malay ay assikka as ballethizadene Kirstosara eqetizadeko.
Nokuti vanyepedzeri vazhinji vakapinda munyika, vasingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama. Uyu ndiye munyepedzeri nemupikisi waKristu.
8 Inte gidikko inte dabura wagape mella atontamalanne kumetha woyytto ekana mala inte hu7es nagetite.
Zvichenjererei pachenyu, kuti tirege kurasikirwa nezvinhu zvatakabatira, asi tigamuchire mubairo wakakwana.
9 Kirstossa timrte mala donta urayinne iza tmirteppe baletidi kare keziza ura oonanikka Xoossi deena. Kirstosa timrten dizadey gidiko izas aawayne aawa nay deetes.
Ani nani anodarika uye asingagari mudzidziso yaKristu, haana Mwari; asi uyo anogara mudzidziso yaKristu, uyu ana Babawo uye Mwanakomana.
10 Oonikka intekko yishe hessa he timrteza ekii yonta ura mokkii ekofiitene saro gopiite.
Kana umwe achiuya kwamuri, asingauyi nedzidziso iyi, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari: Kwaziwai;
11 Moki ekiddii ba so gelthizadey he ura oothon izara isino gidees.
nokuti anoti kwaari: Kwaziwai, anodyidzana nemabasa ake akaipa.
12 Ta intes xafanas koyza daro miish des shin waraqataninne qalamen xafana mala koyke. Gidiikokka nu ufaysay kumeth gidana mala ta inteko bada inte sinthan intenara hasa7anas ufays oothays.
Kunyange ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora kwamuri, handina kuda kukunyorerai pabepa neingi; asi ndinotarisira kuuya kwamuri, uye kutaura muromo nemuromo, kuti mufaro wenyu uve wakazara.
13 Doretidari naytii ne miicheyi nayti nena saro geetes.
Vana vemunin'ina wenyu wakasanangurwa vanokukwazisai. Ameni.