< Actes 13 >
1 Il y avait dans l’église d’Antioche des prophètes et des docteurs, parmi lesquels Barnabé et Simon, qui s’appelait le Noir, Lucius de Cyrène, et Manahen, frère de lait d’Hérode le tétrarque, et Saul.
Zvino paivapo muAndiyokiya, mukereke ipapo vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro.
2 Or pendant qu’ils offraient au Seigneur les saints mystères, et qu’ils jeûnaient, l’Esprit-Saint leur dit: Séparez-moi Saul et Barnabé pour l’oeuvre à laquelle je les ai appelés.
Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Bhanabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.
3 Alors, ayant jeûné et prié, ils leur imposèrent les mains et les firent partir.
Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.
4 Et eux, étant ainsi envoyés par l’Esprit-Saint, allèrent à Séleucie, et de là ils firent voile pour Chypre.
Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa naMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.
5 Quand ils furent venus à Salamine, ils annonçaient la parole de Dieu dans les synagogues des Juifs. Or Jean les aidait dans le ministère.
Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge eVaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri.
6 Après qu’ils eurent parcouru toute l’île jusqu’à Paphos, ils trouvèrent un certain homme, magicien, faux prophète et Juif, dont le nom était Barjésu,
Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, wainzi Bhari-Jesu.
7 Et qui était avec le proconsul Sergius Paulus, homme prudent. Celui-ci, ayant fait venir Barnabé et Saul, désirait entendre la parole de Dieu.
Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.
8 Or Elymas, le magicien (car c’est ainsi qu’on interprête son nom), leur résistait, cherchant à détourner le proconsul de la foi.
Asi Erimasi n'anga, nokuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.
9 Mais, rempli de l’Esprit-Saint, Saul, qui est le même que Paul, le regardant,
Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,
10 Dit: Ô homme plein de toute malice et de toute fraude, fils du diable, ennemi de toute justice, tu ne cesses de subvertir les voies droites du Seigneur.
wakati: Iwe uzere nekubiridzira kwese nekunyengera kwese, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kwese, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?
11 Mais maintenant, voilà la main du Seigneur sur toi, et tu seras aveugle, ne voyant point le soleil jusqu’à un certain temps. Et soudain tomba sur lui une profonde obscurité et des ténèbres; et allant çà et là, il cherchait qui lui donnât la main.
Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.
12 Alors le proconsul voyant ce fait, crut, admirant la doctrine du Seigneur.
Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.
13 Paul et ceux qui étaient avec lui, s’étant embarqués à Paphos, vinrent à Perge de Pamphylie. Mais Jean, se séparant d’eux, s’en retourna à Jérusalem.
Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.
14 Mais eux, passant au-delà de Perge, vinrent à Antioche de Pisidie, et, étant entrés dans la synagogue le jour du sabbat, ils s’assirent.
Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.
15 Après la lecture de la loi et des prophètes, les chefs de la synagogue envoyèrent vers eux, disant: Hommes, nos frères, si vous avez quelque exhortation à faire au peuple, parlez.
Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekurudziro kuvanhu, taurai.
16 Alors Paul se levant, et de la main commandant le silence, dit: Hommes d’Israël, et vous qui craignez Dieu, écoutez:
Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume VaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.
17 Le Dieu du peuple d’Israël a choisi nos pères, et a exalté ce peuple lorsqu’il habitait dans la terre d’Egypte, et, le bras levé, il l’en a retiré.
Mwari werudzi urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.
18 Et pendant une durée de quarante ans, il supporta sa conduite dans le désert.
Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inenge makore makumi mana murenje.
19 Puis, ayant détruit sept nations dans le pays de Chanaan, il lui en partagea la terre par le sort,
Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKenani, akavagovera nyika yavo nemujenya.
20 Après environ quatre cent cinquante ans; et ensuite, il leur donna des juges jusqu’au prophète Samuel.
Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita.
21 Alors ils demandèrent un roi, et Dieu leur donna Saül, fils de Cis, de la tribu de Benjamin, pendant quarante ans;
Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini, makore makumi mana.
22 Puis l’ayant ôté, il leur suscita pour roi David, à qui il rendit témoignage, disant: J’ai trouvé David, fils de Jessé, homme selon mon cœur, qui fera toutes mes volontés.
Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume anoenderana nemoyo wangu, achaita chido changu chese.
23 C’est de sa postérité que Dieu, selon sa promesse, a suscité à Israël le Sauveur Jésus,
Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;
24 Jean, avant sa venue, ayant prêché le baptême de pénitence à tout le peuple d’Israël.
iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vese VaIsraeri.
25 Et lorsque Jean achevait sa course, il disait: Je ne suis pas celui que vous pensez; mais voilà que vient après moi celui dont je ne suis pas digne de délier la chaussure.
Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu anouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.
26 Hommes, mes frères, fils de la race d’Abraham, c’est à vous, et à ceux qui parmi vous craignent Dieu, que la parole de ce salut a été envoyée.
Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahama, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.
27 Car ceux qui habitaient Jérusalem, et leurs chefs, le méconnaissant et ne comprenant pas les paroles qui sont lues à chaque sabbat, ils les ont accomplies en le condamnant;
Nokuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, uye manzwi evaporofita anoverengwa sabata rimwe nerimwe, vakaazadzisa pakumurasa;
28 Et, ne trouvant en lui aucune cause de mort, ils demandèrent à Pilate de le faire mourir.
uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.
29 Et après qu’ils eurent consommé tout ce qui était écrit de lui, le descendant du bois, ils le mirent dans un sépulcre.
Zvino vakati vapedza zvese zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.
30 Mais Dieu l’a ressuscité des morts le troisième jour, et pendant un grand nombre de jours il a été vu de ceux
Asi Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa;
31 Qui étaient montés avec lui de Galilée à Jérusalem, et qui sont maintenant ses témoins devant le peuple.
iye wakaonekwa kwemazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.
32 Et nous, nous vous annonçons que la promesse qui a été faite à nos pères,
Nesu tinoparidza kwamuri mashoko akanaka echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,
33 Dieu l’a tenue à nos fils, ressuscitant Jésus, comme il est écrit dans le deuxième psaume: Vous êtes mon fils, je vous ai engendré aujourd’hui.
kuti Mwari wakazadzisa ichi kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsa Jesu; sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.
34 Et qu’il l’ait ressuscité d’entre les morts, pour ne plus retourner à la corruption, c’est ce qu’il a dit par ces paroles: Je vous tiendrai les promesses sacrées faites à David, promesses inviolables.
Zvino zvekuti wakamumutsa kubva kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.
35 Et ailleurs encore il dit: Vous ne permettrez point que votre Saint voie la corruption.
Naizvozvowo anoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
36 Car David, après avoir servi en son temps aux desseins de Dieu, s’endormit; il fut déposé près de ses pères, et vit la corruption.
Nokuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake pachake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;
37 Mais celui que Dieu a ressuscité d’entre les morts, n’a point vu la corruption.
asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora.
38 Qu’il soit donc connu de vous, mes frères, que c’est par lui que la rémission des péchés vous est annoncée; et toutes les choses dont vous n’avez pu être justifiés par la loi de Moïse,
Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kanganwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;
39 Quiconque croit en lui, en est justifié par lui.
uye neuyu ani nani anotenda anonzi wakarurama pazvinhu zvese zvamakange musingagoni kunzi makarurama pazviri nemurairo waMozisi.
40 Prenez donc garde que ne vienne sur vous ce qui est dit dans les prophètes:
Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:
41 Voyez, contempteurs, admirez et anéantissez-vous; car je fais une œuvre en vos jours, une œuvre que vous ne croirez pas, si on vous la raconte.
Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamisike, nekuparadzwa; nokuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatombotendi, kunyange umwe achikurondedzerai.
42 Lorsqu’ils sortaient de la synagogue, on les priait de parler, le sabbat suivant, sur le même sujet.
Zvino pakubuda kweVaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa ataurwe kwavari pasabata raitevera.
43 Et quand l’assemblée se fut séparée, beaucoup de Juifs et de prosélytes servant Dieu, suivirent Paul et Barnabé qui, leur parlant, les exhortaient à persévérer dans la grâce de Dieu.
Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji veVaJudha nevakatendeukira kuVaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivagombedzera kuti varambire munyasha dzaMwari.
44 Or, le sabbat suivant, presque toute la ville s’assembla pour entendre la parole de Dieu.
Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rese rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.
45 Mais, voyant cette foule, les Juifs furent remplis de colère, et, blasphémant, ils contredisaient les paroles de Paul.
Zvino VaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.
46 Alors Paul et Barnabé dirent hardiment: C’était à vous qu’il fallait d’abord annoncer la parole de Dieu; mais puisque vous la rejetez, et que vous vous jugez indignes de la vie éternelle, voilà que nous nous tournons vers les gentils; (aiōnios )
Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu husingaperi, tarirai, tinotendeukira kuvahedheni. (aiōnios )
47 Car le Seigneur nous l’a commandé en ces termes: Je t’ai établi la lumière des gentils, afin que tu sois leur salut jusqu’aux extrémités de la terre.
Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika.
48 Ce qu’entendant, les gentils se réjouirent, et ils glorifiaient la parole de Dieu; et tous ceux qui étaient préordonnés à la vie éternelle embrassèrent la foi. (aiōnios )
Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevese vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda; (aiōnios )
49 Ainsi la parole du Seigneur se répandait par toute la contrée.
uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rese.
50 Mais les Juifs ayant animé les femmes dévotes et de qualité, et les principaux de la ville, excitèrent une persécution contre Paul et Barnabé, et les chassèrent du pays.
Asi VaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.
51 Alors ceux-ci, ayant secoué contre eux la poussière de leurs pieds, vinrent à Icone.
Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikonio.
52 Cependant les disciples étaient remplis de joie et de l’Esprit-Saint.
Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.