< Luc 20 >

1 Or il arriva qu’un de ces jours-là, comme il enseignait le peuple dans le temple, et qu’il annonçait l’Evangile, les princes des prêtres et les scribes y vinrent avec les anciens,
Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari.
2 Et lui adressèrent la parole en disant: Dis-nous par quelle autorité tu fais ces choses? ou: Qui est celui qui t’a donné ce pouvoir?
Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?”
3 Et Jésus répondant, leur dit: Je vous interrogerai, moi aussi, mais sur une seule chose. Répondez-moi.
Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei,
4 Le baptême de Jean était-il du ciel ou des hommes?
‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’”
5 Mais ils pensaient en eux-mêmes, disant: Si nous répondons: Du ciel, il dira: Pourquoi donc n’y avez-vous point cru?
Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’
6 Et si nous répondons: Des hommes, tout le peuple nous lapidera, car ils tiennent pour certain que Jean était prophète.
Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.”
7 Ils répondirent donc qu’ils ne savaient d’où il était.
Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.”
8 Et Jésus leur dit: Ni moi, je ne vous dis pas non plus par quelle autorité je fais ces choses.
Jesu akati, “Neniwo handichakuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.”
9 Alors il se mit à dire au peuple cette parabole: Un homme planta une vigne, et la loua à des vignerons, et lui-même fut longtemps en voyage.
Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu.
10 Et dans la saison, il envoya un de ses serviteurs aux vignerons, pour qu’ils lui donnassent du fruit de la vigne. Mais eux, après l’avoir déchiré de coups, le renvoyèrent les mains vides.
Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu.
11 Il envoya encore un autre serviteur. Mais eux, l’ayant aussi déchiré de coups et chargé d’outrages, ils le renvoyèrent les mains vides.
Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu.
12 Enfin il en envoya un troisième; les vignerons le blessèrent aussi et le jetèrent dehors.
Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze.
13 Alors le maître de la vigne dit: Que ferai-je? J’enverrai mon fils bien-aimé; peut être que lorsqu’ils le verront, ils le respecteront.
“Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’
14 Mais les vignerons l’ayant vu, pensèrent en eux-mêmes, disant: Celui-ci est l’héritier, tuons-le, afin que nôtre devienne l’héritage.
“Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’
15 Et l’ayant jeté hors de la vigne, ils le tuèrent. Que leur fera donc le maître de la vigne?
Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya. “Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari?
16 Il viendra, et perdra ces vignerons, et donnera la vigne à d’autres. Ce qu’ayant entendu, ils lui dirent: À Dieu ne plaise!
Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!”
17 Mais Jésus les regardant dit: Qu’est-ce donc que ce qui est écrit: La pierre qu’ont rejetée ceux qui bâtissaient est devenue un sommet d’angle?
Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti: “‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’?
18 Quiconque tombera sur cette pierre sera brisé, et celui sur qui elle tombera, elle le réduira en poudre.
Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.”
19 Et les princes des prêtres et les scribes cherchaient à mettre la main sur lui en cette heure-là, mais ils craignirent le peuple; ils avaient compris que c’étaient à eux qu’il avait appliqué cette parabole.
Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu.
20 Et, l’épiant, ils envoyèrent des gens qui feignaient d’être justes, pour lui tendre des embûches et le surprendre dans ses paroles, afin de le livrer au magistrat et au pouvoir du gouverneur.
Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati.
21 Ainsi ils l’interrogèrent disant: Maître, nous savons que vous parlez et enseignez avec droiture; que vous ne faites acception de personne, mais que vous enseignez la voix de Dieu dans la vérité:
Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi.
22 Nous est-il permis de payer le tribut à César, ou non?
Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?”
23 Considérant leur ruse, il leur dit: Pourquoi me tentez-vous?
Akaona kunyengera kwavo akati kwavari,
24 Montrez-moi un denier. De qui porte-t-il l’image et l’inscription? Ils lui répondirent: De César.
“Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvani?”
25 Et il leur dit: Rendez donc à César ce qui est à César, et à Dieu ce qui est à Dieu.
Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.”
26 Et ils ne purent reprendre aucune de ses paroles devant le peuple; mais ils admirèrent sa réponse, et se turent.
Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.
27 Quelques-uns des sadducéens, qui nient qu’il y ait une résurrection, s’approchèrent alors et l’interrogèrent;
Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu.
28 Disant: Maître, Moïse a écrit pour nous: Si le frère de quelqu’un meurt, ayant une femme, mais étant sans enfants, que son frère prenne sa femme et suscite une postérité à son frère.
Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana.
29 Or il y avait sept frères; et le premier prit une femme, et mourut sans enfants.
Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana.
30 Le suivant prit la femme, et mourut lui-même sans enfants.
Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana.
31 Et le troisième la prit; et pareillement tous les sept, et ils n’ont point laissé de postérité, et ils sont morts.
Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana.
32 Enfin, après eux tous, est morte aussi la femme.
Pakupedzisira, mukadzi akafawo.
33 À la résurrection donc, duquel sera-t-elle femme, puisque les sept l’ont eue pour femme?
Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?”
34 Jésus leur dit: Les fils de ce siècle se marient et sont donnés en mariage; (aiōn g165)
Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa. (aiōn g165)
35 Mais ceux qui seront trouvés dignes du siècle à venir et de la résurrection des morts, ne se marieront point et n’épouseront point de femmes; (aiōn g165)
Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa, (aiōn g165)
36 Car ils ne pourront plus mourir; parce qu’ils sont égaux aux anges, et fils de Dieu, étant fils de la résurrection.
uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa.
37 Or que les morts ressuscitent, Moïse le montre à l’endroit du buisson, quand il appelle le Seigneur, le Dieu d’Abraham, le Dieu d’Isaac et le Dieu de Jacob.
Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’
38 Or Dieu n’est point le Dieu des morts, mais des vivants; car tous vivent pour lui.
Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”
39 Quelques-uns des scribes, prenant la parole, lui dirent: Maître, vous avez bien dit.
Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!”
40 Et on n’osait plus lui faire aucune question.
Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.
41 Mais il leur demanda: Comment dit-on que le Christ est fils de David?
Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?
42 Puisque David lui-même dit dans le livre des Psaumes: Le Seigneur a dit à mon Seigneur: Asseyez-vous à ma droite,
Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti: “‘Ishe akati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi
43 Jusqu’à ce que je fasse de vos ennemis l’escabeau de vos pieds.
kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’
44 Ainsi David l’appelle son Seigneur; comment donc est-il son fils?
Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”
45 Or tout le peuple l’écoutant, il dit à ses disciples:
Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake,
46 Gardez-vous des scribes, qui se plaisent à se promener avec de longues robes, aiment les salutations dans les places publiques, les premiers sièges dans les synagogues, et les premières places dans les festins;
“Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.
47 Qui dévorent les maisons des veuves sous prétexte de longues prières. Ceux-ci subiront une condamnation plus rigoureuse.
Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu, kuti vaonekwe. Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”

< Luc 20 >