< Romains 8 >

1 Il n'y a donc maintenant aucune condamnation pour ceux qui sont en Jésus-Christ,
Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,
2 parce que la loi de l'esprit de vie m'a affranchi, en Jésus-Christ, de la loi du péché et de la mort.
nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.
3 Car ce qui était impossible à la loi, attendu que la chair la rendait impuissante. Dieu l'a fait! En envoyant, à cause du péché, son propre Fils dans une chair semblable à notre chair de péché, il a condamné le péché dans la chair,
Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi,
4 afin que la justice prescrite par la loi fût accomplie en nous, qui marchons non selon la chair, mais selon l'esprit.
kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya.
5 En effet, ceux qui vivent selon la chair s'attachent aux choses de la chair; mais ceux qui vivent selon l'esprit, s'attachent aux choses de l'esprit.
Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya.
6 Or, les sentiments que fait naître la chair produisent la mort; mais les sentiments que fait naître l'esprit produisent la vie et la paix.
Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;
7 L'attachement à la chair, en effet, est inimitié contre Dieu; car la chair ne se soumet pas à la loi de Dieu, et même elle ne le peut pas.
nokuti kufunga kwenyama kunovenga Mwari. Hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari, uye hakugoni kuzviita.
8 Or, ceux qui vivent selon la chair ne peuvent plaire à Dieu.
Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari.
9 Pour vous, vous ne vivez pas selon la chair, mais selon l'esprit, s'il est vrai que l'Esprit de Dieu habite en vous; mais si quelqu'un n'a pas l'esprit de Christ, il n'est point à lui.
Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu,
10 Si donc Christ est en vous, le corps est mort à cause du péché, mais l'esprit est vivant à cause de la justice.
Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wenyu wakafa nokuda kwechivi, asi Mweya wenyu mupenyu nokuda kwokururama.
11 Et si l'Esprit de Celui qui a ressuscité Jésus d'entre les morts habite en vous, Celui qui a ressuscité Jésus-Christ d'entre les morts rendra aussi la vie à vos corps mortels, par son Esprit qui habite en vous.
Uye kana Mweya waiye akamutsa Kristu kubva kuvakafa uchigara mamuri, iye akamutsa Kristu kubva kuvakafa achapawo upenyu kumiviri yenyu inofa kubudikidza noMweya wake unogara mamuri.
12 Ainsi donc, frères, nous ne sommes point redevables à la chair, pour vivre selon la chair.
Naizvozvo, hama, tine mungava, asi kwete wenyama, kuti tirarame maererano nezvainoda.
13 En effet, si vous vivez selon la chair, vous devez mourir; mais si, par l'esprit, vous faites mourir les oeuvres du corps, vous vivrez.
Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama,
14 Car tous ceux qui sont conduits par l'Esprit de Dieu, sont fils de Dieu.
nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.
15 Aussi bien, vous n'avez pas reçu un esprit de servitude pour être encore dans la crainte; mais vous avez reçu l'esprit d'adoption, par lequel nous crions: Abba, c'est-à-dire: Père!
Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.”
16 L'Esprit lui-même rend témoignage à notre esprit que nous sommes enfants de Dieu.
Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.
17 Et si nous sommes enfants, nous sommes aussi héritiers: héritiers de Dieu et cohéritiers de Christ, si toutefois nous souffrons avec lui, afin que nous soyons aussi glorifiés avec lui.
Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.
18 Or, j'estime qu'il n'y a aucune proportion entre les souffrances du temps présent et la gloire à venir qui doit être manifestée en nous.
Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
19 En effet, la création attend, avec un ardent désir, que les enfants de Dieu soient manifestés.
Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.
20 Car la création a été assujettie à la vanité, non pas volontairement, mais à cause de celui qui l'y a assujettie.
Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro
21 Et elle espère qu'elle aussi sera délivrée de la servitude de la corruption, pour avoir part à la liberté glorieuse des enfants de Dieu.
yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.
22 Car nous savons que, jusqu'à ce jour, toute la création ensemble soupire, et qu'elle est comme en travail;
Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino.
23 et non seulement elle, mais nous, qui avons reçu les prémices de l'Esprit, nous soupirons, nous aussi, en nous-mêmes, attendant l'adoption, la rédemption de notre corps.
Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.
24 En effet, c'est en espérance que nous sommes sauvés; or, quand on voit ce qu'on espérait, ce n'est plus de l'espérance: ce que l'on voit, pourquoi l'espérer encore?
Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare?
25 Mais si nous espérons ce que nous ne voyons pas, nous l'attendons avec patience.
Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira.
26 De même aussi, l'Esprit vient en aide à notre faiblesse. Car nous ne savons pas ce que nous devons demander, pour prier comme il faut; mais l'Esprit lui-même intercède pour nous par des soupirs inexprimables.
Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko.
27 Et Celui qui sonde les coeurs sait quelle est la pensée de l'Esprit, parce que c'est selon Dieu qu'il intercède en faveur des saints.
Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.
28 Or, nous savons que toutes choses concourent au bien de ceux qui aiment Dieu, de ceux qui sont appelés, selon le dessein qu'il en avait formé.
Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.
29 Car ceux qu'il a connus d'avance, il les a aussi prédestinés à être conformes à l'image de son Fils, afin que celui-ci soit le premier-né de plusieurs frères.
Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.
30 Et ceux qu'il a prédestinés, il les a aussi appelés; ceux qu'il a appelés, il les a aussi justifiés; et ceux qu'il a justifiés, il les a aussi glorifiés.
Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakaruramisirawo; vaya vaakaruramisira, ndivo vaakakudzawo.
31 Que dirons-nous donc après cela? Si Dieu est pour nous, qui sera contre nous?
Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa?
32 Lui qui n'a point épargné son propre Fils, mais qui l'a livré pour nous tous, comment ne nous donnera-t-il pas aussi toutes choses avec lui?
Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye?
33 Qui accusera les élus de Dieu? Dieu est celui qui les justifie.
Ndianiko achapa mhosva avo vakasarudzwa naMwari? Mwari ndiye anoruramisira.
34 Qui condamnera? Jésus-Christ est celui qui est mort; bien plus, il est ressuscité, il est à la droite de Dieu, et il intercède pour nous!
Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu, ndiye akafa pamusoro pezvo, ndiye akamutswa akava mupenyu, ari kurudyi rwaMwari, uye anotinyengetererawo.
35 Qui nous séparera de l'amour du Christ? Sera-ce l'affliction, ou l'angoisse, ou la persécution, ou la faim, ou la nudité, ou le péril, ou l'épée?
Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo?
36 Il est écrit, en effet: «Nous sommes tout le jour livrés à la mort à cause de toi; on nous regarde comme des brebis destinées à la boucherie.»
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose; tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.”
37 Mais voici que, dans toutes ces épreuves, nous sommes plus que vainqueurs par Celui qui nous a aimés.
Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.
38 Car je suis assuré que ni la mort, ni la vie, ni les anges, ni les dominations, ni les choses présentes, ni les choses à venir,
Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo,
39 ni les puissances, ni hauteur, ni profondeur, ni aucune autre créature ne pourra nous séparer de l'amour que Dieu nous a témoigné en Jésus-Christ, notre Seigneur.
kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.

< Romains 8 >